Chigarwe
English
Ndau
Shona
Takabviswa Munyika YeRima
Chitatu, 5 Kukadzi 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Ivo Baba vaya vakatisungunura. Ndokutibvisa munzvimbo inotongwa nerima. Vakatiisa munzvimbo iya. Inotongwa neMwanakomana wavo. Wavanofarira zvikuru (Vakorose 1 ndima 13).
Isu takabviswa munyika yerima. Ichi chinotova chiropafadzo. Ndicho chimwe chezviropafadzo zveRuponeso. Irwo Ruponeso rwuya ruri muna Muponesi Jesu. Isu tine zvatakambotaura pamusoro peRuponeso. Takazvitaura muzvidzidzo zvatakamboita. Takati Ruponeso runounza rusungunuko. Runoita kuti uve munhu akakwana. Runokuchengetedza. Asi Ruponeso urwu runotanga rwakubvisa zvivi. Jesu ndivo vakatora zvivi zvedu. Isu hatichavonekwi sevatadzi. Jesu ndivo vakatorwa semutadzi wacho. Vakabva vatibvisa munyika yerima. Iwe wakabviswa munzvimbo yerima. Rima harichina charichagona kukukanganisa.
Iwe ugere pamwe chete naMuponesi. Nzvimbo yamugere yacho iri kumatenga. Iri mumweya. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Vaefeso 1 ndima 20 kusvika 21. Nzvimbo yacho iri kumusoro. Kure nevabati vose. Nemasimba. Nevatongi. Nenyembe dzose. Nemazita ose angavapo. Kwete ari munyika yanhasi chete. Asi mune ichauyavo. Iwe ungava wakaponeswa. Izvi zvinoreva kuti hauchafaniri kusungunurwa kubva kuna Satani. Wava mukuru kuna Satani.
Tisu tava kufanira kudzinga mweya yakaipa. Izvi ndizvo zvatakarairwa naJesu. Mariko 16 ndima 17 inoti, Zvinhu zvinotevera ndizvo zvichavonekwa pane vaya. Vanenge vandigamuchira. Vachadzinga mweya yakaipa. Vachaidzinga nezita rangu. Vachataura nendimi itsva. Ruka 10 ndima 19 inotivo, Asi ndakupai simba. Rekufamba nepamusoro penyoka. Nepamusoro pezvinyavada. Nepamusoro pemasimba ose emuvengi. Hapana chinhu chichagona kukukuvadzai. Kunyangwe chikaidza. Ishe Jesu vane simba ravakakupa. Iri isimba rekutsika nyoka. Isimba rekutsika zvinyavada. Pamwe nemasimba ose emuvengi. Hareruya!
Saka usatya mweya yakaipa. Une masimba anodarika ayo. Mwari vakatisimudzira. Vakatigarisa pamwe naJesu. Nzvimbo yatigere yacho iri kumatenga. Iri mumweya. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Vaefeso 2 ndima 6. Iwe wava kugara munyika inotongwa neMwanakomana wavo. Munyika iyi hamuna chinofa. Inyika yechiedza. Mwari ngavarumbidzwe!
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipinza munyika inotongwa neMwanakomana wenyu. Ivo Muponeso Jesu. Ndava kugara munyika yechiedza cheVamwari. Saka Satani haana simba rinodarika rangu. Ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Rima harichagoni kunditonga. Ndava kuzikanwa saMuponesi. Saka ndinotonga panyika pano. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 Vakorinde 5 ndima 17
Vaefeso 5 ndima 8
Johane 8 ndima 36
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church