7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Hapanaba Chingatsiya Kubarwa KeChipiriba

Chipiri, 10 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Jesu akabva amupindura. Akati, "Rekera ndikutaurire shuwa. Munhu anofanire kubarwa kechipiri. Ndiko kuti aone hushe hwaMwari" (Johane 3 v 3).

Kune anofunga kuti mabasa akanaka emunhu anofanira kuwanda. Anofanira kuwanda kudarike akashata acho. Anoti ndiko kuti Mwari agamuchire munhu uyu. Izvi hazvisizvoba. Nyaya iyi haisi yemabasaba. Ndeye rudzi. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Vagaratiya 6 v 15. Inoti, "Ngekuti kana tiri muna Muponesi. Hazvina basaba kuti wakadzingiswa ere. Kana kuti haunaba. Asi tese tinenge tandowa chipuka chinyowani". Saka munhu anofanira kushandurwa rudzi. Anofanire kuitwahe werudzi rwaMwari. Anofanirahe kuitwa weropa raMwari. Ndiko kuti agamuchirwe ndiMwari.

Ndiko kusaka Ishe Jesu akati, "Munhu anofanire kubarwa kechipiri". Saka haukoniba kuti sangano rako harizvigamuchiri. Munhu wese anofanire kubarwa kechipiri. Ndiko kuti ashandurwe rudzi. Achiitwa weropa raMwari. Achiona hupenyu husingaperi. Izvi ndizvo zvataona muvhesi yatabeura nayo. Yati, "Munhu anofanira kubarwa kechipiri. Ndiko kuti aone hushe hwaMwari". Zvisizvoba haakoniba kupinda munyika yaMwari. Haakoniba kuziya ngezvayo. Haatokoniba kuizwisisa. Nyika yaMwari inotowa pano. Iri muna Muponesi Jesu. Asi iwe unofanire kubarwa kechipiri. Ndiko kuti ukone kupinda munyika iyi.

Johane 3 v 6 inoti, "Nyama inobara nyama. Mweya unobara mweya". Saka munhu angabarwa kechipiri. Mweya wake ndiwo unenge wabarwa kudai. Mweya uyu unenge wasikwa panyowani. Mweya Mutsvene ndiwo anousika panyowani kudai. Anoshandisa Soko raMwari kumusika kudai. Uku kunenge kuchitowa kubarwa chaiko. Hakusiba kubarwa kwekundotaura. Mweya wako unenge watoshandurwa rudzi. Uchiitwa weropa raMwari. Ndiko kusaka Ishe akati, "Unofanira kubarwa panyowani. Iyi haisi nyaya yekutamba nayo". Tinoerenga masoko awo aya muna Johane 3 v 7.

Saka munhu anotofanira kubarwa kechipiri. Hapanaba chingatsiya izvi. Futihe hachisiba chiro chekuchuza kusaitaba. Iwe ungada kuwa munyika yaMwari. Unofanire kubarwa kechipiri. Ndiko kuti uwe weropa raMwari. Ndiko kuti uwe werudzi rwaMwari. Asi kuda iwe hausatiba wabarwa kechipiri. Enda kumunamato weruponeso. Unowanikwa kunoperera bhuku rino. Namata munamato uyu. Munamate ngemoyo wako wese. Unobva waitwa mwana waMwari. Kurewa kuti mweya wako unenge washanduka rudzi. Uchibva waitwa weropa raMwari.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandipa ruponeso. Ndakaruona muna Muponesi Jesu. Saka ndakabarwa kechipiri. Ndaa chipuka chinyowani. Ndaa muna Muponesi Jesu. Ndaa kurarama seMumwari. Ndichishandisa chiedza chaMwari pakurarama kwangu. Ndaa kurarama mukururama. Ndinokutendai. Makandiita werudzi rwenyu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Tito 3:5; 2 VaKorinte 5:17; 1 Petro 1:23

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church