7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Taa Kujidzana NaMwari

China, 25 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze


“Izvo zvatakanangara. Tikanzva. Ndizvo zvatinokuziyisaiwo. Kuti muve verudzi hwedu. Nokuti isu tiri verudzi hwaBaba. NehweMwanakomana wavo. Ivo Jesu Muponesi” (1 Johwani 1 ndima 3).

Isu tava muna Muponesi. Saka tava verudzi hwaMwari Baba. Ndiko kusaka taa kugona kujidzana navo. Tavawo verudzi hweMwanakomana. Kamupekare taa verudzi hwaMweya Uneyera. Tino zvinhu zvatanga tiri kudzidza mazuva mayiri yadopfuura. Izvi zvinhu zvatakawunzihwa naJesu. Nhasi tiri kunangara pane chechitatu chacho. Chinhu ichi kujidzana kwedu naMwari. Shoko rekuti kujidzana iri rinoturikihwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko reChigiriki racho nderinoti, “koinonia”. Shoko iri rine zvakawanda zvarinoreya.

Rinoreva kujidzana. Uku kujidzana kudodzama. Kujidzana kweanhu verudzi rubodzi. Kujidzana kweanhu vemurombe mubodzi . Shoko iri rinoreyawo kutaurirana. Richizoreyavo kutakuhwa.

Isu taa verudzi hwaMwari Baba. Ishe Jesu ndivo vakayita kuti tisanduhwe rudzi kudayi. Nyika isiri murima. Isiri kutsvaga kujidzana naMwari. Asi isu tava verudzi
HweAmwari. Ichi chinhu chikuru fani. Ndizvo zvatinopemberera pakuzvahwa kwaJesu. Taa kuerengehwa kurutiyi hweAmwari. Izvi ndizvo zvatinonangara mutsamba yechipiri yaPita chitsauko chekutanga ndima yechina.

Tsamba yekutanga kuaKorinde chitsauko chekutanga ndima yepfumbamwe ineti, “Mwari ndivo vadotendeka. Ivo vakatiketa. Kuti tive verudzi hweMwanakomana wavo. Jesu Muponesi. Ishe wedu. Tijidzane navo”. Jesu akuru chose. Ivo ndiMwari pachavo. Asi tava kudyidzana navo. Tava shamwari dzavo. Tava verudzi rwavo. Ndiko kusaka Johwani akanyayira asiti, “... Nokuti isusu tiri verudzi hwaBaba nehweMwanakomana wavo. Ivo Jesu Muponesi”. Tinoyerenga mashoko yake aya mutsamba yake yekutanga chitsauko chekutanga ndima yechitatu. Hareruya!

Mashoko aya anosimbisiwawo mutsamba yechipiri kuaKorinde chitsauko chegumi netatu ndima yegumi neina inoti, “Garayi munyasha dzaIshe Jesu Muponesi. Garai murudo hwaMwari. Mufambidzane naMweya Uneyera . Musijidzana navo nguva dzose. Zvirambe zvakadaro”. Mundima iyi mune shoko rinoti “kufambidzana”. Shoko iri ndiro ribodzi chete nerinoti, “kujidzana”. Kureya kuti tinojidzana naMweya Uneyera . Taa verudzi hwaMweya Uneyera .

Isu tinotova verudzi hweAmwari. Izvi hazvizi zvinhu zvisayitika rimwe zuva. Zvinhu zvatatova. Hatisisiri atohwa. Taa abodzi naMwari . Taa Amwari. Iweiwe unofanira kunzvisisa izvi. Rarama semunhu anonzvisisa izvi. Rarama seMumwari. Ndiko kuti ukurire zvose zvawunosangana nazvo muhupenyu.

Namata Usiti
Baba vandineda. Ndinokutendayi. Ini ndaa werudzi hwenyu. Ndaa werudzi hwaIshe Jesu. Ndaa werudzi hwaMweya Uneyera . Ndaa Mumwari. Ndinorarama seMumwari. Hupenyu hwangu hwaa hweAmwari. Ndaakuyita zvinhu zvose nomazvo. Ameni.

Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
2 Pita 1 ndima 4
1 aKorinde 6 ndima 17
Johwani 14 ndima 23

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)