7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Soko RaMwari Ngarigare Mauri
Chitatu, 18 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
"Saka bvisai tsvina yese. Nezvese zvakan'ora. Mugamuchire makazvininipisa. Iro Soko riya. Rakasimwa mamuri. Rinowa ndiro rinokona kuponesa mweya yenyu" (Jemusi 1 v 21).
Soko raMwari rine simba. Simba racho isimba raMweya Mutsvne. Soko iri rinogadzira zvese zvarinotaura nezvazvo. Iwe ungagamuchira Soko raMwari. Soko iri ringaa riri kutaura nezvekuchengetedzwa. Ungafungisisa soko iri. Hauzofaniriba kukumbira kuti Mwari akuchengete. Soko iri ndiro rinenge raa kukuchengeta. Ndiro rinenge raa muchengeti wako. Izvi ndizvo zvatinoona muna Mapisarema 91 v 4. Inoti, "Zvokwadi yake inhoo huru neduku".
Izvi ndizvo zvinoitwa ngeSoko raMwari. Zvarinotaura ndizvo zvariri chaizvo. Iwe ungagamuchira Soko rinotaura nezvekupfuma. Soko iri rinozokupfumisa. Ungagamuchira Soko rinotaura nezvehutano hwakanaka. Soko iri rinozoita kuti uwe nehutano hweVamwari. Zvirewo 4 v 20 kusvika 22 inoti, "Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura; teereresa kumasoko angu. Usaitaba kuti abve pamadziso ako, achengete pakati pemwoyo wako; nekuti upenyu kuna awo anoaona futi neutano kumwiri wese wemunhu".
Soko raMwari ndiro rinoraramisa mwiri wako wenyama. Ndiro mushonga unorapa mwiri wako. Ndokunge warichengeta mumoyo mako. Uchiritaura ngemuromo wako. Uchirishandisa pakurarama kwako. Kune amweni anhu. Anhu aya haanaba kuchengeta Soko raMwari mumoyo yawo. Haanawoba kuritaura ngemiromo yawo. Saka anorwara. Futi hurwere hwawo hahusi kuperaba.
Saka gara Soko raMwari riri mumoyo mako. Uchiritaure ngemuromo wako. Zvirwere hazvizogariba mumwiri wako. Ropa rako rinozosukwa. Richibviswe zvirwere zvese. Soko raMwari ndiro rinokuchengeta uri mutano. Ndiro rinokupa zvese zvaungashuvira. Rinokupa zvarinotaura ngezvazvo.
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Soko renyu rine simba. Simba iri riri kushanda mandiri. Soko iri rinondipa hutano hwakanaka. Rinondipa simba. Rinondipa mazano enyu. Rinondidziyirira. Rinondipfumisa. Soko iri ndiro randinoshandisa pakurarama kwangu. Zvarinotaura ndizvo zvinoitika muhupenyu hwangu. Ndinokutendai. Ndaa kuziya Soko renyu. Ndiro randaa kushandisa pakurarama kwangu. Ichi chinotowa chiropafadzo. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Zvirevo 4 v 20 kusvika 22
1 Vatesaronika 2 v 13
Jemusi 1 v 21
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church