7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Warombo Mumwiya

Muvhuro, 16 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

“ Wadokomborerwa warombo mumwiya, humambo hwekudenga ngehwawo” (Matewu 5 ndima 3).

Apo Tenzi Yeso wadoti, “Wadokomborerwa warombo mumwiya,” wadonga wasirutawura awo wasina zviro zvingobatikaba. Wadonga warutawura kwako ngezvezve awo wadopa zvetse kuna Mwari mumwiya yawo. Awa wanhu wasishabatiri kana shiroba pakusenzera kwawo Mwari. Ungokwanisa kuwawona wadotenderedzwa ngezviro zvidowanda, asi mumwoyo yawo wangozviwona tsezvisidokoshaba. Wangokwanisa kupa kana kusenzesa chero shiro kuyitira Vhangeri.

Pauro adoburitsa izvi muna WaFiripi 3 ndima 8 apo adoti, “Ehunde, diko ndingototi zviro zvetse kuratsikirwa hako ngekuda kwekunaka kwekuziwa Yeso Kristo, Tenzi wangu." Ungofanira kusvika pashidanho muupenyu hwako shekuti ungonga watundokosherwa ngeshinangwa shaKristo basi, huMambo hwawo husingaperiba ngekufambira mberi kweVhangeri reruponiso hwawo.
Wanhu wangokwanisa kukuwona une zviro zvidonaka, asi zviro izvi hazvina simba pamutsoro peupenyu hwakoba. Mwiya waMwari wangokwanisa kukutawurira kuti upe zvetse tsemupiro, ungopa usingambowerengeriba kana kupikisana ndizvo. Ndizvo zvingotawura kuwa murombo mumwiya izvezvo. Ungonga wapa Mwari kuti wayite muridzi wezvetse. Une mwoyo udozvipira wetse kuna Mwari murudo. Kugutsikana kwako hakuri pazviro zvepanyika panapa zvingodarika izviba, asi muna Kristo basi. Wona zvidotawurwa ndiTenzi pamutsoro pewangorarama zvidoshare; ndiwo waridzi wehuMambo hwekudenga. HuMambo hwekudenga hurongwa hwekutonga kwaKristo kuri panyika panapa. Upenyu ngehutongi hwedenga hungopangidzwa patsi panapa kuti hukomborere ngekutsandura upenyu hwewanhu. Warombo mumwiya wangopa kukudzwa kwehumambo wayirarama upenyu hwekudenga panyika panapa. Hareruya!

Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngekundisvitsa panzvimbo yekuzvipira zvidokwana kune izvo mungoda ngeshinangwa shanu. Mwoyo wangu udozvipira kunemwe zvidozara. Hakuna shiro shiri panyika panapa isho ndingoda kudarika kuda kwanuba. Ndingoraramira shinangwa shevhangeri basi, ndiyizaza patsi retse ngeSoko ranu. Ndiri musenzi wepfuma yaMwari, ndingosenzesa zvetse izvo ndinazvo kuyitira kukudzwa kwanu ngekuwanzvira kukura kwehumambo hwanu, muZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:

WaFiripi 3 ndima 7–8
Ruka 14 ndima 33
Matewu 6 ndima 19–21

(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church