7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Jesu Vegani Ndivo Vanopasa Hupenyu Husingaperi

Chitatu, 24 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Nokuti Mwari vakada nyika. Vakasvika pakuipasa Mwanakomana wavo. Anova ndiye egani wavakanga vazvara. Vaida kuti vanhu vamugamuchire. Vasazoparara. Asi vawane hupenyu husingaperi” (Johwani 3 ndima 16).

Tine zvinhu zvatidowana kuna Jesu. Zvinhu izvi zvitatu. Ndizvo zvatakatanga kudzidza nezuro. Nezuro takadzidza pamusoro pekururama. Nhasi tinoda kudzidza pamusoro pehupenyu husingaperi. Hapanayi munhu akanga asigona kuwana hupenyu husingaperi. Hupenyu uhu hwakazotanga kuwanikiwa pakamuka Jesu kuadopfa. Vakamuka kudayi mushure mekunge vambopfa. Asi hupenyu husingaperi chii? Hupenyu husingaperi murombe weVamwari.

Ndihwo hunosiyanisa Vamwari neanhu venyika yino. Jesu ndivo vakaita kuti vanhu vagone kusanduka rudzi. Vasiwa vemurombe waMwari. Vasiwana hupenyu husingaperi. Panyika pane nzira dzekunamata. Nzira idzi dzidowanda. Dzose dzinotsvagawo kugona kupasa anhu hupenyu uhu. Munhu wose anotsvaga kuwana hupenyu uhu. Anotsvaga kuva werudzi hwaMwari. Asi havaziyi kuti vangasanduka seyi. Vanozviziya zvavo kuti munhu haanayi kufanana nemhuka. Haafaniri kungopfa asirova. Vanofunga kuti munhu anoramba aripo. Asi havanzvisisi kuti angazviyita seyi.

Hongu. Munhu haafaniri kufa asirova. Anofanira kurarama nekusingaperi. Asi anofanira kuziya Jesu. Anofanira kuagamuchira mumoyo make. Ndiko kuti awane hupenyu uhu. Ndiko kuti asanduke rudzi. Asiwa werudzi hweAmwari. Jesu ndivo Mwari. Ndivo hupenyu husingaperi. Izvi ndizvo zvatinonangara momuye muna Johwani yegumi nenomwe ndima yetatu. Inoti, “Vakuziyei imi. Veziyawo inini. Ndiko kuti vawane hupenyu husingaperi. Imi ndimi megani Mwari wechokwadi. Ini ndini iye wamakatuma”. Tsamba yekutanga yaJohwane chitsauko chechishanu ndima yemakumi mayiri ineti, “… Saka taa mune uya wechokwadi. Iye Mwanakomana wavo. Jesu Muponesi. Vanova Mwari vechokwadi. Varivo zvakare hupenyu husingaperi”.

Jesu vane yamwe mashoko yavakanyayira zvakare. Tinoyawana muna Johwane yegumi ndima yemakumi mayiri nenomwe kusvika makumi mayiri nesere. Mashoko yacho yanoshamisa fani. Ivo vakati, “Ndine makwayi. Makwai aya anonzwa dzinga rangu. Neni ndinoyaziya. Iwo anonditetekera. Ndine hupenyu hwandinoyapasa. Hupenyu uhu hahuparari. …”. Fungisisa mashoko ataverenga aya. Jesu vanoti vane hupenyu hwavanopasa makwayi yavo. Munhu haagoni kungopa. Anofanira kunge ayine chekupasa chacho. Kana kuti anofanira kunge ayine simba rekupasa racho. Zvino Muponesi Jesu vane hupenyu husingaperi. Ndiko kusaka vasigona kupasa anhu hupenyu uhu. Ivo vakatokupasa hupenyu hwacho. Vakakupasa popaya pawakazvahwa kechipiri. Mwari ngavakudziwe!

Iweiwe ungava wakazvahwa kechipiri. Izvi zvinoreya kuti wakabvisiwa munzvimbo inopfa zvinhu. Wava munzvimbo isingapfi zvinhu. Izvi ndizvo zvatinonangara momuye muna Johwane yechishanu ndima yemakumi mayiri neyina. Ineti, “Regai ndikutawudzeyi chokwadi. Kana munhu akanzva shoko rangu. Akagamuchira wakandituma. Munhu wakadai ane hupenyu husingaperi. Haazi kuzomisiwa pamberi pedare. Anenge abuda murupfu. Anenge ava muhupenyu”. Tsamba yekutanga yaJohwani chitsauko chechishanu ndima yegumi neyibodzi kusvika gumi nembiri inoti, “Uhu ndihwo huchapupu hwaMwari. Mwari vakatipasa hupenyu husingaperi. Vasitsvaga kuti tive vemurombe wavo. Zvino hupenyu uhu huri muMwanakomana wavo. Munhu angava naMwanakomana. Munhu uyu yane hupenyu uhu. Ndewemurombe wavo. Asi mumwe angasava naMwanakomana waMwari. Munhu uyu haanayi hupenyu uhu. Haazi wemurombe wavo”.

Mwari vakatotipasa hupenyu husingaperi. Hupenyu uhu huri muMwanakomana wavo. Mwanakomana uyu ndiJesu. Mwari vakatotiyita anhu vemurombe wavo. Saka munhu angava naJesu. Munhu uyu anenge atova nehupenyu uhu. Anenge watova wemurombe wavo. Asi zvisida mumwe angasava naJesu ava. Munhu uyu anenge asiri wemurombe wavo. Jesu chete ndivo vanopasa hupenyu husingaperi. Ndivo vegani vanosandura anhu rudzi. Vasivayita vemurombe weAmwari. Vasivayita Amwari. Hareruya!

Namata Usiti
Baba vandineda. Ndinokutendayi. Makandipasa hupenyu husingaperi. Makandiyita munhu wemurombe waMwari. Saka mweya wangu wava werudzi hwenyu. Handisakurihwe
nezvihwere. Hapasisina chisandikurira. Handisapfi. Ndinokurira zvose zvandinosangana nazvo. Ndaa kurarama hupenyu hweAmwari. Ndava Mumwari. Muzita raJesu. Ameni.

Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
Johwane 6 ndima 47
aRoma 6 ndima 23
2 Pita 1 ndima 3 kusvika 4