7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Iwa NeMoyo wakazare Hanya

Chipiri, 17 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"akaropafadzwa anochema. Nekuti achanyaradzwa" (Matiyo 5 v 4).

Ishe Jesu ndiwo akataura masoko atabeura nawo. Akanga asiriba kutaure anhu anochema ngemarwadzo. Akanga ari kutaure se maporofiti. Tinoona maporofiti muSungano yeKare. Maporofiti aya aipota achichema. Asi aisachema nhamo dzawo. Aichemera anhu aMwari. Achitsvake kuti anhu aya ayanane naMwari. Achitsvake kuti anhu aya abve muhutapwa. Maporofiti aya ainyengeterera anhu aya. Achichema. Achichemera mweya yawo. Achitsvakawo kuti zita raMwari rikudzwe.

Saka apa Ishe Jesu aitaura ngezve anhu ane moyo inoshingairira Mwari. Iwo aya anokoshesa zviro zviri pamoyo paMwari. Kuchema kwawo ndiko kunoitwa neanhu anofarira anhu. Kunoitwa ngeanhu ane hanya neanhu. Hakuitwiba neanhu anochema hawo nhamo dzawo. Asi ane moyo yakaita seyaMwari. Iwo aya asingadi kuona mweya yeanhu yakanyangara. Asingadi kuona dzinyika dzichiramba Mwari.

Saka iwe ungazwa kuti umwe munhu abuda musangano. Kana kuti atonhora. Moyo wako unobva warwadza. Wobva wamunyengeterera. Unozochema kuna Mwari. Uchitsvake kuti asungunurwe. Asi tinotenda Mwari. Mwari anowimbisa kudayira anhu akadai. Anowimbisa kuanyaradza.

Anozoponesa munhu uya. Anozogadzirisa hupenyu hwake. Izvozvo zvichibva zvazokunyaradza. Mwari anobatwa moyo ngeminyengetero yakadai. Iwe ungaa uri kunamata. Dzimweni nguwa unopererwa ngemasoko. Misodzi yako ndiyo yega inenge yaa kureketa. Ikoko ndiko kuchemera mweya yeanhu. Mweya wako uchigomera. Dzimweni nguwa moyo wako unoremerwa chaizvo. Saka unenge wawa kungofemereka. Uchibudise misodzi. Uchinyengeterera anhu. Izvi ndizvo zvatinoona muna Varoma 8 v 26.

Simba raMweya Mutsvene rinobve ratanga kushanda pakadai. Izvi zviro zvakasiitika kwandiri kakawanda. Ndine anhu andakasinyengeterera ngenzira iyi. Anhu acho akawanda maningi. Amwe awo aashumiri eRuponeso nanhasi. Amweni aatungamiriri mumasangano. Amweni awa aiwa netsika dzakashata. Amweni akanga asinaba kunatsa kuzvipira kunamata. Amwewo ndiwo aitambudzwa ngezvakasiyana siyana. Mabasa awo asiri kuapa mari yakanaka. Ini ndainyora mazita eanhu aya pasi. Ndoanyengeterera. Ndichibudisa misodzi.

Anhu ese aya ashanduka hino. Saka ndinofara. Ndakanyaradzwa. Moyo wako ngauwe nehanya neanhu. Ndiko kuti ufanane nemoyo waMwari. Minyengetero yako inozogadzirisa zviro. Iwe uchizonyaradzwa. Saka iwa nemoyo munyoro. Moyo wako ngaufarire anhu. Ngauwe nehanya. Ngaukutume kunamata.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandipa moyo une hanya nevanhu. Saka ndinogara ndichinyengeterera akarasika. Ndinogara ndichinyengeterera asina simba. Neaya atsauka. Nekudaro hupenyu hweanhu hunogadziriswa. Anhu akawanda achiwedzerwa munyika yenyu. Ndinokutendai. Munodayira minyengetero yangu. Saka ndinonyaradzwa maningi. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Ezekieri 9:4; VaRoma 9:2-3; Isaya 66:10;

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church