7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Gare Uchindyidzana NaMweya Mutsvene

China, 19 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Nekuti pfungwa dziya. Dzinokoshese zviro zvenyika ino. Dzinounze rufu. Asi pfungwa dziya. Dzinokoshese zviro zvemweya. Dzinounze hupenyu. Nerugare" (Varoma 8 v 6).

Anhu anombokorerwa kutandara naMweya Mutsvene. Izvi zvinoitika kakawanda. Anhu aya anenge ari kutungamirirwa ngepfungwa dzawo pakurarama kwawo. Ndiko kusaka achikorerwa kutandara naMweya Mutsvene kudayi. Anenge achirarama seanhu enyika ino. Achingokoshese zviro zvenyika ino. Achifunga seanhu enyika ino. Asi vhesi yatabeura nayo yati, "Nekuti pfungwa dziya. Dzinokoshesa zviro zvenyika ino. Dzinounza rufu. Asi pfungwa dziya. Dzinokoshese zviro zvemweya. Dzinounze hupenyu. Nerugare".

Iwe unofanire kugara uchindyidzana ngeMweya Mutsvene. Mweya Mutsvene munhu. Saka gara uchireketa nawo. Uchifamba nawo zuwa rimwe nerimwe. Tsamba yechipiri kuVakorinde chapta 13 v 14 inoti, "Garai munyasha dzaIshe Jesu Muponesi. Garaihe murudo rwaMwari. Mufambidzane naMweya Mutsvene. Muchidyidzana nawo nguwa dzese. Zvizoramba zvakadaro".

Gara uchitaura naIshe. Usandonamata basi kana paine zvaunoda kuti akupe. Mweya wako ngaugare uchitandara ngemweya vaMwari. Mwari anoshuwira kundyidzana newe ngenzira yakadai. Tsamba yekutanga kuVakorinde chapta 1 v 9 inoti, "Mwari ndiwo akatendeka. Iwo akatichuza. Kuti tiwe erudzi rweMwanakomana wawo. Jesu Muponesi. Ishe wedu. Tindyidzane nawo". Anhu anondyidzana anotaurirana. Anotandara pamwepo.

Mwari anoreketa. Izvi ndizvo zvatinoona muBhaibheri rese. Akasika zviro nemasoko awo. Aitaura naAdhamu. Aitaura naNowa. Aitaura naAbhurahama. Aitaura naMosesi. Aitaura ku maporofiti. Akazotaurawohe ari muMwanakomana wawo. Mwanakomana uyu ndiye Muponesi Jesu. Achiri kutaura nazvino. Izwi rawo tinorinzwa muSoko rawo. Mweya Mutsvene anotaurawo nesu. Kurekete kuti Mwari ndiwo anenge ari kutotaura nesu. Funda kuteerera kumasoko awo. Uchiadayirawo. Ndiko kundyidzana kwaunenge uri kuita naMwari ikoko. Unenge uri kutorarama hupenyu hwemumweya uchidai. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandiita werudzi rwenyu. Saka ndaa kundyidzana nemi. Ndinoziya kuti imi muneni. Ndinofara kukona kutaurirana nemi. Icho chinotowa chiropafadzo chikuru. Saka ndinotungamirirwa. Ndinosimbiswa. Ndichikurudzirwa kurarama muna Muponesi. Ndichiita chaizvo zvavakandirongera kuti ndiite muhupenyu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
2 Vakorinde 13 v 14
Johane 16 v 13
1 Vatesaronika 5 v 17

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church