7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Funda Kutaure Ngemazvo

Mugovera, 21 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Nekuti masoko ako ndiwo anokupupurira. Ndiwohe anokusungirira" (Matiyo 12 v 37).

Masoko zviro. Mumweya haangozwikwi basiba. Anotoonekwa ngemadziso. Asi kune amweni ana aMwari. Ana aya anoshandisa masoko asina kufanira. Nekudaro haaoni maropafadzo akakwana. Asi anhu anozwisisa zviro ngenzira dzakasiyana. Ndiko kusaka achitaura ngenzira dzakasiyana. Ndiko kusaka amwe achitaura seanoshaiwa. Indaa yekuti ajaira kushaiwa. Saka anozviona seanhu anoshaiwa.

Iwe ungaa mwana waMwari. Unofanire kufunda kutaure ngemwazvo. Uku hakusiba kundotaura kwemunhu anotsvake kuti zvimunakire basiba. Asi kutaure zvinowirirana neSoko raMwari. Soko raMwari ndiro chokwadi. Ndiro rinotaure shuwa. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Johane 17 v 17. Iwe ungataure zvinowirirana neSoko raMwari. Ungaita nguwa refu uchitaura kudai. Mweya wako unozopedzisira wawa nemafungiro akanaka. Uchizowanawo zviro zvinowirirana neSoko iri.

Saka nyaya haisiba yekungoshandisa masoko akafanira. Taure semunhu anowirirana neSoko raMwari. Kune anotaura achiti, "Tanga tiri kumunamato. Tabva tatanga kunamata Mwari. Mwari abva auya pamusoro pedu". Kutaura kwakadai kungaita sekwakanaka hako. Asi hakunaba kunaka.

Iwe unganamata Mwari hako. Asi Mwari haasi kuzoburuka. Haasiba kuzobva kudenga achiuya pauri. Mwari aya anogara mukati mako. Ndiwe unofamba wakaatakura. Ndiwe imba yawo. Anoshanda mabasa awo ari mauri. Saka haapotiba achikusiya. Anogara pauri. Saka tingaungana pamunamato. Ndipo paanokona kubva atanga kushanda pakati pedu. Anenge asiri kumweni kunhuba achiuya kugungano redu. Anenge agara achitowa matiri. Usataurawo uchiti, "Tinoarumbidza. Tichipinda pachiwanze chawo". Dhavhidhi ndiye aitaura achidai. Ndiko kuzwisisa Mwari kwaaiita panguwa yake. Mwari akugara matiri. Saka tinogara pana Mwari. Ndipo patinogara nguwa dzese. Hatipotiba tichiasiya. Tichimboenda kune imwe nzvimbo. Hareruya! Zvifundise kutaura ngemazvo. Iwe waa muna Muponesi. Saka wakashanduka rudzi. Waa munhu werudzi rweVamwari. Waa Mumwari. Saka taure semunhu anozwisisa rudzi rwake. Ndiko kuti uzokona kurarama hupenyu hweVamwari uhu. Uchigara uchikunda. Uchibudirira muhupenyu.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Maita kuti mweya wangu uzwisise Soko renyu. Saka mweya wangu wawa nechiedza. Masoko angu akazare nyasha. Akazare simba. Anondikundisa. Anondiunzire runako. Anondibatsire kurarama hupenyu hweVamwari. Ndinotaura zvinowirirana ngeSoko raMwari nguwa dzese. Masoko angu anobudisa zviri mupfungwa dzenyu. Saka ndinogara ndichishandurwa neSoko renyu. Ndichiwedzera kufanana naMwari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Zvirevo 18 v 21
Vakorose 3 v 16
Firimoni 1 v 6

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church