7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Manyika Ndau Shona 

Nemhaka Yei Tichitaura Shoko RaMwari

Mugovera, 28 Kukadzi 2026,

*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*

"Zvino isu zvatine mweya mumwe chete iwoyu. Wekuvimba naMwari. Sezvazvakanyorwa zvichinzi, "Ndakazvigamuchira. Ndiko kusaka ndakazozvitaura". Isu takazvigamuchiravo. Ndiko kusaka tichitaura kudai" (2 Vakorinde 4 ndima 13).

Isu tinotaura Shoko raMwari. Asi hatiritauri zvetsika chete. Tinoritaura nokuti tinorigamuchira. Tinowirirana nezvarinotaura. Iwe ungataura uchiti, "Zvakandinakira hazvo". Kutaura kudai hakusi iko kunoita kuti zvinhu zvikunakire. Saka haufaniri kungovimba nemashoko aya. Unenge wava kutovimba nemabasa ako. Izvozvo hazvina zvazvinokubatsira.

Magwaro ati, "Isu takazvigamuchiravo. Ndiko kusaka tichitaura kudai". Kureva kuti unofanira kutanga wagamuchira Shoko raMwari iri. Wozoritaura. Saka ungataura uchiti, "Zvakandinakira"? Unenge uri kutarisa zvawakaitirwa naMuponesi. Izvozvo ndizvo zvaunovimba nazvo. Ndizvo zvinokutuma kutaura uchidaro.

Muponesi vakakupa hutano hweVamwari. Hutano uhu ndihwo hwawava nahwo. Haudi kuhutorerwa. Ndiko kusaka uchigona kutaura uchiti, "Ndinoramba kurwara". Saka muviri wako ungarwadza hawo. Vanhu vangazokuvhunza vachiti, "Wakadini hako?" Iwe unozoti, "Ndinofara". Unenge uri kutarisa Shoko raMwari. Shoko iri rinoti iwe wava weropa reVamwari. Vanhu veropa iri havabatwi nezvirwere.

Ndiko kusaka uchigona kutauravo uchiti, "Ndinoramba kuva murombo". Muponesi vakakuita mufumi. Izvi ndizvo zvatinoziviswa mutsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko chesere ndima yepfumbamwe. Inoti, "Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu. Jesu Muponesi. Kuti kunyangwe vakanga vakafuma. Asi vakava varombo pachinhambo chenyu. Kuti imi muve vafumi vacho". Saka unoramba kuva murombo. Kwete nokuti uri kutsvaka kuti usazova murombo. Asi nokuti unoziva zvawava muna Muponesi. Unoziva kuti unotova mufumi. Saka unotaura uchiti, "Ini ndava muna Muponesi. Saka ndiri mufumi".

Isu tava muna Muponesi. Takashanduka rudzi. Tinoziva rudzi rwedu urwu. Tinoziva fuma yedu. Tinoziva zvatava nazvo. Tinoziva zvatava kugona kuita. Ndiko kusaka tichitaura Shoko raMwari. Muponesi vane zvavakatiitira. Zvinhu izvi ndizvo zvatinovimba nazvo. Saka tinotaura sevanhu vanovimba nezvinhu izvi. Izvozvo ndizvo zvinoita kuti zvinhu zvacho zvishande muhupenyu hwedu. Asi mashoko atinotaura anogonavo kusika zvinhu. Ndiko kunge mashoko edu aya riri Shoko raMwari.

Saka iwe ungataura mashoko. Ungaataura kudai uchitunzwa naMweya Mutsvene. Mashoko aya anozosika zvinhu. Zvinhu zvacho zvingava mumweya. Zvingava panyika ino. Asi tinogonavo kutaura sevanhu vane hutano hwakanaka. Vakafuma. Vanokurira zvinhu zvenyika ino. Apa tinenge tisiri kusika zvinhu izvi. Tinenge tiri kungogamuchira zvatakaitirwa naMuponesi. Tichiita kuti zvinhu izvi zvishande muhupenyu hwedu. Mwari ngavakudzwe saMwari!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Maita kuti ndinzwisise kuti sei ndichifanira kutaura Shoko raMwari. Muponesi vane zvavakandiitira. Ini ndinotaura semunhu anogamuchira zvinhu izvi. Saka mashoko angu azere simba. Ndinotaura Shoko renyu. Nokudero ndinotora fuma yangu. Fuma iyi iri muna Muponesi. Mufuma iyi mune hutano hwakanaka. Mune fuma yenyika ino. Mune kukunda. Zvinhu zvose izvi zvinovonekwa muhupenyu hwangu. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Firemoni 1:6; VaRoma 10:10; VaHeberu 11:1-3

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church