7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Tinonga Tiri Kutandara NaBaba
China, 5 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
"Asi iwe haufaniriba kuita zvakadai. Zore musoro wako ngemafuta. Ugeze hope yako. Kuti anhu asaona kuti uri kuzvinyima zvekudya. Asi Baba ako. Iwo anoona zviro zvakahwanda. Ndiwo anozozviona. Azokupa mubairo. Anhu ese achiona" (Matiyo 6 v 17 kusvika 18).
Isu tingazvinyima zvekundya. Tinonga tisiri kutsvake kuti Mwari atiitire chimweni chiroba. Tinongahe tisiri kutsvake kuti Mwari atipe chimweni chirohe. Mwari akatotiitira zviro zvese. Akashandisa Muponesi Jesu kuite zviro izvi. Akatotipe zviro zvesehe. Zviro izvi zvinoonekwa muna Muponesi Jesu. Izvi ndizvo zvatinoona mutsamba yekutanga kuVakorinde chapta 3 v 21 kusvika 22. Inoti, "Saka ngakurekere kuwa nemunhu anotemba neumweni munhu. Ngekuti zviro zvese ndezvenyu. Angaa Pauro. Kana Aporosi. Kana Kefasi. Kana nyika ino. Kana hupenyu. Kana rufu. Kana zviro zviripo namasi. Kana zvichazouya mangwana. Zviro izvi ndezvenyu zvese".
Iwe wakatopuwa zviro zviripo namasi. Wakapuwawo zviro zvichauya mangwana. Zviro zvese izvi zvinotowa muna Muponesi Jesu. Ndimo maunozvitora. Mwari ane zvaakanga akakutembesa. Akatokupe zviro zvese izvi. Saka hatinaba chatinofunga kuti tingashaiwaba. Mwari akatokupe zviro zvese zvaungada. Tsamba yaPita ye2 chapta 1 v 3 inoti, "Kuziya iwo akatitora kuti tiwe anhu erudzi rwawo. Akakwana. Kwakaita kuti simba rawo reVamwari ritionese zviro zvese zvinodikanwa pahupenyu. Nepakunamata Mwari".
Kuna Vatsvene ayaruka. Vatsvene aya anozvinyima zvekundya. Asi haaitiba izvi achitsvake kupuwa chimweni chiroba naMwari. Haazviitiba achitsvake kuropafadzwaba ndiMwari. Anenge achindoda kuzvipe nguwa yekutandara naMwari. Achianamata. Achiarumbidza. Achiatendahe. anokonawo kurwa hondo dzemumweya panguwa dzakadai. Achiparadze masimba erima. Iwayo anoparadza hupenyu hweanhu.
Saka mweya wako ungayaruka. Unozopedzisirawo wawa kuzwisisa izvi. Tine hukama naBaba ekudenga. Hukama uhu ndihwo hunotituma kunamata kwaari. Tinenge tiri kutaurirana naBaba edu. Tichindyidzana nawo. Tichitandara nawo. Saka iwe ungazvinyima zvekundya. Unganamata. Usaite izvi kuti Mwari akupe chimweni chiroba. Unotowa muridzi wezviro zvese. Ndiwe muridzi wepfuma yaMwari yese. Unondya pfuma iyi pamwepo naMuponesi. Ndiwehe mwana waAbhurahama. Nyika ino yese ndeyako. Waa kukona kuite zviro zvese. Muponesi ndiwo anokupa simba rekuite zviro izvi. Saka namata semunhu ane hukama naTenzi. Uchirwise masimba erima. Uchisungunura anhu kubva kumasimba aya. Uchipota uchizvinyima zvekudya kana zvakafanira. Hareruya!
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandipa zviro zvese. Ndakaona zviro zvese izvi muna Muponesi. Ndaa muridzi wepfuma yeVamwari. Ndaa kurarama semunhu anozwisisa izvi. Ndinonamata. Ndinozvinyima zvekundya. Ndinenge ndiri kutandara nemi pandinoita zvese izvi. Ndichipangidza kuti ndinokudai. Ndichirarama hupenyu hweVamwari. Ndichifambidzana neMweya Mutsvene. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Mabasa Avapostora 13:2; 1 Johane 1:3; Danieri 9:3
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church