7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chiraga English Manyika.Am Ndau Shona 

Soko RaMwari Rinofanire Kuonekwa PaHupenyu Hwako

Muvhuro, 2 Kurume 2026,

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze*

“Iwo aya akachuzwa ndiMwari. Achiachuza kuti aaziyise kukura kwechakahwandika ichi. Chinowa cheVamwari. Chaakarongera anhu asiri Vajudha. Chekuti Muponesi agare mamuri. Muzowa anhu erudzi rweVamwari” (Vakorose 1 v 27).

Soko raMwari rinofanira kuonekwa pahupenyu hwako. Ikoko ndiko kurarame hupenyu hweVamwari chaiko. Saka ungareketa. Soko raMwari ndiro rinofanire kuzwikwa. Ungaite zviro. Soko raMwari ndiro rinofanire kuonekwa. Rinofanire kuonekwa muzviro zvese zvaungaita.

Ishe Jesu akamborarama ari panyika pano. Soko raMwari ndiro rega raingoonekwa paari. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Johane 1 v 14. Inoti, “Soko iri rakazoshanduka. Rikawa munhu wenyama. Akagara pakati pedu. …”. Mwari ndiwo aionekwa pana Jesu aya. Soko raMwari ndiro rakakubara. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba yaPita yekutanga chapta 1 v 23. Inoti, “Ngekuti makabarwa panyowani. Kechipiri. Musingabarwi ngembewu inoora. Asi isingaori. Inowa Soko raMwari. Benyu. Rinogara nekusingaperi”. Saka Soko raMwari ndiro rinofanirawo kuonekwa pahupenyu hwako.

Iwe waa tsamba yaMuponesi. Anhu wawa kuerenga nezvaMuponesi pauri. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba yechipiri kuVakorinde chapta 3 v 2 kusvika 3. Inoti, “… imi muri tsamba yaMuponesi. Yakanyorwa nesu. Kwete nemaokoba. Asi ngeMweya aMwari anorarama. Tsamba yakanyorwa pamoyo. Unowa hwendefa renyama. Kwete rebuweba”. Soko raMuponesi ndiyo tsamba yaMuponesi.

Tisu tsamba yaMuponesi iyi. Ndiko kusaka Mwari achionekwa patiri. Ndiko kusakahe kururama kwawo kuchionekwa petiri. Saka iwe ungasvika panzvimbo. Anhu anobva atoona Muponesi panzvimbo iyi. Tichiri panyika pano hedu. Asi takafanana naMuponesi pazvese. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba yaJohane yekutanga chapta 4 v 17. Anhu anoziyira Muponesi pauri. Anoona mazano aMuponesi pauri. Anoona nyasha dzaMuponesi pauri. Anoona simba raMuponesi pauri. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba yechipiri kuVakorinde chapta 2 v 14. Mwari ngaakudzwe! Anhu enyika ino anotokuona saMuponesi. Anoona rudo rwaMuponesi pauri. Anoona simba raMuponesi pauri. Anoona hanya dzaMuponesi pauri. Anoona nyasha dzaMuponesi pauri. Chizwisisa kuti ndiwe Muponesi anozikanwa ngeanhu enyika ino.

Pupura Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandiita tsamba yenyu. Anhu anoerenga ngezvenyu pandiri. Simba raMuponesi rinoonekwa pahupenyu hwangu. Ndinoonekwa kuti ndiri munhu werudzi rweVamwari. Ndinoita kuti amwe ashandukewo rudzi. Awe eropa raMuponesi. Soko reRuponeso ndiro randinoshandisa kuvashandura rudzi kudai. Anondiona anopedzisira akuzwisisa Mwari. Anoona nyasha dzenyu. Anoona simba renyu. Anoona mazano enyu. Anoona kururama kwenyu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Jemusi 1:18; 2 Vakorinde 3:2-3 NKJV; Vakorinde 2:14 AMPC

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church