7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chiraga
English
Manyika.Am
Ndau
Shona
Shoko RaMwari Rinofanira Kuvonekwa PaHupenyu Hwako
Muvhuro, 2 Kurume 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
“Ivo vaya vakasarudzwa naMwari. Vachivasarudza kuti vavazivise kukura kwechakavanzika ichi. Chinova cheVamwari. Chavakarongera vanhu vasiri Vajudha. Chekuti Muponesi agare mamuri. Mugova vanhu verudzi rweVamwari” (Vakorose 1 ndima 27).
Shoko raMwari rinofanira kuvonekwa pahupenyu hwako. Ikoko ndiko kurarama hupenyu hweVamwari chaiko. Saka ungataura. Shoko raMwari ndiro rinofanira kunzwikwa. Ungaita zvinhu. Shoko raMwari ndiro rinofanira kuvonekwa. Rinofanira kuvonekwa muzvinhu zvose zvaungaita.
Ishe Jesu vakamborarama vari panyika pano. Shoko raMwari ndiro roga raingovonekwa pavari. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Johane yekutanga ndima yegumi nena. Inoti, “Shoko iri rakazoshanduka. Rikava munhu wenyama. Akagara pakati pedu. …”. Mwari ndivo vaivonekwa pana Jesu ava. Shoko raMwari ndiro rakakuzvara. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yaPita yekutanga chitsauko chekutanga ndima yemakumi maviri nenhatu. Inoti, “Nokuti makazvarwa patsva. Kechipiri. Musingazvarwi nembeu inovora. Asi isingavori. Inova Shoko raMwari. Benyu. Rinogara nekusingaperi”. Saka Shoko raMwari ndiro rinofaniravo kuvonekwa pahupenyu hwako.
Iwe wava tsamba yaMuponesi. Vanhu vava kuverenga nezvaMuponesi pauri. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko chechitatu ndima yepiri kusvika yetatu. Inoti, “… imi muri tsamba yaMuponesi. Yakanyorwa nesu. Kwete nemavoko. Asi naMweya vaMwari vanorarama. Tsamba yakanyorwa pamoyo. Unova hwendefa renyama. Kwete rebwe”. Shoko raMuponesi ndiyo tsamba yaMuponesi.
Tisu tsamba yaMuponesi iyi. Ndiko kusaka Mwari vachivonekwa patiri. Ndiko kusaka kururama kwavo kuchivonekwa patiri. Saka iwe ungasvika panzvimbo. Vanhu vanobva vatovona Muponesi panzvimbo iyi. Tichiri panyika pano hedu. Asi takafanana naMuponesi pazvose. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yaJohane yekutanga chitsauko chechina ndima yegumi nenomwe. Vanhu vanozivira Muponesi pauri. Vanovona mazano aMuponesi pauri. Vanovona nyasha dzaMuponesi pauri. Vanovona simba raMuponesi pauri. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko chechipiri ndima yegumi nena. Mwari ngavakudzwe! Vanhu venyika ino vanotokuvona saMuponesi. Vanovona rudo rwaMuponesi pauri. Vanovona simba raMuponesi pauri. Vanovona hanya dzaMuponesi pauri. Vanovona nyasha dzaMuponesi pauri. Chinzwisisa kuti ndiwe Muponesi anozikanwa nevanhu venyika ino.
Pupura Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandiita tsamba yenyu. Vanhu vanoverenga nezvenyu pandiri. Simba raMuponesi rinovonekwa pahupenyu hwangu. Ndinovonekwa kuti ndiri munhu werudzi rweVamwari. Ndinoita kuti vamwe vashandukevo rudzi. Vave veropa raMuponesi. Shoko reRuponeso ndiro randinoshandisa kuvashandura rudzi kudai. Vanondivona vanopedzisira vava kunzwisisa Mwari. Vanovona nyasha dzenyu. Vanovona simba renyu. Vanovona mazano enyu. Vanovona kururama kwenyu. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Jemusi 1:18; 2 Vakorinde 3:2-3 NKJV; Vakorinde 2:14 AMPC
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church