7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Wamiririri WeRugare

Mugubera, 7 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

“Mumba inganyi ngeinganyi iyo mungopinda, tangani ngekuti, Rugare ngaruwe mumba munomu.” (Ruka 10 ndima 5).

Kubva mundima iyo tawamba ndiyo, tiruwona kuti Tenzi wasu Yeso wadotiyita wamiririri werugare wayibva watitawurira mapiro tingoruyita. Wadoti, “Mumba umo nungopinda, tangani ngekuti, "Rugare ngaruwe mumba munomu.” Hawadoti tizvifunge mumwoyoba kana kunyarara. Wadoti kwako, tirutawure ngekuti mumasoko ako mune simba. Ungotawura ngesimba rekudenga.

Wadozoti pandima 6 yacho, “Kana Murumbwana werugare arimo, rugare rwanu rushakara ipapo; kana asirimoba, rushadzokera futi kunemwe." Izvi zvingotawura kuti rugare rungotambidzanwa. Apo ungotawura, ungoburitsa shiro shehuMwari, rugare rwaYeso Kristo pachawo, munzvimbo iyeyo. Kana rusina kutambirwaba, rungodzoka kunewe rudozara rusina kupungukaba. Mwari ngawakudzwe!

Apo ungonamatira nyika kana maguta, Mwari wadotipa nzira imwe iyeyo. Tawura rugare kunyika idzi. Ita kuti, "Rugare ngaruwe muBulgaria. Rugare ngaruwe muNigeria. Rugare ngaruwe muGhana. Rugare ngaruwe muHungary. Rugare ngaruwe muPoland. Rugare ngaruwe muRussia. Rugare ngaruwe muUnited Kingdom. Rugare ngaruwe muUnited States of America.” Tawura rugare kunyika dzetse dzepatsi usingashiba. Uri tsime rerugare kunyika irutambudzika.

Tondera zvidotawurwa ndiTenzi muna Yohane 14 ndima 27 kuti, “Ndingokusiyirani rugare, ndingokupani rugare rwangu, hayikona tsekupa kungoyita nyikaba. Mwoyo yanu ngayirekere kunetsekana ngekusha.” Tawura tsemunhu adopiwa rugare ngemuchinda weRugare pachashe. Tiri watakuri werugare rwawo urwo rungodarika kunzwisisa kwetse. Rugare rwawo rungowuya pamwepo ngekubudirira ngekuti zvidobatanidzwa pamwepo muurongwa hwaMwari.

Rugare rungotawurawo simba pamutsoro petsekwende, pamutsoro pemhepo ngemamiriro eupenyu adonyangara. Tsezvidoyitwa ndiTenzi apo wadonyaradza mhepo idonga yasumuka munyanza warubira ngewadzidzi wawo (Mariko 4 ndima 39), tawura rugare ngerunyararo paumba yako, pamhuri yako ngezvetse zvine shekuyita newe MuZita raYeso Kristo. Hareruya!

Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngekundiyita mumiririri werugare. Ndingotawura rugare rwaKristo kwetse iyo ndingoyenda. Ndingotawura rugare kunyika yangu ngewatungamiriri wayo pamwepo ngekuwanhu wetse. Ndingodzika kuti rugare ngekubudirira zvirutonga mumba mangu ngemuwadikani wangu, muZita rine simba raTenzi Yeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Izaya 52 ndima 7
Yohane 14 ndima 27
2 WaTesaronika 3 ndima 16

(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church