7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Kururama—Hunhu HwaMwari

Chitatu, 4 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

“Wadomuyita shitadzo ngekuda kwasu ifefe, uyo adonga asingaziwi rutadzoba, kuti tiyitwe wadorurama waMwari umo ari” (2 WaKorinde 5 ndima 21).

Apo tingotawura ngezvekururama, kadowanda kacho tingondotawura zvetse zvetse izvo zvayita kuti wadowanda watsanzwisise izvo zvingotawura chayizvoba. Kutanga tanga, kururama hunhu hwaMwari. Hunhu hwawo hwekukara wari wadorurama. Hunhu hwawo hwekukwanisa kuwa ngekuyita zvidonaka nguwa dzetse. Tsekutawura tingoyita kuti Mwari rudo, kutawura kuti rudo hunhu hwawo, kururama hunhu hwawowo. Pamutsoro pezvo, kururama ndiko kunaka kwaMwari, kunatsa kuziwa kwawo ngekusiyana wadoyita mukukudzwa kwawo ngewanhu wetse. Kururama hakukwanisi kusvikwa ngemunhu kana shina shisikwa hashoba. Saka mukunaka kwawo, uko kuri hunhu hwawo, Mwari wadopa ngekukuisa mumunhu.

WaRoma 5 ndima 17 ingoti, “Ngekuti kana ngekunyangadza kwemunhu umwe basi, rufu rudotonga muzita remunhu uyu. Umwe basi iyeye, adonga atadza wacho. Waya wadogashira nyasha dzidowanda wadopiwa shipo shekururama, washatongawo muupenyu hunohwu wayisenzesa Zita remunhu uya angonzi Yeso Kristo." Kuti shipo shekururama hutawura kururama kwepamutemo kudopiwa wanhu wetse tseshipo kuburikidza ndiYeso Kristo. Asi kururama tsandindori kwepamutemo basiba, kungotiwunza mukubatana pamwepo nawo.
Apo udobarwa patsva uyitambira upenyu husingaperiba, udobva wayita umwe naTenzi. Hawuna kundotambira kururama kwepamutemo basiba, udotambira hunhu hwawo hwekururama. Udoyita munhu adorurama kuburikidza ngekururama kwawo. 2 WaKorinde 5 ndima 21 ingoti, “Ngekuti kana ngekunyangadza kwemunhu umwe basi, rufu rudotonga muzita remunhu uyu. Umwe basi iyeye, adonga atadza wacho. Waya wadotambira nyasha dzidowanda, wadopiwa shipo shekururama, washatongawo muupenyu hunohwu wayisenzesa Zita remunhu uya angonzi Yeso Kristo.”
Zvinozvi watukwanisa kurarama zvidorurama, kufamba zvidorurama ngekutawura zvidorurama. Wadokuyita kuti ururame kuti ubare zvibarwa ngekuyita mabasa ekururama. Hwati hunhu hwako kurarama zvidorurama pamberi paMwari wadorurama, watsvene. Rarama uyiziwa diko iri, udocheneswa, udotsarudzwa ngekunatswa muna Yeso Kristo. Ndiwe mufananidzo wekururama kwaMwari. Hareruya!

Munamato

Baba wangodikanwa, ndingokutendani ngekuisa munene hunhu hwanu hwekururama. Ndingofamba ndiyiziwa diko rekuti ndidochenurwa, ndidotsarudzwa ngekunatswa muna Kristo. Ndingotonga muupenyu ngekururama ndiyiwonesa kupenya kwanu kwetse kwetse. MuZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:

WaRoma 5 ndima 17
WaFiripi 3 ndima 9
2 WaKorinde 5 ndima 21

(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church