7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Zvivake NeShoko RaMwari

Chishanu, 20 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Nokuti sezvaanofunga mumwoyo make, ndozvaakaita" (Zvirevo 23 ndima 7).

Chimbofunga kuti iwe uri munhu akaita sei. Ngatimboti pane mumwe munhu akaita zvawakaita iwe. Ungazoda kuti munhu uyu ave shamwari yako here? Kuda ungada hako. Kana kuti ungaramba. Asi rangarira kuti ndiwe wakaita kuti uve zvauri izvozvo.

Ndiwe wakaita kuti ufunge mafungiro auri kuita iwayo. Akabva pazvinhu zvaunogara uchiteerera. Uchiverenga. Uchivona. Zvinhu zvose izvi ndizvo zvinoita kuti ufunge mafungiro auri kuita iwayo. Ndizvo zvinoita kuti uve nemavonero aunoita zvinhu. Ndizvo zvakakuita zvauri izvozvo. Ndizvo zvinokupa mafungiro ako iwayo.

Mweya wako ndiwo unoronga hupenyu hwako. Vanhu vangavona havo zviri kunze. Asi zvinhu izvi zvinotangira mumweya mako. Ndiko kusaka Mwari vakatipa Shoko ravo. Shoko iri ndiro rinogadzirisa mafungiro edu. Ndiro rinozadza mweya yedu nemazano eVamwari. Saka tutira Shoko raMwari mumoyo mako. Ndiko kuti simba raMwari rivonekwe mauri. Ndiko kuti runako rwavo ruvonekwe mauri.

Ndiko kusaka Vakorose yetatu ndima yegumi netanhatu ichiti, "Shoko raMuponesi ngarigare mamuri. Rigaremo rakawanda. Ngarive iro rinokupai mazano ose ekurarama nawo. Muimbirane nhetembo. Nenziyo dzekunamata Mwari. Nedzimbo dzemweya. Muchidzidzisana. Nekukurudzirana. Mugarevo muchiimbira Ishe. Muvaimbire mumoyo yenyu. Muine mweya yakafara". Mabasa yemakumi maviri ndima yemakumi matatu nembiri inotivo, "Zvino hama dzangu. Ndinokuisai mumavoko aShe. NeeShoko renyasha dzavo. Iro rine simba rekukuvakai. Nekukugamuchidzai fuma iya. Yakagadzirirwa vakasanangurwa".

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makandipa Shoko renyu. Shoko iri rinovaka hupenyu hwangu. Rinondirovedzera muhupenyu hweVamwari. Rinoshandura hupenyu hwangu. Richiita kuti ndigare ndichiwedzera kufanana nemi. Pfungwa dzangu dzinowirirana neShoko renyu. Mashoko andinotaura anowirirana neShoko renyu. Ndinoita zvinhu zvinowirirana neShoko renyu. Saka ndinoita zvinhu zvakaisvonaka. Ndinoshandisa mazano enyu pakurarama kwangu. Imi ndimi makandigadzira. Ndava kurarama hupenyu hweVamwari. Ndizere runako rwenyu. Kururama kwenyu kunovonekwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Varoma 12 ndima 2
Jemusi 1 ndima 25
Zvirevo 4 ndima 23

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church