7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


English Ndau Shona 


Une Zvose Zvinodiwa



Mugovera, 31 Ndira 2026



*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze



"Kuziva ivo vakatitora kuti tive vanhu verudzi rwavo. Vakakwana. Kwakaita kuti simba ravo reVamwari ritiwanise zvinhu zvose zvinodikanwa pahupenyu. Nepakunamata Mwari" (2 Pita 1 ndima 3).

Kururama kwaMwari kuri kushanda matiri. Kururama uku kune zvakunoita muhupenyu hwedu. Zvinhu zvacho zvinoshamisa zvikuru. Kunoita kuti hupenyu hwako hupinde mugwara ravakakurongera ivo. Kunoita kuti uve nezvose zvaunofanira kuva nazvo. Mwari vanofanira kukuitira zvinhu zvakanaka. Ihwohwo ndihwo hunhu hwavo. Uye zvakarurama kuti vakuitire zvakanaka. Saka vanotofanira kukuwanisa zvinhu zvose. Vachiita kuti pasawana chaunoshaiwa. Zvichizoita kuti ugone kuita zvose zvavakakutuma kuita.

Isu takapiwa maropafadzo ari mumweya. Takaapiwa OSE. Iwo maropafadzo aya ari muna Muponesi Jesu. Iwayo anowanikwa kumatenga. Saka iwe wakapiwa maropafadzo ose. Hapana rausina. Chimbofunga zvataverenga mundima yatavhura nayo. Inoti simba raMwari rakatiwanisa zvinhu zvose. Zvingava zviri mumweya. Kana zviri panyika pano. Izvozvo zvinodiwa kuti ugone kuita zvawakatumwa naMwari. Uchirarama hupenyu hwavakakurongera.

Mwari vane hupenyu hwavakaronga kuti urarame. Ndezvipi zvinhu zvinodiwa kuti urarame hupenyu uhu? Iwe wakatopiwa zvinhu zvose izvi. Satani angatsvaka hake kuti ufunge kuti hauna zvinhu zvacho. Asi iye murevi wenhema. Saka usatombofunga nezvake. Iwe taura uchiti, "Ndinovimba neShoko raMwari pakurarama kwangu. Mwari vane zvinhu zvavanoti ndinazvo. Ndinobvuma kuti ndine zvinhu izvi pachokwadi. Jehovha ndivo Mufudzi wangu. Saka hazvigoni kuti ndishaiwe chimwe chinhu. Zvinhu zvose ndezvangu".

Aya ndiwo anofanira kunge ari mafungiro ako. Une hupenyu hwawakarongerwa naMwari. Pane zvaunofanira kuva nazvo kuti urarame hupenyu uhu. Zvinhu zvose izvi zvinouya kwauri. Mwari vakatoronga kuti zviuye kwauri. Zvinhu zvose ndezvako. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yekutanga kuVakorinde chitsauko chetatu ndima yemakumi maviri neimwe. Tsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko chepfumbamwe ndima yesere inoti, "Zvino Mwari vanogona kuita kuti nyasha dziuye kwamuri. Dzakawanda. Kuti mugare muine zvinhu zvakakwana. Muchitowana zvimwe zvekushandisa kuita mabasa akanaka". Mwari vakatokupa nyasha idzi. Mwari ngavakudzwe!

Namata Uchiti

Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa zvose zvinodiwa panyika pano. Nezvose zvinodiwa mumweya. Saka ndine fuma huru. Iyo fuma iya iri muna Muponesi. Imi makandipa nyasha dzakawanda. Mukandipa zvose zvinodiwa kuti ndigone kuita mabasa ose akanaka. Saka hapana chandinoshaiwa. Ndinorarama semunhu asina chaanoshaiwa. Ndichiita mabasa enyu ndakafara. Ndichimaita nomazvo. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi

2 Vakorinde 9 ndima 8 (AMPC)

Vaefeso 1 ndima 3

1 Vakorinde 3 ndima 21

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:

Rhapsody of Realities (Shona)

Rinonyorwa na:

Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.

Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/

Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)