7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Ino Ndiyo Nguva YeKukohwa

China, 11 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Handiti imi munonyayira musiti, ‘Kukohwa kusiri kurefu. Tisirine mwedzi mina!’ Asi ini ndinoti, ‘Nangarayi minda yachena, yaibva. Yava kuda kukohwiwa’” (Johwani 4 ndima 35)

Ishe Jesu ndivo vadonyayira mashoko yatavhura nawo. Vane mafungiro yavakanga vari kugadzirisa. Kune anhu vasiyiine mafungiro iwayo. Vanofunga kuti nguva yekukohwa haisati yasvika. Asi izvi hazvizi izvo. Ino ndiyo nguva yekukohwa. Ongorora mashoko yaTenzi zvekare. Ivo vakati, “Nangarayi. minda yachena yaibva. Yaa kuda kukohwiwa’”. Kureya kuti ino ndiyo nguva yekukohwa.

Kune anhu vasati vanzva shoko reRuponeso. Iweiwe unosangana neanhu ava nguva dzose. Vanhu vacho vangasaita sevari kutsvaga Ruponeso. Asi moyo yavo iri kutsvaga. Vadomirira kunzva Shoko raMwari rechokwadi. Izvi zvinotirangaridza zvinonyayihwa neBhaibheri. Tinozviyerenga muna aRoma yechisere ndima yegumi nepfumbamwe. Inoti, “Nokuti zvisikwa zvose zvinogara zvisinangarira. Zvidorindira. Zvichitsvaga kuti vanakomana vaMwari vauye. Vanangahwe”.

Iwe ndiwe wakamirihwa wacho. Ndiwe unofanira kupinza zvisikwa murusungunuko hweanakomana aMwari. Ndiwe unofanira kubuditsa anhu murima. Usiapinza muchiyedza. Ndiwe unofanira kuvabvisa muhusungwa hwaSatani. Usiaunza kuna Mwari. Izvi ndizvo zvatinonangara muna Mabasa Yaapositori yemakumi mayiri netanhatu ndima yegumi nesere. Usafunga kuti anhu havanayi hanya neshoko reRuponeso. Vanotoritsvagawo. Azhinji vavo vakangomirira kuritsanangurihwa chete. Iweiwe ndiwe unofanira kuwatsanangurira. Ivo vakangomirira kuti uvaziyise kuti Muponesi vanovafarira. Vakangomirira kuti uvarayikidze nyasha dzaMuponesi. Uvarayikidze hanya dzaMuponesi.

Saka simudza meso yako. Unangare zviri mumweya. Usazonangara mikana yekuparidza kuchikoro kwako. Kubasa. Mumhuri yako. Munzvimbo yaunogara. Muguta rako. Mumusha wako. Kana pamhepo chayipo. Seyenzesa mikana yose iyi. Uparidzire anhu shoko reRuponeso. Ugadzirise hupenyu hweanhu. Usivaziyisa kuti Mwari vanovafarira. Goho rinotova pawuri ipapo. Saka shingayira kukohwa. Goho racho rakatoibva. Rava kufanira kukohwiwa nekukasira. Ino ndiyo nguva yekuchekewa kwarene.

Namata Usiti
Baba vandineda. Ndinokutendayi. Makavhura meso yangu. Saka ndaa kugona kunangara goho. Ndinoshingayira kukohwa goho iri. Ndinorikohwa ndiine rudo. Ndisivimba naMwari. Ndakashinga. Ndiine hanya. Ndinoshanda semushandi adotendeka. Ndisiwunza vadowanda kuruponeso. Muzita raJesu. Ameni.

Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
Matiyo 9 ndima 37–38
Isaya 6 ndima 8
Mabasa Yaapositori 8 ndima 29–31

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)