7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Shoko RaMwari Ngarigare Mauri

Chitatu, 18 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Saka bvisai tsvina yose. Nezvose zvakan'hora. Mugamuchire makazvininipisa. Iro Shoko riya. Rakasimwa mamuri. Rinova ndiro rinogona kuponesa mweya yenyu" (Jemusi 1 ndima 21).

Shoko raMwari rine simba. Simba racho isimba raMweya Mutsvene. Shoko iri rinogadzira zvose zvarinotaura nezvazvo. Iwe ungagamuchira Shoko raMwari. Shoko iri ringava riri kutaura nezvekuchengetedzwa. Ungafungisisa shoko iri. Hauzofaniri kukumbira kuti Mwari vakuchengete. Shoko iri ndiro rinenge rava kukuchengeta. Ndiro rinenge rava muchengeti wako. Izvi ndizvo zvatinovona muna Mapisarema yemakumi mapfumbamwe neimwe ndima yechina. Inoti, "Zvokwadi yake inhoo huru neduku".

Izvi ndizvo zvinoitwa neShoko raMwari. Zvarinotaura ndizvo zvariri chaizvo. Iwe ungagamuchira Shoko rinotaura nezvekufuma. Shoko iri rinozokufumisa. Ungagamuchira Shoko rinotaura nezvehutano hwakanaka. Shoko iri rinozoita kuti uve nehutano hweVamwari. Zvirevo yechina ndima yemakumi maviri kusvika makumi maviri nembiri inoti, "Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura; teereresa kumashoko angu. Usaite kuti abve pameso ako, achengete pakati pomwoyo wako; nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu".

Shoko raMwari ndiro rinoraramisa muviri wako wenyama. Ndiro mushonga unorapa muviri wako. Ndokunge warichengeta mumoyo mako. Uchiritaura nemuromo wako. Uchirishandisa pakurarama kwako. Kune vamwe vanhu. Vanhu ava havana kuchengeta Shoko raMwari mumoyo yavo. Havanavo kuritaura nemiromo yavo. Saka vanorwara. Uye hurwere hwavo hahusi kupera.

Saka gara Shoko raMwari riri mumoyo mako. Uchiritaura nemuromo wako. Zvirwere hazvizogari mumuviri wako. Ropa rako rinozosukwa. Richibviswa zvirwere zvose. Shoko raMwari ndiro rinokuchengeta uri mutano. Ndiro rinokupa zvose zvaungashuvira. Rinokupa zvarinotaura nezvazvo.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Shoko renyu rine simba. Simba iri riri kushanda mandiri. Shoko iri rinondipa hutano hwakanaka. Rinondipa simba. Rinondipa mazano enyu. Rinondidzivirira. Rinondifumisa. Shoko iri ndiro randinoshandisa pakurarama kwangu. Zvarinotaura ndizvo zvinoitika muhupenyu hwangu. Ndinokutendai. Ndava kuziva Shoko renyu. Ndiro randava kushandisa pakurarama kwangu. Ichi chinotova chiropafadzo. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 4 ndima 20 kusvika 22
1 Vatesaronika 2 ndima 13
Jemusi 1 ndima 21

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church