7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Furuse Zvese Zvinorongwa NdiSatani
Chishanu, 6 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
"ana adoko. Imi makabarwa ndiMwari. Saka makakurira mweya yese iyi. Nekuti ari mamuri uyu. Ndiye mukuru. Akadarika uya. Ari munyika ino" (1 Johane 4 v 4).
Isu taa Vamwari. Tine masimba ataa nawo. Tinofanire kushandisa masimba aya. Ngatiashandise kufuruse mabasa aSatani munyika. Ngatiashandise kumise zvese zvingade kuitwa ndiSatani. Anofanire kuzondozviita kana nguwa yake yasvika. Tsamba ye2 kuVatesaronika chapta 2 v 7 inoti, "Ngekuti mweya wake. Wezviwi. Unotowa munyika izvozvi. Asi pane ari kumudziyisa kuti asauya emene. Anomuvhika wacho acharamba achindomuvhika. Kusvikira azobviswa hake". Isu tisu tiri kuvhike mweya uyu. Iyesu Sangano reVatsvene.
Masimba edima anotsvake kuparadza nyika ino. Isu tisu tiri kuavhika. Tisu tiri kuita kuti masimba aya asaparadze nyika inoba. Tisu tiri kuita kuti Satani asakonaba kutonga nyika ino. Achazoitonga kana Vatsvene achinga abvutwa. Satani anotoziya izvi. Tinozviona pashumiro yaIshe Jesu. Ipo paya paakanga achiri kushumira muJerusarema. Achishumirawo muJudhiya. Pane mweya yakashata yakambodemba kwaari panguwa iyi. Tinoerenga masoko ayo muna Matiyo 8 v 29. Yakati, "Sei muri kuda kutiparadza? Nguwa yekuparadzwa kwedu haisati yakwanaba".
Mweya iyi yaitoziya mutemo waMwari. Yaiziya hayo kuti ichaparadzwa. Asi nguwa yacho yakanga isatiba yakwana. Sangano reVatsvene rine masimba arakapuwa. Isu tinozwisisa masimba aya. Nguwa ino yakapuwa kusangano reVatsvene. Sangano iri ndiro rinofanire kunga riri kutungamirire pane zvese zvinoitika panyika panguwa ino. Muponesi wemanyepo haasiba iye anofanire kunge ari kutungamirira. Ane nguwa yaachazotungamirirawo.
Mweya waMuponesi wemanyepo watova munyika hawo. Asi hausiwoba unofanira kuronge zvinoitika panyika pano. Sangano reVatsvene ndiro rinofanire kuita izvi. Mweya uyu haukoniwoba kukurira Sangano reVatsvene. Tsamba yaJohane yekutanga chapta 4 v 4 yati, "ana adoko. Imi makabarwa naMwari. Saka makanyise mweya yese iyi. ...". Kureketa kuti Sangano reVatsvene rakanyise mweya waMuponesi wemanyepo. Rakanyisa masimba ese aSatani. Masimba ese aya haakoniba kuriendera pamberi.
Saka iwe ungarekete kumasimba ese aya. Ungareketahe kumabasa aSatani. Rekete semunhu anozwisisa masimba eVatsvene aya. Rekete semunhu anozwisisahe kuti Vatsvene ndiwo ari kutonga panguwa ino. Izvi ndizvo zvinorekete Soko raMwari. Soko iri harinabahe angashandura. Mweya yakashata haikoniba kumirisana newe kana uchizwisisa izvi. Saka gare uchitonga. Uchironge zvinoitika panyika pano. Uchinyise zviro zvenyika ino. Usarekera Satani achiite zvaanoda. Usarekera abati ake achiita zvaanoda. Iwe wawa muna Muponesi. Saka wawa nemasimba eVamwari. Shandise masimba aya kurambidza Satani kuita zvaanoda.
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Munondibatsira kuzwisisa Soko renyu. Mune masimba amakandipa. Iwo masimba ekuvhike Satani kuita zvaanoda panyika pano. Ndinoshandisa simba raMweya Mutsvene kufurusa zvese zvinorongwa naSatani. Kururama ndiko kunokurumbira panyika pano. Rugare ndirwo runokurumbira panyika pano. Chokwadi ndicho chinokurumbira panyika pano. Masimba erima aparadzwa. Sangano reVatsvene vaJesu rinogara richinyisa. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
2 VaTesaronika 2:6-7 NKJV; Mateo 8:29;
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church