7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Tinenge Tiri Kutandara NaBaba

China, 5 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Asi iwe haufaniri kuita zvakadai. Zora musoro wako nemafuta. Ugeze chiso chako. Kuti vanhu vasavona kuti uri kuzvinyima zvokudya. Asi Baba vako. Ivo vanovona zvinhu zvakavanzwa. Ndivo vanozozvivona. Vagokupa mubairo. Vanhu vose vachivona" (Matiyo 6 ndima 17 kusvika 18).

Isu tingazvinyima zvekudya. Tinenge tisiri kutsvaka kuti Mwari vatiitire chimwe chinhu. Tinenge tisiri kutsvaka kuti Mwari vatipe chimwe chinhu. Mwari vakatotiitira zvinhu zvose. Vakashandisa Muponesi Jesu kuita zvinhu izvi. Vakatotipa zvinhu zvose. Zvinhu izvi zvinowanikwa muna Muponesi Jesu. Izvi ndizvo zvatinovona mutsamba yekutanga kuVakorinde chitsauko chechitatu ndima yemakumi maviri neimwe kusvika makumi maviri nembiri. Inoti, "Saka ngakurege kuva nemunhu anovimba nemumwe munhu. Nokuti zvinhu zvose ndezvenyu. Angava Pauro. Kana Aporosi. Kana Kefasi. Kana nyika ino. Kana hupenyu. Kana rufu. Kana zvinhu zviripo nhasi. Kana zvichazouya mangwana. Zvinhu izvi ndezvenyu zvose".

Iwe wakatopiwa zvinhu zviripo nhasi. Wakapiwavo zvinhu zvichauya mangwana. Zvinhu zvose izvi zvinotova muna Muponesi Jesu. Ndimo maunozvitora. Mwari vane zvavakanga vakakuvimbisa. Vakatokupa zvinhu zvose izvi. Saka hatina chatinofunga kuti tingashaiwa. Mwari vakatokupa zvinhu zvose zvaungada. Tsamba yaPita yechipiri chitsauko chekutanga ndima yetatu inoti, "Kuziva ivo vakatitora kuti tive vanhu verudzi rwavo. Vakakwana. Kwakaita kuti simba ravo reVamwari ritiwanise zvinhu zvose zvinodikanwa pahupenyu. Nepakunamata Mwari".

Kuna Vatsvene vayaruka. Vatsvene ava vanozvinyima zvekudya. Asi havaiti izvi vachitsvaka kupiwa chimwe chinhu naMwari. Havazviiti vachitsvaka kuropafadzwa naMwari. Vanenge vachingoda kuzvipa nguva yekutandara naMwari. Vachivanamata. Vachivarumbidza. Vachivatenda. Vanogonavo kurwa hondo dzemumweya panguva dzakadai. Vachiparadza masimba erima. Iwayo anoparadza hupenyu hwevanhu.

Saka mweya wako ungayaruka. Unozopedzisiravo wava kunzwisisa izvi. Tine hukama naBaba vekudenga. Hukama uhu ndihwo hunotituma kunamata kwavari. Tinenge tiri kutaurirana naBaba vedu. Tichidyidzana navo. Tichitandara navo. Saka iwe ungazvinyima zvekudya. Unganamata. Usaita izvi kuti Mwari vakupe chimwe chinhu. Unotova muridzi wezvinhu zvose. Ndiwe muridzi wefuma yaMwari yose. Unodya fuma iyi pamwe chete naMuponesi. Ndiwe mwana waAbhurahama. Nyika ino yose ndeyako. Wava kugona kuita zvinhu zvose. Muponesi ndivo vanokupa simba rekuita zvinhu izvi. Saka namata semunhu ane hukama naTenzi. Uchirwisa masimba erima. Uchisungunura vanhu kubva kumasimba aya. Uchipota uchizvinyima zvekudya kana zvakafanira. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa zvinhu zvose. Ndakawana zvinhu zvose izvi muna Muponesi. Ndava muridzi wefuma yeVamwari. Ndava kurarama semunhu anonzwisisa izvi. Ndinonamata. Ndinozvinyima zvekudya. Ndinenge ndiri kutandara nemi pandinoita zvose izvi. Ndichitaridza kuti ndinokudai. Ndichirarama hupenyu hweVamwari. Ndichifambidzana naMweya Mutsvene. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Mabasa Avapostora 13:2; 1 Johane 1:3; Danieri 9:3

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church