7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Funde Kurarama Hupenyu HweRudzi Rwako
Muvhuro, 23 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
"Asi nyama iya. Inonetsa kutsenga. Inopuwa kune abva zera. Akuzwisisa musiyano wezvakanaka. Nezvakashata" (Vahebheru 5 v 14).
Une pawakanga uchiri mwana mudoko. Haunaba kundotanga nekufamba apa. Makodo ako akanga asati asimbaba. Nyama dzako dzakanga dzisati dzasimbabahe. Hapanaba aikona kufunga kuti ungamira nemakumbo ako. Makumbo aya akanga achiri madokosa. Asi wakazokura. Ukawedzerahe kusimba. Abereki ako akazotanga kukufundisa kugara. Hapanaba kupera nguwa refu. Wakabva watokona kugara wega.
Wakabva watanga kukambaira. Ukazokonahe kumira wega. Ukachifundira kufamba. Wakatanga uchimbodonha hako. Asi waindosimudzwa. Uchizi ufambehe. Namasi wakukona kufamba. Unotofamba usinganangisi paunotsika. Usingatofungiba kuti ungadonhahe.
Izvi ndizvo zvinoitikawo pamweya. Saka usataura uchiti, "Handifungiba kuti ndiri mwana waMwari chaiye ini. Sei zvimweni zviro zvangu zvisingafambi zvakanakaba?" Iwe uri mwana waMwari. Izvozvo hazvinaba angapikisa. Mweya Mutsvene anotopupurira mweya wako izvozvo. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Varoma 8 v 16. Wakundofanira kufundira kurarama hupenyu hweVamwari basi.
Unofanire kufundiswa hupenyu hwekururama. Unofanire kujaire kushandisa Soko raMwari. Funda kurishandisa pakurarama kwako. Hupenyu hweVamwari ndehwekutofundira. Isu tiri Soko raMwari. Tinofanira kufunda kurarama seSoko raMwari. Saka zvijaidze kufarire anhu. Zvijaidze kuwimba naMwari. Zvijaidze kushandisa masimba eVamwari. Zvijaidze kugara wakafara. Zvijaidze kurarama murugare. Zvijaidze kukurire zviro zvenyika ino. Unozopedzisira usisatamburiri kurarama hupenyu hweVamwari uhu.
Kuzvijaidza uku ndiko kuwa Soko raMwari. Ndiko kwatinoona muna Jemusi 1 v 22 kusvika 25. Inoti, "Muwe Soko raMwari. Musandogumira pakurizwa basi. Ngekuti mukadaro munenge muri kuzvinyengedza. Ngekuti kana munhu achindogumira pakuzwa Soko raMwari. Risingazoonekwiba pahupenyu hwake. Anenge akafanana nemunhu uya. Anonangisa mugirazi. Oona hope yake. Iyo iya yaakabarwa anayo. Asi obva ipapo. Oenda. Obva atokanganwa kuti iye munhu werudzi rupi. Asi munhu uya. Anonangisa mumurairo wakagadzirirwa anhu akasungunurwa. Achibva aushandisa pakurarama kwake. Asisiri munhu anondozwa achikanganwaba. Asi zvaazwa izvi zvichizoonekwa pahupenyu hwake. Munhu iyeye acharopafadzwa muzviro zvese zvaanoita".
Saka ramba uchifundira hupenyu hweVamwari. Ramba uchifunda kushandisa Soko raMwari pakurarama kwako. Ramba uchifundira kurarama hupenyu hwerudzi rwako. Unozopedzisira waa kukurira zvese zvaunosangana nazvo. Unozopedzisira wapfuma. Waa mutano. Waa kukona kushandisa mazano aMwari. Zvinenge zvisisakunetsiba kurarama hupenyu hweVamwari uhu. Mwari ngaakudzwe saMwari!
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Muri kushandisa Soko renyu kundifundisasa kurarama hupenyu hwekururama. Muri kushandisawo Mweya Mutsvene kundifundisa kudai. Ndinorarama muSoko renyu. Ndichirarama kudai semunhu wenyika yenyu. Soko renyu ndiro randaa kushandisa pakurarama kwangu. Saka simba rangu rekutemba nemi rinowedzera. Ndinowedzera kuzwisisa zviro zvemweya. Ndichikurire zviro zvese zvandinosangana nazvo. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
1 Timoti 4 v 7 kusvika 8
Vafiripi 4 v 9
Jemusi 1 v 22
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church