7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Arombo MuMweya

Muvhuro, 16 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"akaropafadzwa arombo pamweya. Ngekuti hushe hwokudenga ngehwawo" (Matiyo 5 v 3).

Ishe Jesu ndiwo akataure masoko atabeura nawo. Akanga asiriba kutaure arombo enyika inoba. Akanga ari kutaure aya ane mweya yakapa zvese kuna Mwari. Iwo aya asati achakoshese zviro zvenyika inoba. Anhu aya anokona kundopa zviro zvese izvi kuti zvibatsire pamabasa aIshe. Angaa nepfuma yakawanda. Asi haaikoshesiba. Moyo yawo haisiba papfuma iyi. Anokona kundoipa kubasa raMwari. Achitsvake kuti ibatsire pamabasa ekusvitsa Ruponeso kuanhu.

Izvi ndizvovo zvakanga zviri Pauro. Tinoona masoko ake muna Vafiripi 3 v 8. Inoti, "Ichi ichokwadi. Zviro zvese izvi kwaiwa kurasikirwa. Hazvienzaniba nekuziya Muponesi Jesu. Iye Ishe wangu. Iye wandakatambudzirwa. Ndikasara ndisisinaba chiro. Ndikatotore zviro izvozvo sendowe. Kuti ndiwane Muponesi". Izvi ndizvo zvaunofanira kuitawo iwe. Mabasa aMuponesi ndiwo basi anofanire kunge akakukoshera. Mabasa enyika yawo ndiwo basi aunofanire kukoshesa. Shungu dzako dzinofanira kunge dziri dzekuti Ruponeso rusvike kuanhu.

Ungaa hako nepfuma yakawanda. Asi iwe haufaniriba kukoshesa pfuma iyi. Pfuma iyi haifaniriba kukutonga. Mweya vaMwari anofanira kukona kukupangira kuti upe pfuma yacho kuna Mwari. Iwe hauzofaniriba kuita nharo pakadai. Ikoko ndiko kuwa murombo pamweya. Unenge waisa pfuma yako yese mumaoko aMwari. Moyo wako unenge wazvipira kuna Mwari. Futi iwe unenge usiri kuita zvekumanikidzwa kuzvipira kudai. Unenge uri kutozviita nemoyo wako wese. Muponesi basi ndiwo anenge akukona kufadza moyo wangu. Zviro zvenyika ino zvinenge zvisisakoniba kukufadza.

Kune anhu akasirarama ngenzira yakadai. Ishe aipembedza anhu aya. Humambo hwekudenga ngehwe akadai. Humambo uhu ihurumende yaMuponesi. Ndiyo hurumende yawo inoita mabasa awo panyika pano. Ndiyo iripo kuropafadza anhu. Nekugadzirisa hupenyu hwawo. Arombo mumweya ndiwo anosvitsa simba redenga kuanhu. Ndiwo anorarama hupenyu hweVamwari. Anohurarama ari panyika pano. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makaita kuti ndigamuchire zvamunoda imi. Makaita kuti ndikone kuzvipira kumabasa enyu. Moyo wangu ndowenyu. Hapanaba chenyika ino chinokona kutora moyo wangu. Ndinongoraramira mabasa eRuponeso basi. Shungu dzangu ndedzekuzadze nyika ino neSoko renyu. Ndini ndakabatiswa pfuma yekudenga. Ndinoshandisa pfuma yangu yese kuti akawanda apinde munyika yenyu. Ndinoishandisa kuti anhu akukudzei saMwari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Vafiripi 3 v 7 kusvika 8
Ruka 14 v 33
Matiyo 6 v 19 kusvika 21

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church