Chigarwe
English
Ndau
Shona
Akabayirwa Kamwe basi
Chishanu, 21 Kukadzi 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Ngekuti munhu anondofa kamwe basi. Mushure mazvo otopuwa mubairo wake. Ndiko kusaka Muponesi akafa kamwe basi. Kuti atakure zviwi zveanhu ese. (Vahebheru 9 v 27 kusvika 28).
Muponesi akaurawa kamwe basi. Ndipo paakabva abhadhara zviwi zveanhu ese.
Izvi zvinorewa kuti hapachafaniriba kuitwa chimweni chibayiro chezviwiba. Jesu akatofira zviwi. akazvifira zvese. Hareruya! Vhesi 26 yacho inoti, Dai Muponesi aifanira kudaro. angadaro akafanira kutambura kakawanda. achitambura kubva pakuambwa kwenyika. Asi izvi hazvisizvo zvaakaita. akandozouya kamwe basi. Nyika yaa kunoguma. Ndokuzvipira iwo sechibayiro. Ndokubvisa zviwi zvese. Iwo ndiwo akafira zviwi zvedu. Haana kuzviurayira chimweni chiro. Haana kutumira umwe Munhu ba. Vahebheru 10 v 12 kusvika 14 inoti, Asi murume uyu akangopira chibayiro chimwe basi. Chezviwi. Akachipira kamwe basi. Ndokubva agara pasi. Kurudyi rwaMwari. ... Nekuti nechipiriso chimwe basi. Akabva aponesa ese aya. anofanira kuitwa atsvene. Saka iwo akaita chibayiro chimwe basi. akabva akuchenesa zvachose.
Vajudha aisibayira gore ngegore. Izvi ndizvo zvaaiita Jesu asati auya. aibayira zviwi zvenyika yese. Saka akauraya makwayana akawanda maningi. Jesu akazouyawo. akauya ari gwayana. aiwa gwayana risina chiwi. Kurewa kuti ndiwo akanga akanatsa kukodzera kuitwa chibayiro chezviwi. Ndiwo ega aikodzera kuchenesa anhu. achichenesa iwo aya aizouya kwaari. Izvi ndizvo zvakaonekwawo naJohane Munyiki. Tinoerenga masoko ake muna Johane 1 v 29. Inoti, nangisai! Gwayana raMwari. Ndiro rinosuka zviwi zvenyika yese.
Saka hapanaba anofanira kuzvitambudza namasi. Achizvitambudzira zviwi zvake. Muponesi akatotambudzirwa isu. Vahebheru 10 v 4 kusvika 10 ine zvainotitaridza. Inoti, Nekuti hazvikoni kuti ropa rehandira. Nembudzi. Ribvise zviwi. Ndiko kusaka Muponesi paakazouya panyika. akataura achiti, Hamuna kufarira zvibayiro. Hamuna kufarira mipiro. Ndiko kusaka makandipa mwiri wemunhu. Ini ndikabva ndati, Nangisai. Ndauya kuzoita zvamunoda. Imi Mwari. ... Saka kubayirwa kuya. Kwakaitwa mwiri waJesu Muponesi. achibayirwa kamwe basi. Ndiko kwaidiwa naMwari. futi ndiko kwakatiita atsvene.
Hazvikoniba kuti ubhadhare zviwi zvako. Iwe hauna kukodzera kuzvibhadharira. Saka gamuchira mubhadharo wakaitwa naJesu. akaubhadharira iwe. akabva akuchenesa zvachose. Hazvichakoni kuti usvipiswe he. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Mabasa 13 v 38 kusvika 39. Inoti, Saka arume. Hama dzangu. Ziyai chiro ichi. Kuti munhu uyu ndiye akaunza kanganwiro yezviwi. Kana munhu akagamuchira munhu uyu. Anobva aruramiswa pazvese. Murairo waMosesi waisakona kururamisa anhu zvakadai. Mwari ngaakudzwe!
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Muponesi Jesu akandifira. akabhadharira zviwi zvangu zvese. Saka akandichenesa zvachose. Saka ini ndinofara. Ndaa kuziya kuti ndakacheneswa. Ndakaruramiswa. Ndaa kurarama semunhu akarurama. Ndaa kurarama semunhu akarwirwa. Asisina hondo yaachafanira kurwaba. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Vahebheru 10 ndima 12 kusvika 14
Varoma 5 ndima 8 kusvika 10
1 Johane 4 ndima 10
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church