7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Tisu Tinosvitse Rugare Kuanhu

Mugovera, 7 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Mungapinde mune imweni imba. Hazvina basaba kuti yakaita sei. Tangai mati, 'Rugare ngaruwe muimba ino'" (Ruka 10 v 5).

Ishe Jesu ane basa raakatipa. Iri ibasa rekusvitse rugare kuanhu. Izvi ndizvo zvatinoona muvhesi yatabeura nayo. Akatiziyisa zvekuita kuti rugare urwu ruwe panzvimbo. Akati, "Mungapinda mune imweni imba. Hazvina basaba kuti yakaita sei. Tangai mati, 'Rugare ngaruwe muimba ino'". Isu hatindoshuwiri kuti anhu awe nerugare. Tinopangira kuti anhu awe nerugare. Simba racho riri mumasoko edu. Masoko aya anotsigirwa nemasimba edenga.

Ishe Jesu ane masoko aakazotaurahe. Tinoaerenga muvhesi inoteera yacho. Akati, "Mumba umu mungaa neumwe munhu. Munhu uyu angaa werugare. Paari ndipo pachauya rugare rwenyu. Asi mungasawa nemunhu akadai. Rugare rwenyu runozopetuka kwamuri". Kureketa kuti rugare runokona kupananwa. Saka iwe ungapangira kuti rugare ruwe panzvimbo. Unenge uri kutoise rugare panzvimbo iyi. Irwo rugare rwaMuponesi Jesu pachawo. Asi kuda rugare rwacho rungasagamuchirwa. Runozopetuka kwauri. Runopetuka kudai rwakakwana. Mwari ngaakudzwe saMwari.

Ungaa uri kunyengeterera dzinyika. Ishe akatipangira zvekuita. Akati tinofanire kupangira kuti rugare ruwe munyika idzi. Saka reketa uchiti, "Ndinopangira kuti muZimbabwe muwe nerugare. Ndinopangira kuti muNigeria muwe nerugare. Ndinopangira kuti muGhana muwe nerugare. Ndinopangira kuti muZambia muwe nerugare. Ndinopangira kuti muRussia muwe nerugare. Ndinopangira kuti muAmerika muwe nerugare". Pangira kuti munyika dzepasi pano muwe nerugare. Pangira kudai wakashinga. Iwe ndiwe chitubu chehupenyu. Ndiwe uripo kusvitse rugare kuanhu.

Rangarira zvakambotaurwa ndiIshe Jesu. Tinozvierenga muna Johane 14 v 27. Inoti, "Ndinokusiirai rugare. Rugare rwacho ndirwo rwandinarwo ini. Ndirwo rwandinokupayi. Harunaba kufanana nerwenyika ino. Saka moyo yenyu ngaisanetsekaba. Ngairekere kutya". Ishe Jesu ndiwo Mambo eRugare. Ndiwo akakupa rugare. Saka taure semunhu akapuwa rugare. Rugare rwacho haruzwisiswiba nepfungwa dzeanhu. Ndirwo rugare rwatinosvitsa kuanhu. Rugare rwacho runouya rwakatakura fuma. Haruuyi ruri rwegaba.

Munhu angaa nerugare. Munhu uyu haana njodzi ingamunyisaba. Haanaba chingamutemese musoro. Izvi ndizvo zvakanga zvakaita Tenzi. Akapangira nyanza kuti rinyarare. Apa akanga ari muigwa. Akanga aine adzidzi awo. Tinoerenga nhoroondo yacho muna Mariko 4 v 39. Izvi ndizvo zvaunofanirawo kuita iwe. Pangira kuti mumba mako muwe nerugare. Pangira kuti mumhuri mako muwe nerugare. Pangira kuti zviro zvako zvese zvigadzikane. Pangira kudai wakamira saIshe Jesu. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandibatisa rugare rwenyu. Ndini ndinosvitse rugare urwu kuanhu. Ndinofamba ndakarutakura kwese kwandinoenda. Ndinopangira kuti rugare ruwe munyika yangu. Ndinopangira kuti anhu ese awe nerugare. Rugare ndirwo runokurumbira mumba mangu. Pfuma zhinji inoonekwa mumba umu. Inoonekwa mumhuri yangu. Nemuhama dzangu dzepadhuze. Muzita guru raIshe Jesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Isaya 52 v 7
Johane 14 v 27
2 Vatesaronika 3 v 16

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church