7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Dzidza Kutaura Nomazvo

Mugovera, 21 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Nokuti mashoko ako ndiwo anokupupurira. Ndiwo zvekare anokusungirira" (Matiyo 12 ndima 37).

Mashoko zvinhu. Mumweya haangonzwikwi chete. Anotovonekwa nemeso. Asi kune vamwe vana vaMwari. Vana ava vanoshandisa mashoko asina kufanira. Nokudero havawani maropafadzo akakwana. Asi vanhu vanonzwisisa zvinhu nenzira dzakasiyana. Ndiko kusaka vachitaura nenzira dzakasiyana. Ndiko kusaka vamwe vachitaura sevanoshaiwa. Imhaka yekuti vajaira kushaiwa. Saka vanozvivona sevanhu vanoshaiwa.

Iwe ungava mwana waMwari. Unofanira kudzidza kutaura nomazvo. Uku hakusi kungotaura kwemunhu anotsvaka kuti zvimunakire chete. Asi kutaura zvinowirirana neShoko raMwari. Shoko raMwari ndiro chokwadi. Ndiro rinotaura chokwadi. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muna Johane yegumi nenomwe ndima yegumi nenomwe. Iwe ungataura zvinowirirana neShoko raMwari. Ungaita nguva refu uchitaura kudai. Mweya wako unozopedzisira wava nemafungiro akanaka. Uchizowanavo zvinhu zvinowirirana neShoko iri.

Saka nyaya haisi yekungoshandisa mashoko akafanira. Taura semunhu anowirirana neShoko raMwari. Kune vanotaura vachiti, "Tanga tiri kumunamato. Tabva tatanga kunamata Mwari. Mwari vabva vauya pamusoro pedu". Kutaura kwakadai kungaita sekwakanaka hako. Asi hakuna kunaka.

Iwe unganamata Mwari hako. Asi Mwari havasi kuzoburuka. Havasi kuzobva kudenga vachiuya pauri. Mwari ava vanogara mukati mako. Ndiwe unofamba wakavatakura. Ndiwe imba yavo. Vanoshanda mabasa avo vari mauri. Saka havapoti vachikusiya. Vanogara pauri. Saka tingaungana pamunamato. Ndipo pavanogona kubva vatanga kushanda pakati pedu. Vanenge vasiri kumwe kunhu vachiuya kugungano redu. Vanenge vagara vachitova matiri. Usatauravo uchiti, "Tinovarumbidza. Tichipinda pachivanze chavo". Dhavhidhi ndiye aitaura achidai. Ndiko kunzwisisa Mwari kwaaiita panguva yake. Mwari vava kugara matiri. Saka tinogara pana Mwari. Ndipo patinogara nguva dzose. Hatipoti tichivasiya. Tichimboenda kune imwe nzvimbo. Hareruya! Zvidzidzise kutaura nomazvo. Iwe wava muna Muponesi. Saka wakashanduka rudzi. Wava munhu werudzi rweVamwari. Wava Mumwari. Saka taura semunhu anonzwisisa rudzi rwake. Ndiko kuti ugogona kurarama hupenyu hweVamwari uhu. Uchigara uchikunda. Uchibudirira muhupenyu.

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Maita kuti mweya wangu unzwisise Shoko renyu. Saka mweya wangu wava nechiedza. Mashoko angu azere nyasha. Azere simba. Anondikundisa. Anondiunzira runako. Anondibatsira kurarama hupenyu hweVamwari. Ndinotaura zvinowirirana neShoko raMwari nguva dzose. Mashoko angu anobudisa zviri mupfungwa dzenyu. Saka ndinogara ndichishandurwa neShoko renyu. Ndichiwedzera kufanana naMwari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Zvirevo 18 ndima 21
Vakorose 3 ndima 16
Firimoni 1 ndima 6

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church