7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Pingidza Zvirongwa ZvaSatani

Chishanu, 6 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

“Muri waMwari, imwemwe wapwere wanyayi, mudowakurira ngekuti uyo ari munemwe mhukuru kudarika uyo ari munyika” (1 Yohane 4 ndima 4).

Zvidokosha kuti tirambe tiyisenzesa masimba asu ehuMwari kupingidza mabasa aSatani munyika masu ngekumisa zvirongwa zvashe kusvikira nguwa yashe iyo adorongerwa yasvika. 2 WaTesaronika 2 ndima 7 ingoti, “Ngekuti shidozezwa shehunyangari shatutosenza kara: asi uyo angoshimisa asharamba ayishimisa kusvikira azobviswa munzira.” “Angoshimisa" uyu ndisu, chechi.

Tisu simba rirumisa zvidonyangara munyika nyamusi. Tisu shikonzero shiruyita kuti Satani atsatonge nyika inoyiba kusvikira Chechi yabvutwa(rapture). Satani angotozviziwa izvi. Tondera apo Tenzi wadoparidza muJerusarema ngemuJudhiya, madhimoni adorira iyo wari ayidayidzira kuti, “Wawuya kowotiparadza nguwa isinokwane yere?” (Matewu 8 ndima 29).

Madhimoni adobvunza Yeso panyaya yenguwa, ayitedzera zvidonga zviri pamutemo wekudenga. Aiziwa kuti kuparadzwa kwawo kwanga kushazoyitika asi nguwa yacho idonga isati yakwanaba. Ainzwisisa zvenguwa ngemwaka, ayibva awona ngekuziwa mutemo waMwari. Ngenzira imwe iyeyo, tingonzwisisa masimba ngemvumo zviri mumawoko eChechi( mwiri waKristo) panguwa inoyi. Hatiwari pamwepo ngeutongi hweshimwari shemanyepoba.

Kana dayi mwiya weshimwari shemanyepo watitori munyika kara, hawukwanisi kutonga kana kukurira Chechiba. Soko ringodzika muna 1 Yohane 4 ndima 4 kuti, “Muri waMwari, imwemwe wapwere wanyayi, mudowakurira...” Zvirutawura kuti Chechi idotokurira, idotovharidzira ngekutsikirira mwiya weshimwari shemanyepo ngemasimba etse aSatani pamwepo ngezvirongwa zvawo.

Saka kana ururayira ngekutonga pamutsoro pemayitiro ewadonyangara ngehurongwa hwaSatani, zviyite uri pamutemo waMwari. Zvingoyenderana zvidonakitsa ngeSoko raMwari risingaperiba kana kuputsika. Hakuna dhimoni ringopikisana neweba kana uyisenzesa simba raMwari pamwepo ngereSoko rawo. Tonga ngekukunda mazuwa etse. Ramba udotsikirira Satani ngewateeri washe patsi kuburikidza ngekusenzesa simba rako rehuMwari kuna Kristo.

Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngekundipa kunzwisisa Soko ranu ngesimba rekukurira ngekumisa hunyangari munyika masu. Ndingodzika kuti zvirongwa zvetse zvaSatani zvapfuwitswa ngesimba raMwiya Mutsvene, kururama, rugare ngediko zvitonge munyika dzepatsi. Simba reshidima raputswa, Chechi yaYeso Kristo iruramba iyienderera mberi ngekukurira, MuZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi
2 VaTesaronika 2:6-7 NKJV; Mateo 8:29;

(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church