7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Jesu ega Ndiwo anopa Hupenyu Husingaperiba

Chitatu, 24 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Ngekuti Mwari akada nyika. Akasvike pakuipe Mwanakomana wawo. Anowa ndiye ega waakanga abara. aida kuti anhu amugamuchire. asazopararaba. Asi aone hupenyu husingaperiba” (Johane 3 v 16).

Tine zviro zvatakaona kuna Jesu. Zviro izvi zvitatu. Ndizvo zvatakatanga kufunda nezuro. Nezuro takafunda pamusoro pekururama. Namasi tinoda kufunda pamusoro pehupenyu husingaperiba. Hapanaba munhu akanga achikona kuona hupenyu husingaperiba. Hupenyu uhu hwakazotanga kuwanikwa pakamuka Jesu kuakafa. Akamuka kudai mushure mekunge ambofa. Asi hupenyu husingaperiba chii? Hupenyu husingaperiba iropa reVamwari.

Ndihwo hunosiyanisa Vamwari neanhu enyika ino. Jesu ndiwo akaita kuti anhu akone kushanduka rudzi. Achiwa eropa raMwari. Achiona hupenyu husingaperi. Panyika pane nzira dzekunamata. Nzira idzi dzakawanda. Dzese dzinotsvakawo kukona kupa anhu hupenyu uhu. Munhu wese anotsvaka kuona hupenyu uhu. Anotsvake kuwa werudzi rwaMwari. Asi haaziyi kuti angashanduka sei. Anozviziya hawo kuti munhu haanaba kufanana nemhuka. Haafaniriba kungofa achirowa. Anofunge kuti munhu anoramba aripo. Asi haazwisisiba kuti angazviita sei.

Eya. Munhu haafaniriba kufa achirowa. Anofanire kurarama nekusingaperi. Asi anofanire kuziya Jesu. Anofanire kuagamuchira mumoyo make. Ndiko kuti aone hupenyu uhu. Ndiko kuti ashanduke rudzi. Achiwa werudzi rweVamwari. Jesu ndiwo Mwari. Ndiwo hupenyu husingaperiba. Izvi ndizvo zvatinoona muna Johane 17 v 3. Inoti, “akuziyei imi. azoziyawo ini. Ndiko kuti aone hupenyu husingaperiba. Imi ndimi mega Mwari wechokwadi. Ini ndini iye wamakatuma”. Tsamba yekutanga yaJohane 5 v 20 inoti, “… Saka taa mune uya wechokwadi. Iye Mwanakomana wawo. Jesu Muponesi. Anowa Mwari wechokwadi. Ariwozve hupenyu husingaperiba”.

Jesu ane amweni masoko aakataurahe. Tinoaona muna Johane 10 v 27 kusvika 28. Masoko acho anoshamisa maningi. Iwo akati, “Ndine makwai. Makwai aya anozwa izwi rangu. Neni ndinoaziya. Iwo anonditeerera. Ndine hupenyu hwandinoapa. Hupenyu uhu hahuparariba. …”. Fungisise masoko atavrenga aya. Jesu anoti ane hupenyu hwaanopa makwai awo. Munhu haakoniba kungopa. Anofanire kunge aine chekupa chacho. Kana kuti anofanira kunge aine simba rekupa racho. Hino Muponesi Jesu ane hupenyu husingaperiba. Ndiko kusaka achikona kupe anhu hupenyu uhu. Iwo akatokupa hupenyu hwacho. Akakupe paya pawakabarwa kechipiri. Mwari ngaakudzwe!

Iwe ungaa wakabarwa kechipiri. Izvi zvinorewa kuti wakabviswa munzvimbo inofa zviro. Wawa munzvimbo isingafiba zviro. Izvi ndizvo zvatinoona muna Johane 5 v 24. Inoti, “Rekerai ndikuudzei chokwadi. Kana munhu akazwa soko rangu. Akagamuchira wakandituma. Munhu wakadai ane hupenyu husingaperiba. Haasi kuzomiswa mberi kwedare. Anenge abuda murufu. Anenge aa muhupenyu”. Tsamba yekutanga yaJohane 5 v 11 kusvika 12 inoti, “Uhu ndihwo huchapupu hwaMwari. Mwari akatipa hupenyu husingaperiba. Achitsvake kuti tiwe eropa rawo. Hino hupenyu uhu huri muMwanakomana wawo. Munhu angaa naMwanakomana. Munhu uyu ane hupenyu uhu. Ndeweropa rawo. Asi umwe angasawa naMwanakomana waMwari. Munhu uyu haanaba hupenyu uhu. Haasi weropa rawoba”.

Mwari akatotipa hupenyu husingaperiba. Hupenyu uhu huri muMwanakomana wawo. Mwanakomana uyu ndiJesu. Mwari akatotiita anhu eropa rawo. Saka munhu angaa naJesu. Munhu uyu anenge atowa nehupenyu uhu. Anenge watowa weropa rawo. Asi kuda umwe angasawa naJesu aya. Munhu uyu anenge asiri weropa rawo. Jesu basi ndiwo anopa hupenyu husingaperiba. Ndiwo ega anoshandura anhu rudzi. Achiaita eropa reVamwari. Achiaita Vamwari. Hareruya!

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Makandipa hupenyu husingaperiba. Makandiita munhu weropa raMwari. Saka mweya wangu wawa werudzi rwenyu. Handichakurirwiba nezvirwere. Hapachinaba chichandikurira. Handichafiba. Ndinokurire zvese zvandinosangana nazvo. Ndaa kurarama hupenyu hweVamwari. Ndaa Mumwari. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
Johane 6:47; VaRoma 6:23; 2 Petro 1:3-4


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)