7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Ino Ndiyo Nguwa YeKukohwa
China, 11 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Handiti imi munoreketa mwechiti, ‘Kukohwa kuchiri kure. Tichine mwedzi 4!’ Asi ini ndinoti, ‘Nangisai. Muone. Minda yachena. Yaibva. Yakuda kukohwiwa’” (Johane 4 v 35)
Ishe Jesu ndiwo akataure masoko atabeura nawo. Ane mafungiro aakanga ari kugadzirisa. Kune anhu achine mafungiro iwayo. Anofunga kuti nguwa yekukohwa haisatiba yasvika. Asi izvi hazvisizvo. Ino ndiyo nguwa yekukohwa. Ongorora masoko aTenzi he. Iwo akati, “Nangisai. Muone. Minda yachena. Yaibva. Yaa kuda kukohwiwa’”. Kurewa kuti ino ndiyo nguwa yekukohwa.
Kune anhu asatiba azwa soko reRuponeso. Iwe unosangane neanhu aya nguwa dzese. Anhu acho angasaita seari kutsvaka Ruponeso. Asi moyo yawo iri kutsvaka. Akamirira kuzwa Soko raMwari rechokwadi. Izvi zvinotirangaridza zvinotaurwa neBhaibheri. Tinozvierenga muna Varoma 8 v 19. Inoti, “Nekuti zvisikwa zvese zvinogara zvichitarisira. Zvakarindira. Zvichitsvaka kuti anakomana aMwari auye. Aonekwe”.
Iwe ndiwe wakamirirwa wacho. Ndiwe unofanire kupinza zvisikwa murusungunuko rweanakomana aMwari. Ndiwe unofanire kubudise anhu murima. Uchiapinza muchiedza. Ndiwe unofanire kuabvisa muhusungwa hwaSatani. Uchiaunza kuna Mwari. Izvi ndizvo zvatinoona muna Mabasa 26 v 18. Usafungaba kuti anhu haanaba hanya nesoko reRuponeso. Anotoritsvakawo. Azhinji awo akangomirira kuritsanangurirwa basi. Iwe ndiwe unofanire kuatsanangurira. Iwo akangomirira kuti uaziyise kuti Muponesi anoafarira. akangomirira kuti uapangidze nyasha dzaMuponesi. Uapangidze hanya dzaMuponesi.
Saka simudze madziso ako. Uone zviri mumweya. Uchazoona mikana yekuparidza kuskuru kwako. Kubasa. Mumhuri yako. Munzvimbo yaunogara. Mutaundi rako. Mumusha wako. Kana pamhepo chaipo. Shandisa mikana yese iyi. Uparidzire anhu soko reRuponeso. Ugadzirise hupenyu hweanhu. Uchiaziyisa kuti Mwari anoafarira. Goho rinotowa pauri ipapo. Saka shingaira kukohwa. Goho racho rakatoibva. Rawa kufanire kukohwiwa nekukasira. Ino ndiyo nguwa yekuchekwa kwaro.
Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makabeura madziso angu. Saka ndaa kukone kuona goho. Ndinoshingaira kukohwa goho iri. Ndinorikohwa ndiine rudo. Ndichiwimba naMwari. Ndakashinga. Ndiine hanya. Ndinoshanda semushandi akatendeka. Ndichiunze akawanda kuruponeso. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Mateo 9:37-38; Mabasa Avapostora 8:29-31; Mabasa Avapostora 26:16-18
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)