7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Chii Chinodiwa Kuti Uwe shasha?

Svondo, 15 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Hino Dhanieri uyu akapfuura amwe akuru namachinda, nekuti maari makanga muno mweya wakanaka kwazvo; mambo akada kumuita mukuru weushe hwake hwese" (Dhaniyeri 6 v 3).

Ndakanga ndichiri chikomana chidoko. Asi ndakaudza dzimweni shamwari dzangu ndichiti, "Ini handisiba kuzomboita murombo zvachose". Shamwari dzangu idzi dzakaseka. Dzikati, "Masoko akadaro haataurwiba. Zvichaitika muhupenyu unozviziya ere iwe?" Ini ndakaadayira. Asi ndakaadayira ngenzira yaaisafungiraba. Ndakaati, "Handisiba kuzoita murombo ngekuti ndine mabasa andinokona kuita. Ndinokona kuchenesa shangu. Futi ndinokona kugeza motika". Panguwa iyi ndaisichenesa shangu dzababa angu. Futi ndaigeze motika dzawo. Baba angu akanga andifundisa kuita mabasa aya. Saka ndaiakona maningi.

Ndakanga ndichiri mudoko hangu. Asi ndaigara ndichizvifundisa mabasa emaoko. Ndainga neshungu dzekuwa shasha pamabasa angu ese. Munhu angaa hake nemabasa aanokona kuita. Asi izvozvo hazvimuiti shasha pamabasa aya. Shungu ndidzo dzinodiwa. Bhaibheri rinoreketa pamusoro paDhaniyeri. Dhaniyeri uyu ainga nemweya wakanakisisa. Izvi ndizvo zvakaita kuti mambo aise hushe hwawo hwese mumaoko ake. Hushasha hunokusimudzira.

Iwe ungaa nezviro zvaunoita. Usandoita masiyandaitaba. Zviite nehushasha. Iwa neshungu dzekuita zviro ngemazvo. Fundira mabasa akasiyana siyana. Erenga. Wedzera ziwo. Hushasha hunode shungu. Hunode kushanda ngesimba. Uchipfekawo semunhu ane runako rwaMuponesi. Wawa mambo. Baba ako ndiwo Mambo. Saka pfeka zvakachena. Reketa semunhu anozwisisa zviro. Famba semunhu akakodzera kuremekedzwa. Usanonokaba kubasa. Usanonokera anhuba. Svika ngenguva. Ronga mabasa ako zvakanaka. Uchitsvake kuapedza ngenguwa.

Mwari haangomuki achikugadza hushe. Anotanga akufundisa. Ane zviro zvaanotanga akurowedzera. Saka ungasangana nezviro pakurarama. Zviro izvozvo zvinenge zviri kutokuwedzera hushasha. Saka unofanire kuzvikurira. Ndiko kuti usimudzirwe. Ungaa mutungamiriri. Fundira hutungamiriri ihwohwo. Ungaa mufudzi wesangano doko. Fundira basa iri. Ukone kubatsire anhu. Gara uchishanduka. Uchiwedzera kunaka. Uchiwandudzika.

Ungaa unoita zvemitambo. Iwa shasha pamutambo wako uyu. Timu yako haifaniriba kuda kukushaiwa. Shasha inodiwa nemunhu wese. Hapanaba anoda kuti itorwe neamwe. Iwe iwawo shasha. Ita zviro zvako ngemazvo. Zviite neshungu. Anhu angaona mabasa ako. Anofanira kubva akudza Mwari saMwari.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Mweya wakanaka uri kushanda mandiri. Ndinoshingaira pamabasa angu. Ndakazvipira kugara ndichizviwandudza. Pfungwa dzangu dzakamuka. Dzinofunga zviro zvinobatsira. Ndinogadzirisa zvinonetsa. Ndinoshandisa mazano aMwari pakurarama kwangu. Ndinogara ndichiita zvinobatsira anhu. Ndinobudirira pane zvese zvandinoita. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Zvirevo 22 v 29
Vafiripi 3 v 13 kusvika 14
Vakorose 3 v 23

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church