7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Zvingodiwa Pakuwa Shasha

Soto, 15 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

“Zvino Dhanyero uyu adodarika watungamiriri ngemachinda, ngekuti adonga ane mwiya udonakitsa. Mambo wadofunga kumuisa pamutsoro pehumambo hwetse. ” (Dhanyero 6 ndima 3).

Ndisati ndasvika pahujayaba, ndidoti kune shamwari dzangu, "Handiruzomboyita muromboba." Wadonditseka wayiti, Ngenyi uyibhuya kusharo? Ungoziwa remangwani yere iwewe?" Ndidobva ndawapa mhinduro iyo wadonga wasurutarisiraba. Ndidotiwa shina shingoyita kuti ndiziwe kuti handimboyiti muromboba ngeshekuti ndingokwanisa kupukuta bhutsu ngekugeza motikari. Kara ikako ndaipukuta bhutsu dzabambo wangu ngekugeza motikari dzawo. Ndayizvikwanisa maningi izvi tsezvo wariwo wadondifundisa kusharo.
Kana dayi ndanga ndishari munyayi, ndayizviwanzvira kukosha kwangu pachangu. Ndidofunda kuyita hutsanzi, ndiyiwanzvira kukwanisa kwangu ndine tsuwiro yekuyita shasha mune zvetse izvo ndayiita. Hushasha tsandindori nyaya yehutsanzi basiba, mafungiro ungoyita. Bhayibheri ringotawura ngezvaDhanyero, kuti mwiya weushasha udonga uri umo ari, mambo wayibva wamugadza kuyita mutongi ngekuda kweizvezvo. Kuyita shasha kungokusumudzira!

Muzviro zvetse izvo ungoyita, ramba kuyita zvisidokwanaba. Wandudza nzero dzako. Wanzvira ruziwo rwako. Funda, werenga ukure. Hushasha hungoda kushingayira ngekusenza ngesimba asi zvingobhadhara. Kana mapfekero ungoyita angofanira kupangidza hutsanzi hwaKristo. Uri wehumambo. Uri mupwere waMambo saka pfeka zvidonaka, zvidochena, tawura zvine hungwaru ngekufamba zvine mutsigo ngerukudzo. Utsanonoke kubasaba kana kumisongano ungonga waronga. Chimbidza kusvika, ronga zuwa rako uyitarisira kukara uri mberi kwezviro.
Mwari hawandokaruki wakuyita mamboba. Wangotanga wakufundisa. Zvetse izvo ungosongana ndizvo muupenyu kutori kuna kufunda ikoyiko. Padanho rega rega ungofanira kukunda kuti uyende pamutsoro. Kana uri mutungamiriri, isa zvidowanda muhutungamiriri hwako. Kana uyifundisa kana kutungamirira songanonyayi, wanzvira kufunda ngekuwerenga kuti misongano ungoyitisa ipfume ibate mwoyo. Ita kuti wanhu wawone kukura munewe. Utsarambe uri izvo udonga uri gore raperaba, kura, wanzvira uyende mberi.

Kana uri mune zvemitambo, ita shasha yekutanga yacho. Ita munhu adokosha maningi kushikwata shako kusvika pakuti hawadi kukushayaba. Hushasha hudonakitsa hungoyita kuti utsabvisikepo nhando nhandoba. Gonetsa maningi izvo ungoyita kusvika watuzikanwa ngewetse, pasishana angokupira gotsiba. Ndizvo zvingodiwa kuti uyite shasha, shasha yepamutsoro kumbiri yaMwari!

Munamato

Baba wangodikanwa, ndingokutendani ngemwiya wehushasha urusenza munene. Ndingoshingayira, ndidorongeka ngekuzvipira kuwandudzwa. Nzero dzangu dzingokara dzidomuka dziyibara zvidonaka. Ndine hutsanzi. Ndingosenza ngehungwaru zvidosiyana ngewena, ndiyiwanzvira kukosha munyika yangu. Ndingobudirira mune zvetse izvo ndingoyita, muZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:

Zvirewo 22 ndima 29
WaFiripi 3 ndima 13–14
WaKorose 3 ndima 23

(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church