Chigarwe English Ndau Shona 

Takabviswe Munyika YeRima

Chitatu, 5 Kukadzi 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Iwo Baba aya akatisungunura. Ndokutibvise munzvimbo inotongwe ngerima. akatiisa munzvimbo iya. Inotongwa ngeMwanakomana wawo. Waanofarira maningi (Vakorose 1 v 13).

Isu takabviswe munyika yerima. Ichi chinotowa chiropafadzo. Ndicho chimwe chezviropafadzo zveRuponeso. Irwo Ruponeso rwuya ruri muna Muponesi Jesu. Isu tine zvatakambotaura pamusoro peRuponeso. Takazvitaure muzvidzidzo zvatakamboita. Takati Ruponeso runounze rusungunuko. Runoite kuti uwe munhu akakwana. Runokuchengetedza. Asi Ruponeso urwu runotanga rwakubvise zviwi. Jesu ndiwo akatora zviwi zvedu. Isu hatichaonekwi seatadziba. Jesu ndiwo akatorwa semutadzi wacho. akabva atibvisa munyika yerima. Iwe wakabviswa munzvimbo yerima. Rima harichinaba charichakona kukukanganisa.

Iwe wakagare pamwepo naMuponesi. Nzvimbo yamakagara yacho iri kumatenga. Iri mumweya. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Vaefeso 1 v 20 kusvika 21. Nzvimbo yacho iri kumusoro. Kure neabati ese. Nemasimba. Neatongi. Nenyembe dzese. Nemazita ese angawapo. Kwete ari munyika yanamasi basi ba. Asi mune ichauyawo. Iwe ungaa wakaponeswa. Izvi zvinorewa kuti hauchafaniriba kusungunurwa kubva kuna Satani. Wawa mukuru kuna Satani.

Tisu taa kufanire kudzinge mweya yakashata. Izvi ndizvo zvatakapangirwa naJesu. Mariko 16 v 17 inoti, Zviro zvinoteera ndizvo zvichaonekwa pane aya. anenge andigamuchira. achadzinga mweya yakashata. achaidzinga ngezita rangu. achataura ngendimi itsva. Ruka 10 v 19 inotiwo, Asi ndakupai simba. Rekufamba nepamusoro penyoka. Nepamusoro pezvinyaride. Nepamusoro pemasimba ese emuwengi. Hapanaba chiro chichakone kukukuwadzai. Kunyangwe chikaedza. Ishe Jesu ane simba raakakupa. Iri isimba rekutsika nyoka. Isimba rekutsika zvinyaride. Pamwepo nemasimba ese emuwengi. Hareruya!

Saka usatyaba mweya yakashata. Une masimba anodarika ayo. Mwari akatisimudzira. akatigarisa pamwepo naJesu. Nzvimbo yatakagara yacho iri kumatenga. Iri mumweya. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Vaefeso 2 v 6. Iwe wawa kugara munyika inotongwa neMwanakomana wavo. Munyika iyi hamuna chinofa. Inyika yechiedza. Mwari ngaarumbidzwe!

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandipinza munyika inotongwa neMwanakomana wenyu. Iwo Muponeso Jesu. Ndaa kugara munyika yechiedza cheVamwari. Saka Satani haana simba rinodarika rangu. Ndinokurire zvese zvandinosangana nazvo. Rima harichakoniba kunditonga. Ndaa kuzikanwa saMuponesi. Saka ndinotonga panyika pano. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
2 Vakorinde 5 ndima 17
Vaefeso 5 ndima 8
Johane 8 ndima 36

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church