7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Hana Ingonera Ngetsitsi Ngerudo

Chipiri, 17 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

“ Wadokomborerwa awo wangorira, ngekuti washanyaradzwa.” (Matewu 5 ndima 4).

Mundima iyo tawamba ndiyo iyi, Tenzi Yeso wadonga wasirutawura kuwanhu warurira ngekuda kwekushungurudzikaba. Wadonga warutawura mutawuro weshiporofita wayisenzesa mutawuro wemaporofita. MuSungano yeKara, apo maporofita ayirira, kudonga kusiri kuririra kutambudzika kwawo iwo pashawoba. Wayirira ngendawa yamamiriro ewanhu waMwari. Tsemuwenzaniso, kutsaterera kwawo, hunhapwa kana kudzikira pamwiya. Wayirira mukunamata, wane mutoro wemwiya yewanhu ngekukudzwa kwezita raMwari.
Saka apo Tenzi Yeso wadoti, wadokomborerwa awo wangorira”, wadonga warutawura kune awo wane hana dzingopatitswa ngekutenhwa ngezviro zvingotenha Mwari. Mhando yekurira idoshare ingobarwa kubva murudo ngetsitsi. Tsandi kwekurira ngekuda kwekutsuruwara kwakoba, asi kutambudzikira wena mumwiya. Ungonga urutambudzika mumwiya uyitambudzikira wanhu ngenyika.

Tsekuti ukanzwa kuti una munhu haasharuyenda kuchechiba, kana kuti muKristo atonhora parutendo rwashe, mwoyo wako uyibva wakonza, hayikona mukuwatongaba, asi mumunamato. Ungorira pamberi paTenzi, uyiririra kuti wadzotserwe panzvimbo. Tingotenda Mwari! Tenzi wangowimbisa kuti awo wangoririra wena muminamato kusharezvi washanyaradzwa.

Kunyaradzwa kwacho kungowuya apo ungowona mhinduro uyiwona munhu uya atsanduka, upenyu hwashe hwatsanduka, tsekwende iyo wanga wari yagadziriswa. Kumamatira wena uku kungotenha Mwari. Pane dzina nguwa mumunamato apo masoko angoramba kubuda, misorodzi ndiyo ingotawura. Uku kutambudzikira mwiya yewanhu zvidodzika. Pane dzina nguwa apo mutoro wacho ungonga udokuritsa kusvika pakumbunda kutawura uyindotsinda ngekugomera kudodzika ngemisorodzi yekunamatira wena (WaRoma 8 ndima 26).

Apo ungonga ururira kusharo, simba raMwiya Mutsvene ringobva rawamba kusenza. Inene ndidosongana ngeizvi kadowanda. Ndine magwaro emazita ewanhu awo ndidonamatira makore etse aya, wena wacho nyamusi watori washumiri weVhangeri ngewatungamiriri mumachechi. Wena wacho wadonga wane hunhu hudonyangara, wena wadonga wasidogadzikanaba, wena wayisongana ngezvinetswa mumabasa awo erutendo. Ndidonyora mazita awo patsi ngekuwanamatira ndiyibuda misorodzi.

Asi nyamusi ndirufara ndiyiwona kutsandurwa wadoyitwa. Ndingonzwa kunyaradzwa. Kana hana yako iyinera ngekuda kwetsitsi kune wena, uripamwepo ngemwoyo waMwari chayiwo. Munamato wako kune wena ungobva wayita mugero waMwari wekunyaradza ngekutsandura nyika. Saka mwoyo wako ngawupfawe. Tsitsi ngadzikufambise kusvika mumunamato.

Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngekundipa mwoyo ungonera ngetsitsi kunamatira murudo wadoratsika, wadoneta ngewarupumbuzika. Kuburikidza ngeminamato yangu upenyu hwewanhu hurutsandurwa, hurudzokeswa, huMambo huyinderera mberi zvine simba. Ndingokutendani ngekunyaradzwa ngemufaro weminamato irupindurwa, muZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi
Ezekieri 9:4; VaRoma 9:2-3; Isaya 66:10;

(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church