7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Kururama Chiro Chiri MuRopa RaMwari
Chitatu, 4 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
"Muponesi aya akanga asinaba chitadzo. Achitozviziya kuti akanga asinaba chitadzo. Asi Mwari akaaita chipiriso chechitadzo. Kuti isu tizowa muna Muponesi aya. Tiwe humbowo hwekururama kwawo" (2 Vakorinde 5 v 21).
Kune anhu asingazwisisiba kuti kururama chii. Anhu aya akatowanda. Anongofunga kuti kururama kusawa nechitema. Asi izvi hazvisizvo basiba. Kururama chiro chiri muropa raMwari. Ndiko kunoite kuti aite zviro zvese ngemazvo. Zvakafanana nerudo. Mwari rudo. Izvi zvinoreketa kuti rudo chiro chiri muropa raMwari. Haakoniba kusafarire anhu.
Kururama chiro chinowanikwa muna Mwari basi. Ndiko kunoasiyanisa nezvimweni zvisikwa zvese. Ndiko kunoita kuti awe Mwari. Munhu angashingaira hake. Achitsvake kuita mabasa akanaka. Asi haakoniba kururama saMwari. Haakoniba kuona kururama uku. Asi Mwari anotifarira maningi. Akape anhu kururama uku. Akaite kuti anhu awe akarurama saiwo.
Varoma 5 v 17 inoti, "Ngekuti kana nekutadza kwemunhu umwe basi. Rufu rwakatonga muzita remunhu uyu. Umwe basi iyeye. Akanga atadza wacho. Aya akatore nyasha dzakawanda. Akapuwa chipo chekururama. Chisingabhadharirwiba. Achatongawo muhupenyu huno. Achishandise zita remunhu uya. Anozi Jesu Muponesi". Vhesi iyi inotaure ngezve chipo chekururama. Chipo ichi chakapuwa kumunhu wese. Munhu wese awa nekodzero yekuchiona. Anochiona muna Muponesi Jesu. Munhu uyu anobva atoshandurwa rudzi. Achibva aitwahe werudzi rweakarurama. Achiwa munhu werudzi rwaMwari.
Kuda iwe wakabarwa kechipiri. Ukashandurwa rudzi. Ukaitwe weropa reVamwari. Wakabva waitwe werudzi rwaIshe Jesu musi uyu. Haunaba kungopuwa kodzero yekuona kururama basi. Wakabva watoshanduka rudzi. Ukaa werudzi rweakarurama. Saka wakabva watowa munhu akarurama. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba ye2 kuVakorinde chapta 5 v 21. Inoti, "Muponesi aya akanga asinaba chiwi. Achitozviziya kuti akanga asinaba chiwi. Asi Mwari akaaita chipiriso chechiwi. Kuti isu tizowa muna Muponesi aya. Tiwe humbowo hwekururama kwawo".
Saka wakukona kurarama ngemazvo. Wakukona kureketa ngemazvo. Mwari aida kuti ukone kurarama hupenyu hwakarurama. Ndiko kusaka akakuita munhu akarurama. Kururama kwaa muropa rakoo. Saka waa kukone kurarama zvakarurama pamberi paMwari. Wakukone kurarama hupenyu hweVamwari. Chirarame semunhu anozwisisa kuti akarurama. Zwisisa kuti iwe waa muna Muponesi Jesu. Saka wakachenurwa. Wakasanangurwa. Wakaruramiswa. Kururama kwaMwari kwava kuonekwa pauri. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandiita munhu werudzi rwenyu. Ndaa kurarama semunhu werudzi rwenyu. Ndaa muna Muponesi. Saka ndaa kuzwisisa kuti ndakachenurwa. Ndakasanangurwa. Ndakaruramiswahe. Saka ndaa kutonge zviro zvenyika ino. Simba renyu rinoonekwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Varoma 5 v 17
Vafiripi 3 v 9
2 Vakorinde 5 v 21
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church