7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Ndiwo akanga akakumiririra

Muvhuro, 1 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Futi zviro zvese izvi. Zvinyowani. Zvakabva kuna Mwari. Iwo akashandisa Jesu Muponesi kutipetudza kwaari. Akatipawo basa rekupetudza anhu kwaari. Kurewa kuti Mwari akanga ari muna Muponesi. Achipetudza anhu kwaari. Asingavaerengeri zviwi zvawo. Akabva aisa soko mumaoko edu. Soko iri ndiro ratinoshandisa kupetudza anhu kwaari” (2 Vakorinde 5 v 18 kusvika 19).

Pane chipiriso chaidiwa kuti tiponeswe. Chipiriso chacho rwaiwa rufu rwaJesu paMuchinjikwa. Mabasa 13 v 38 kusvika 39 inoti, “Saka arume. Hama dzangu. Ziyai chiro ichi. Kuti munhu uyu ndiye akaunza kanganwiro yezviwi. Kana munhu akagamuchira munhu uyu. Anobva aruramiswa pazvese. Murairo waMosesi waisakona kururamisa anhu zvakadai”. Izvi zvinoshamisa maningi. Saka munhu angagamuchira Jesu. Munhu uyu anobva aruramiswa kubva kuzviro zvese. Murairo waMosesi waisakonaba kururamisa anhu ngenzira yakadai.

Iwe ndiwe waifanire kuurawa. Asi Jesu akasarudza kuurawa iwo. Achitsvaka kuti iwe usauraiwaba. Saka iwo akazourawa. Akafa akakumiririra. Kurewa kuti iwe wakatourawa. Akanga akamiririra nyika yese. Akazoikwa. Kurewa kuti iwe wakaikwawo. Neamwe atadzi ese akabva aikwawo.

Isaya 53 v 6 inoti, “Tese hedu takanga taita sehwai dzakarasika; umwe neumwe wedu atetereka negwanza rake, Tenzi akaise zvitadzo zvedu zvese paari”. Jesu aya akanga akatimiririra paMuchinjikwa. akanga akatimiririrawo muguwa. Mwari akazoamutsa kuakafa. Kurewa kuti takamukawo pamwepo nawo. Munhu wwse akamukawo nawo. Hazvineiba kuti munhu wacho ndewe nyika ipi. Hazvineibahe kuti anonamateihe. Tese takamutswa pamwepo naJesu.

Iwe uri kuerenga izvi namasi. Asi kuda hausatiba wabarwa kechipiri. Enda kunoperera bhuku rino. Kune munamato weruponeso. Namata munamato uyu. Wogamuchira ruponeso. Irwo ruponeso rwatakaunzirwa naJesu. Irworwo rwakauya nekufa, kuikwa, nekumuka kuakafa kwaJesu. Iwo akatobhadharira zviwi zvako. Mwari haachisiriba kukuerengera zviwi zvako. Hareruya!

Pupura Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Jesu akandifira. akafa pandaifanira kufa ini. Akaikwa pandaifanira kuikwa. Akamuka kuakafa akandimiririra. Saka ndaruramiswa kubva kuzviro zvese. Ndaa kurarama semunhu akaruramiswa kudai. Ndichiziya kuti hapachinaba ndaa yandichiri kupomerwa. Ndasungunurwa kubva kuzviwi. Hareruya!

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
VaRoma 4:23-25 ESV; Johane 1:29; 2 VaKorinte 5:21


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)