7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Kugomera MuMweya
Muvhuro, 2 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
"Hama dzangu. Chishuvo chemoyo wangu. Nemunyengetero wangu kuna Mwari. Ndewokuti Isiraeri iponeswe" (Varoma 10 ndima 1).
Iwe ungada kushumira Shoko raMwari kuvanhu. Vanhu vacho vangava vakawanda. Angava munhu mumwe chete. Ndinokuyambira kuti utange wanamata. Namata nemoyo wako wose. Uchinyengeterera vanhu vacho. Uchitsvaka kuti vagamuchire Shoko raMwari iri. Urangarire mufananidzo wemukushi. Tinouwana muBhaibheri. Tinouverenga muna Ruka yesere ndima yeshanu kusvika gumi nena. Apa mukushi akakusha mbeu. Dzimwe dzacho dzakawira pakanga pasina kurimwa. Mbeu idzi hadzina kugona kukura. Dzakapedzisira dzafa.
Iwe une Shoko rawakabatiswa. Shoko iri rakakosha zvikuru. Harisi rekungoshumira kuvanhu. Unofanira kutanga warima moyo yevanhu vacho. Unoirimira mumweya. Ndiko kuti vagone kurigamuchira. Hupenyu hwavo huchizoshanduka. Izvi ndizvo zvatinovona muna Vakorose yechina ndima yegumi nembiri. Pauro ndiye akanyora ndima iyi. Anoti, "Epafurasi anokumhoresai. Uyo anova mumwe wenyu. Muranda waMuponesi. Uye anogara achishingaira. Achikunamatirai kuti muve vakasimba. Muve zvose zvamakarongerwa naMwari".
Mundima iyi mune shoko rinoti, "kushingaira". Shoko iri rinoturikirwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko reChigiriki racho nderinoti, "agonizomai". Rinoreva kurwisa. Kuita mutsimba. Kana kushanda nemoyo wose. Ndiko kunamata kwaunofanira kuita uku. Unenge uri kurwira mweya yevanhu. Uchiibvisa mumavoko aSatani. Saka unganyengeterera munhu asina kuponeswa. Kana kuti asiri kukoshesa zvinhu zvaMwari. Mweya wako unofanira kurwisa. Uchiramba kusiya munhu uyu achirarama nenzira iyoyo.
Saka unochemera munhu uyu. Uchimuchemera kuna Ishe. Uchinamata kuti Mwari vabate moyo wake. Vachiita kuti ade Muponesi. Uchinamatavo kuti atye Mwari. Atungamirirwe neShoko ravo pakurarama kwake. Achikoshesa zvinofadza Mwari. Unonyengeterera munhu uyu. Uchitsvaka kuti midzi yake idzike mukururama. Mweya wake ushingairire Mwari. Achishingaira kuita mabasa akanaka. Hupenyu hwake huchiita kuti vanhu vakudze Mwari.
Pane zvinozoitikavo mumweya wako uchinamata kudai. Uchichema. Uchirwira mweya yevanhu. Mweya vaMwari vanozowedzera nyasha muhupenyu hwako. Unenge uri muimba yekutonga. Saka unozowana batsiro yose yaunoda. Pamwe nenyasha dzekupa vamwe. Izvi ndizvo zvinoitika patinonamata. Ndizvo zvinoita kuti minamato yedu igone kugadzirisa hupenyu hwevanhu.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Nyasha dzenyu dziri kushanda mandiri. Dziri kushanda kudai pandiri kushingaira kunyengeterera vanhu. Ivo vanhu vaya vandiri kushumira kwavari. Moyo yavo yavhurika. Yava kugona kugamuchira chokwadi chenyu. Zvipingaidzo zvose zvinobviswa. Moyo yavo ichiiswa pamuri imi. Nepazvinhu zvekudenga. Vanosimbiswa mukururama. Mweya yavo ichikushingairirai. Vachiita mabasa ose akanaka nomazvo. Vachiita kuti zita renyu rikudzwe. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Ruka 22 ndima 44
Vahebheru 4 ndima 16
Jemusi 5 ndima 16
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church