7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Ngendaa Yei Tichirekete Soko RaMwari

Mugovera, 28 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Hino isu zvatine mweya umwe basi iwoyu. Wekuwimba naMwari. Sezvabakanyorwa zvichizi, "Ndakazvigamuchira. Ndiko kusaka ndakazozvireketa". Isu takazvigamuchirawo. Ndiko kusaka tichireketa kudai" (2 Vakorinde 4 v 13).

Isu tinorekete Soko raMwari. Asi hatiritauri zvetsika basiba. Tinoritaura ngekuti tinorigamuchira. Tinowirirana nezvarinotaura. Iwe ungataura uchiti, "Zvakandinakira hazvo". Kutaure kudai hakusikoba kunoita kuti zviro zvikunakire. Saka haufaniriba kundovimba nemasoko aya. Unenge waa kutowimba nemabasa ako. Izvozvo hazvinaba zvazvinokubatsira.

Magwaro ati, "Isu takazvigamuchirawo. Ndiko kusaka tichitaura kudai". Kureketa kuti unofanire kutanga wagamuchira Soko raMwari iri. Wozoritaura. Saka ungataura uchiti, "Zvakandinakira"? Unenge uri kunangisa zvawakaitirwa naMuponesi. Izvozvo ndizvo zvaunowimba nazvo. Ndizvo zvinokutuma kutaura uchidaro.

Muponesi akakupa hutano hweVamwari. Hutano uhu ndihwo hwawawa nahwo. Haudiba kuhutorerwa. Ndiko kusaka uchikona kutaura uchiti, "Ndinoramba kurwara". Saka mwiri wako ungarwadza hawo. Anhu angazokubvunza achiti, "Wakadini hako?" Iwe unozoti, "Ndinofara". Unenge uri kunangisa Soko raMwari. Soko iri rinoti iwe wawa weropa reVamwari. Anhu eropa iri haabatwiba ngezvirwere.

Ndiko kusaka uchikona kutaurawo uchiti, "Ndinoramba kuwa murombo". Muponesi akakuita mupfumi. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba yechipiri kuVakorinde chapta 8 v 9. Inoti, "Ngekuti munoziya nyasha dzaIshe wedu. Jesu Muponesi. Kuti kunyangwe akanga akapfuma. Asi akava arombo pachinhambo chenyu. Kuti imi muwe apfumi acho". Saka unoramba kuwa murombo. Kwete nekuti uri kutsvake kuti usazowa murombo. Asi nekuti unoziya zvawawa muna Muponesi. Unoziya kuti unotowa mupfumi. Saka unotaura uchiti, "Ini ndaa muna Muponesi. Saka ndiri mupfumi".

Isu taa muna Muponesi. Takashanduka rudzi. Tinoziya rudzi rwedu urwu. Tinoziya pfuma yedu. Tinoziya zvataa nazvo. Tinoziya zvataa kukona kuita. Ndiko kusaka tichitaure Soko raMwari. Muponesi ane zvaakatiitira. Zviro izvi ndizvo zvatinowimba nazvo. Saka tinotaura seanhu anowimba nezviro izvi. Izvozvo ndizvo zvinoita kuti zviro zvacho zvishande muhupenyu hwedu. Asi masoko atinotaura anokonawo kusika zviro. Ndiko kunge masoko edu aya riri Soko raMwari.

Saka iwe ungataura masoko. Ungaataura kudai uchitungamirwa ngeMweya Mutsvene. Masoko aya anozosika zviro. Zviro zvacho zvingaa mumweya. Zvingaa panyika ino. Asi tinokonawo kutaure seanhu ane hutano hwakanaka. Akapfuma. Anokurira zviro zvenyika ino. Apa tinenge tisiri kusike zviro izvi. Tinenge tiri kungogamuchira zvatakaitirwa naMuponesi. Tichiita kuti zviro izvi zvishande muhupenyu hwedu. Mwari ngaakudzwe saMwari!

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Maita kuti ndizwisise kuti sei ndichifanira kureketa Soko raMwari. Muponesi ane zvaakandiitira. Ini ndinotaura semunhu anogamuchira zviro izvi. Saka masoko angu aakazare simba. Ndinorekete Soko renyu. Nekudaro ndinotora pfuma yangu. Pfuma iyi iri muna Muponesi. Mupfuma iyi mune hutano hwakanaka. Mune pfuma yenyika ino. Mune kukunda. Zviro zvese izvi zvinoonekwa muhupenyu hwangu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Firemoni 1:6; VaRoma 10:10; VaHeberu 11:1-3

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Chigarwe)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church