7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Fundira Kurarama Izvo Uri

Muvhuro, 23 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Asi nyama idowoma ngeye awo wakyra, kana awo, ngekuda kwekuramba wayizviyita, nzero dzawo dzatukwanisa kutsawura zvidonaka ngezvidonyangara" (WaHebheru 5 ndima 14).

Apo udonga ushari kamwana kanyayi, hawudondowamba ngekufamba apo udobarwaba. Magodo ngemhasuro zvako zvidonga zvisati zvagwinyaba. Hakuna munhu ayiyedza kuti umire ngetumakumbo twako tunyayi twanga tusingakwanisi kana kukutakuraba. Asi apo udonga urukura uyigwinya, wabereki wako wadowamba kukubatsira kuti ukare, ngenguwa nyayi nyayi, wanga watutokara wega.

Pasina nguwaba, udobva wawamba kukambaira, uyibva wazosvika pakukwanisa kumira wega usingabatsirwiba. Udobva wawamba kufundira kufamba. Kana dayi wayigwa uruzama kufamba, wayibatsirwa kusvikira watunyatsa kufamba. Nyamusi watufamba usina kumbofunga ngezvazvoba. Ndiwo makuriro angoitikawo mumwiya. Utsatiba, “Kana ndiri mupwere waMwari chaiye, ngenyi dzina nguwa zviro zvangu zvisingafambi tseizvo ndingonga ndirudaba?" Izvo uri hazvina mubvunzoba, uri mupwere waMwari, ndizvoka! Mwiya Mutsvene pachawo wangopupurirana ngemwiya yasu kuti tiri wapwere waMwari(WaRoma 8 ndima 16). Saka nyaya hairi pakuti uri waniba, iri pakufundiswa kwako kwako.

Ungofanira kufundiswa munyaya dzekururuma ngenzira dzemuhumambo. Ungofanira kuzvifundisa muSoko raMwari. Ungofanira kuyita zvingotawurwa ngeSoko. Upenyu hwemuKristo ngehwekuyita. Tiri wayiti weSoko. Ungofundira ngekuyita rudo. Ungoyita rutendo. Ungoyita utongi hwaMwari. Ungofara, ungoyita rugare ngekutonga kusvikira watukwanisa kukara uyindozviyita zvisingakunetsiba kana kukuwomera. Kuyita Soko ndiko kuyita zvingotawurwa ngeSoko raMwari. Jemusi 1 ndima 22-25 ingoti, “Asi itani wayiti weSoko raMwari. Mutsandoyite wanzwi basiba muyizvipfunzira pashanu. Ngekuti kana munhu ari munzwi wesoko, asiri muyiti waroba, adofanana ngemunhu angoringa hope yashe iyo adobarwa ndiyo mushiwoniso: Ngekuti angozviwona, ayibva ayenda, kwatukanganwa ipapo ipapo kuti mhunhu adoshayishani. Asi munhu angonyatsa kuringa mumutemo udonaka uyo ungopa rusununguko, ayiramba ayiyita izvezvo, asingakanganwi izvo anzwaba asi ayizviyita, munhu uyu ashakomborerwa mune izvo angoyita.”

Saka Ramba uyizvifundisa. Ramba uyiita zvingotawurwa ngeSoko raMwari. Ramba uyiita zvingotawurwa ngeSoko kuti ndizvo uri. Magumo azvo, kufamba mukukurira, kubudirira, muutano ngehungwaru zvingonga zvatundoyitika kunewe tsekufema. Mwari ngawakudzwe!
Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngekundifundisa kuburikidza ngeSoko ranu naMwiya Mutsvene mugwara rekururama. Ndingofamba mudiko ranu ngekusenza masenzero angodiwa emuhuMambo. Rutendo rwangu rungogwinyiswa, kunzwisisa kwangu kungodzamiswa. Ndingorarama mukutonga mazuwa etse ngekukurira ngekuti ndingorarama muSoko pamwepo ngeSoko ranu, muZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:

1 Timoti 4 ndima 7–8
WaFiripi 4 ndima 9
Jemusi 1 ndima 22

(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church