7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Zviake NeSoko RaMwari
Chishanu, 20 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
"Ngekuti sezvaanofunga mumwoyo make, ndozvaakaita" (Zvirevo 23 v 7).
Chimbofunga kuti iwe uri munhu akaita sei. Ngatimboti pane umwe munhu akaita zvawakaita iwe. Ungazoda kuti munhu uyu awe shamwari yako ere? Kuda ungada hako. Kana kuti ungaramba. Asi rangarira kuti ndiwe wakaita kuti uwe zvauri izvozvo.
Ndiwe wakaite kuti ufunge mafungiro auri kuita iwayo. Akabva pazviro zvaunogara uchiteerera. Uchierenga. Uchionahe. Zviro zvese izvi ndizvo zvinoita kuti ufunge mafungiro auri kuita iwayo. Ndizvo zvinoita kuti uwe nemaonero aunoita zviro. Ndizvo zvakakuita zvauri izvozvo. Ndizvo zvinokupa mafungiro ako iwayo.
Mweya wako ndiwo unoronga hupenyu hwako. Anhu angaona hawo zviri kubanze. Asi zviro izvi zvinotangira mumweya mako. Ndiko kusaka Mwari akatipa Soko rawo. Soko iri ndiro rinogadzirisa mafungiro edu. Ndiro rinozadza mweya yedu nemazano eVamwari. Saka tutira Soko raMwari mumoyo mako. Ndiko kuti simba raMwari rionekwe mauri. Ndiko kuti runako rwawo ruonekwe mauri.
Ndiko kusaka Vakorose 3 v 13 ichiti, "Soko raMuponesi ngarigare mamuri. Rigaremo rakawanda. Ngariwe iro rinokupai mazano ese ekurarama nawo. Muimbirane nhetembo. Nenziyo dzekunamata Mwari. Nedzimbo dzemweya. Muchifundisana. Nekukurudzirana. Mugarewo muchiimbira Ishe. Muaimbire mumoyo yenyu. Muine mweya yakafara". Mabasa 20 v 32 inotiwo, "Hino hama dzangu. Ndinokuisai mumaoko aShe. NeeSoko renyasha dzawo. Iro rine simba rekukuakai. Nekukugamuchidzai pfuma iya. Yakagadzirirwa akasanangurwa".
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandipa Soko renyu. Soko iri rinoaka hupenyu hwangu. Rinondirowedzera muhupenyu hweVamwari. Rinoshandura hupenyu hwangu. Richiita kuti ndigare ndichiwedzera kufanana nemi. Pfungwa dzangu dzinowirirana neSoko renyu. Masoko andinotaura anowirirana neSoko renyu. Ndinoita zviro zvinowirirana neSoko renyu. Saka ndinoita zviro zvakaisvonaka. Ndinoshandisa mazano enyu pakurarama kwangu. Imi ndimi makandigadzira. Ndaa kurarama hupenyu hweVamwari. Ndakazare runako rwenyu. Kururama kwenyu kunoonekwa pandiri. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Varoma 12 v 2
Jemusi 1 v 25
Zvirevo 4 v 23
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church