7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Kugomere MuMweya

Muvhuro, 2 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Hama dzangu. Chisuwo chemoyo wangu. Nemunyengetero wangu kuna Mwari. Ndewekuti Isiraeri iponeswe" (Varoma 10 v 1).

Iwe ungade kushumira Soko raMwari kuanhu. Anhu acho angaa akawanda manaingi. Angaa munhu umwe basi. Ndinokuyambira kuti uambe ngekunamata. Namata ngemoyo wako wese. Uchinyengeterere anhu acho. Uchitsvake kuti agamuchire Soko raMwari iri. Urangarire mufananidzo wemukushi. Tinouwana muBhaibheri. Tinouerenga muna Ruka 8 v 5 kusvika 14. Apa mukushi akakushe mbewu. Dzimweni dzacho dzakawire pakanga pasina kurimwaba. Mbewu idzi hadzinaba kukonaba kukura. Dzakapedzisira dzafa.

Iwe une Soko rawakabatiswa. Soko iri rakakosha maningi. Harisiba rekundoshumira kuanhu basi ba. Unofanire kutanga warima moyo yeanhu vacho. Unoirimira mumweya. Ndiko kuti akone kurigamuchira. Hupenyu hwawo huchizoshanduka. Izvi ndizvo zvatinoona muna Vakorose 4 v 12. Pauro ndiye akanyore vhesi iyi. Anoti, "Epafurasi anokumhoresayi. Uyo anowa umweni wenyu. Muranda waMuponesi. Futihe anogara achishingaira. Achikunamatirai kuti muwe akasimba. Muwe zvese zvamakarongerwa naMwari".

Muvhesi iyi mune soko rinoti, "kushingaira". Soko iri rinoturikirwa kubva kusoko reChigiriki. Soko reChigiriki racho ngeerinoti, "agonizomai". Rinorewa kurwisa. Kuita mutsimba. Kana kushanda ngemoyo wese. Ndiko kunamata kwaunofanire kuita uku. Unenge uri kurwira mweya yeanhu. Uchiibvise mumaoko aSatani. Saka unganyengeterera munhu asina kuponeswa. Kana kuti asiri kukoshese zviro zvaMwari. Mweya wako unofanire kurwisa. Uchirambe kusiya munhu uyu achirarama ngenzira iyoyo.

Saka unochemere munhu uyu. Uchimuchemere kuna Ishe. Uchinamatahe kuti Mwari abate moyo wake. Achiita kuti ade Muponesi. Uchinamatawo kuti atye Mwari. Atungamirirwe ngeSoko rawo pakurarama kwake. Achikoshese zvinofadza Mwari. Unonyengeterera munhu uyu. Uchitsvake kuti nzinde yake idzike mukururama. Mweya wake ushingairire Mwari. Achishingaira kuita mabasa akanaka. Hupenyu hwake huchiita kuti anhu akudze Mwari.

Pane zvinozoitikawo mumweya wako uchinamata kudai. Uchichema. Uchirwira mweya yeanhu. Mweya waMwari anozotutsira nyasha muhupenyu hwako. Unenge uri muimba yekutonga. Saka unozoona batsiro yese yaunoda. Pamwepo nenyasha dzekupe amweni. Izvi ndizvo zvinoitika patinonamata. Ndizvo zvinoita kuti minamato yedu ikone kugadzirisa hupenyu hweanhu.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Nyasha dzenyu dziri kushanda mandiri. Dziri kushanda kudai pandiri kushingirira kunyengeterera anhu. Iwo anhu aya andiri kushumira kwaari. Moyo yawo yabeuka. Yaa kukona kugamuchira shuwa chenyu. Zvipingaidzo zvese zvinobviswa. Moyo yawo ichiiswa pamuri imi. Nepazviro zvekudenga. Anosimbiswa mukururama. Mweya yawo ichikushingairirai. Achiita mabasa ese akanaka ngemazvo. Achiita kuti zita renyu rikudzwe. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Ruka 22 v 44
Vahebheru 4 v 16
Jemusi 5 v 16

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church