Chigarwe English Ndau Shona 

Ruponeso Rwakakupe Simba Rekunyise Chiwi

Chipiri, 4 Kukadzi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Ndiwe uchaziyisa anhu nzira yeruponeso. Ruponeso urwu ruchauya nekukanganwirwa zviwi zvawo (Ruka 1 v 77).

Ruka 1 v 75 kusvika 77 inotsanangura Ruponeso. Ine zvainojekesera mweya yedu pamusoro peRuponeso urwu. Inoti, Hino iwe mwana. Uchazi muoni weWokumusorosoro. Ndiwe uchafane kutungamira. Uchigadzira nzira yaShe. Iyo nzira yaachazofamba nayo. Ndiwe uchaziyisa anhu nzira yeruponeso. Ruponeso urwu ruchauya nekukanganwirwa zviwi zvawo. Munhu angaponeswa. Munhu uyu anobva abviswa zviwi zvake. Izvi ndizvo zvinotanga kuitika. Futi zvakakoshe maningi. Asi akawanda haazwisisi izviba. Nekudaro haararamiba seanhu akaponeswa.

Mabasa 3 v 25 kusvika 26 ine masoko ainotipa. Aya masoko akataurwa naPita. Apa Pita akanga ari kutaura kugungano reVajudha. Ane zviro zvaakanga ari kuarangaridza. Izvi zviro zvakanga zvawimbiswa madzitateguru awo. Mwari ndiwo akanga awawimbisa kudai. Saka Vajudha awa akanga ari ana evavoni. akanga ari ana esungano dzakaitwa nemadzibaba awo. Pita akanga ari kuaziyisa zvese izvi. Pita akabva aatsanangurira izvi. Akati, Nekudaro, Mwari akaunza Jesu. Ndokutanga amutuma kwamuri imi. Kuti akubvisei kuzviwi zvenyu. Kuti muone maropafadzo aya.

Vhesi iyi inotiziyisa pamusoro pekubviswa kuzviwi. Izvi ndizvo zvimweni zvinoitika paunoponeswa. Zvakakosha maningi. Saka Mwari akatiropafadze maningi. akatitumira Jesu. Jesu aya akauya kuzotibvise pazviwi. Iwe waisakona kuzvibvisa wega ba. Unokona kunga wakanga uri kutsvaka kusiya zviwi. Asi hauna kukona kuzvisiya. Kuda wakazoponeswa. Une simba rawakabva wawana. Iri isimba rekukurira zviwi.

Jesu ane masoko aakataura. Tinoerenga masoko acho muna Ruka 24 v 46 kusvika 47. Apa Jesu ane zviro zvaaida kuti zviparidzwe. Zviro zvacho zviiri. Chimweni chacho kutendeuka. Chimweni kusukwa kwezviwi. Zviro izvi zvaifanira kutanga kuparidzwa muJerusarema. Zvichizopedzisira zvasvika kunyika dzese. Vhesi yacho inoti, Ndizvo zvakanyorwa izvi. Zvekuti Muponesi anofanira kutambura. azofa. azomuka nezuwa retatu. Zita rawo rizoparidzwa kumarudzi ese. aziyiswe kuti awa kukona kutendeuka. futi kuti zviwi zvawo zvakakanganwirwa. Kuparidza uku kunofanira kutangira paJerusarema. Ndiko kusaka Pauro akataura muna Mabasa 13 v 38 kusvika 39 achiti, Saka arume. Hama dzangu. Ziyai chiro ichi. Kuti munhu uyu ndiye akaunze kanganwiro yezviwi. Kana munhu akagamuchira munhu uyu. Anobva aruramiswa pazvese. Murairo waMosesi waisakona kururamise anhu zvakadai.

Saka hatichafaniriba kutambudzwa nezviwi. Zviwi zvakatorerwa simba. Ichi ndicho chokwadi. akawanda anofanira kuchizwisisa. Iwe ungaa uri muna Muponesi. Izvi zvinorewa kuti hauchinaba zviwi. Izvi zvinokubatsira kuzwisisa Varoma 6 v 14. Inoti, Nekuti chiwi hachichinaba simba rekukutongai. Nekuti hamuchararami nemurairo. Asi nenyasha. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinorarama murusungunuko rwenyasha dzenyu. Ndichiziya kuti chiwi hachichakoniba kunditonga. Jesu vakandifira. Saka ndaa munhu akarurama. Ndakachenurwa. Ndakatsaurwa. Ndinorarama semunhu akakunda. Handina ndaa yandingapomerwaba. Ndaa nemaropafadzo ese eRuponeso. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Varoma 6 ndima 14
Vakorose 1 ndima 13 kusvika 14
Mabasa 13 ndima 38 kusvika 39

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church