7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Ndivo Vakanga Vakakumiririra
Muvhuro, 1 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Uye zvinhu zvose izvi. Zvitsva. Zvakabva kuna Mwari. Ivo vakaseyenzesa Jesu Muponesi kutidzosa kwayari. Vakatipawo basa rekudzosa anhu kwayari. Kureya kuti Mwari vakanga vari muna Muponesi. Vasidzosa anhu kwayari. Vasingavaerengeri zvitadzo zvavo. Vakabva vayisa shoko mumanja yedu. Shoko iri ndiro ratinoseyenzesa kudzosa anhu kwaari” (2 aKorinde 5 ndima 18 kusvika 19).
Pane chipiriso chayidiwa kuti tiponesewe. Chipiriso chacho hwaiva rupfu hwaJesu paMuchinjikwa. Mabasa Yaapositori yegumi nenhatu ndima yemakumi matatu nesere kusvika makumi matatu nepfumbamwe inoti, “Saka arume. Hama dzangu. Zivai chinhu ichi. Kuti munhu uyu ndiye adowunza kangamwiho yezvitadzo. Kana munhu akagamuchira munhu uyu. Anobva aruramisiwa pazvose. Murairo waMosesi waisagona kururamisa anhu zvidodayi”. Izvi zvinoshamisa fani. Saka munhu angagamuchira Jesu. Munhu uyu anobva aruramisiwa kubva kuzvinhu zvose. Murairo waMosesi waisagona kururamisa anhu nenzira yidodayi.
Iwe ndiwe waifanira kuurayiwa. Asi Jesu vakaketa kuurayiwa ivo. Vasitsvaga kuti iweiwe usaurayiwa. Saka ivo vakazourayiwa. Vakapfa vakakumiririra. Kureya kuti iweiwe wakatourayiwa. Vakanga vakamiririra nyika yese. Vakazoyigiwa. Kureya kuti iwe wakayigiwawo. Neamwe atadzi ose vakabva ayigiwawo.
Isaya yemakumi mashanu nenhatu ndima yetanhatu inoti, “Tose zvedu takanga taita sehwai dzakatayika; mumwe nomumwe wedu atetereka nenzira yake, Tenzi akaisa zvitadzo zvedu zvose payari”. Jesu ava vakanga vakatimiririra paMuchinjikwa. Vakanga vakatimiririrawo muguva. Mwari vakazoamutsa kuadopfa. Kureya kuti takamukawo pabodzi navo. Munhu wose akamukawo navo. Hazvineyi kuti munhu wacho ndewe nyika ipi. Hazvineyi kuti anonamateyi. Tose takamutsiwa pabodzi naJesu.
Iweiwe uri kuyerenga izvi nhasi. Asi pamwe hausati wazvahwa kechipiri. Enda kunoperera bhuku rino. Kune munamato weruponeso. Namata munamato uyu. Wogamuchira ruponeso. Iho ruponeso hwatidowunzihwa naJesu. Ihohwo hudouya nekupfa, kuyigiwa, nekumuka kuadopfa kwaJesu. Ivo vakatobhadharira zvitadzo zvako. Mwari havasisiri kukuyerengera zvitadzo zvako. Hareruya!
Pupura Usiti
Baba vandinoda. Ndinokutendayi. Jesu adondipfira. Vakapfa pandaifanira kupfa inini. Vakayigiwa pandaifanira kuyigiwa. Vakamuka kuadopfa vakandimiririra. Saka ndaruramisiwa kubva kuzvinhu zvose. Ndava kurarama semunhu akaruramisiwa kudayi. Ndisiziya kuti hapasisina mhosva yandisiri kupomehwa. Ndasununguhwa kubva kuzvitadzo. Hareruya!
Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
aRoma 4 ndima 25
aKorose 2 ndima 13 kusvika 14
aHebheru 10 ndima 12