7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Tisu achengeti epfuma YaMuponesi
Mugovera, 14 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
"Asi gomo ramakauya kwariri rinozi Ziyoni. Rinowa taundi raMwari apenyu. Iro Jerusarema rekudenga. Kwamunondyidzana nengirosi dzisingaerengekiba. Ndikohe kune gungano riya. Rinowa sangano guru. Rematangwe akanyoreswa kudenga. ..." (Vahebheru 12 v 22 kusvika 23).
Hupfumi hwenyika yako hune anohuronga. Hunorongwa neatungamiriri enyika iyi. Hunorongwawo nemakurukota enyika iyi. Anhu aya ndiwo anoronga kushandiswa kwehupfumi uhu. Asi iwe uri gurukotawo. Uri nhengo yedare. Dare racho iguru maningi. Rakakura kudarike matare ese enyika ino. Dare racho ndiro Sangano reVatsvene. Rinotungamirirwa naIshe Jesu. Ishe Jesu ndiwo Dangwe redu.
Kurewa kuti tiri mudare reVamwari. Dare iri ndiro rinoronga pfuma yekudenga. Iyo pfuma yaMuponesi. Iyoyo inoshandiswa naMwari panyika pano. Mazita edu tese ari kudenga. Hatisiba atorwa. Tinotowa nhengo dzedare rekudenga iri. Tinoronga kushandiswa kwepfuma yaMwari panyika pano. Ndiyo pfuma inoshandiswa pamabasa ekuunzire anhu ruponeso. Ndiyo inoshandiswa pamabasa ekuunzire anhu maropafadzo. Pamwepo nekugadzirisa zviro zvenyika ino. Iwe uri kuitei nepfuma iyi?
Pfuma iyi iripo kuponesa anhu. Iripo kupfumisa dzinyika. Asi isu tisu tinoisvitsa kuanhu. Tisu takaibatiswa. Saka chirekera kufunga semunhu akamirira kupuwa mare naMwari. Waa kuzikanwa ngezita raJesu. Chirarama semunhu anozwisisa izvi. Waa kundofanire kureketa basi. Pfuma yacho inozouya kwauri. Madhoo anozovhurika. Pfuma yaMwari haiperiba. Inouya pese painodiwa. Saka iwe waa kukona kuona zvese zvaungada. Waa nepfuma yese inodiwa kuita mabasa aMwari. Uchipinza anhu munyika yaMwari. Nyasha dzakakuwandira. Hareruya!
Pupura Uchiti
Ndini ndinosvitse pfuma yaMwari kuanhu. Ndakapuwa pfuma yacho yakawanda. Ndinoshandisa mazano edenga pakurarama kwangu. Ndinoshandisa pfuma kusvitse Ruponeso kudzinyika. Pfuma yangu inogara ichiwedzera. Ndichibudirira pane zvese zvandinoita. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
VaFiripi 4:19; 2 VaKorinte 9:8;
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church