7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Taa Kundyidzana NaMwari

China, 25 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Izvo zvatakaona. Tikazwa. Ndizvo zvatinokuziyisaiwo. Kuti muwe erudzi rwedu. Nekuti isu tiri eerudzi rwaBaba. NerweMwanakomana wawo. Iwo Jesu Muponesi” (1 Johane 1 v 3).

Isu taa muna Muponesi. Saka taa erudzi rwaMwari Baba. Ndiko kusaka taa kukona kundyidzana nawo. Tawawo erudzi rweMwanakomana. Futi taa erudzi rwaMweya Mutsvene. Tine zviro zvatanga tiri kufunda mazuwa mairi apfuura. Izvi zviro zvatakaunzirwa naJesu. Namasi tiri kunangisa pane chechitatu chacho. Chiro ichi kundyidzana kwedu naMwari. Soko rekuti kundyidzana iri rinoturikirwa kubva kusoko reChigiriki. Soko reChigiriki racho nderinoti, “koinonia”. Soko iri rine zvakawanda zvarinorewa.

Rinorewa kundyidzana. Uku kundyidzana kwakadzama. Kundyidzana kweanhu erudzi rumwe basi. Kudyidzana kweanhu eropa rimwe basi. Soko iri rinorewawo kutaurirana. Richizorewawo kutakurwa.

Isu taa erudzi rwaMwari Baba. Ishe Jesu ndiwo akaita kuti tishandurwe rudzi kudai. Nyika ichiri murima. Ichiri kutsvake kundyidzana naMwari. Asi isu taa erudzi rweVamwari. Ichi chiro chikuru maningi. Ndizvo zvatinopemberera pakubarwa kwaJesu. Taa kuerengerwa kusaidhi reVamwari. Izvi ndizvo zvatinoona mutsamba yechipiri yaPita 1 v 4.

Tsamba yekutanga kuVakorinde 1 v 9 inoti, “Mwari ndiwo akatendeka. Iwo akatisarudza. Kuti tiwe erudzi rweMwanakomana wawo. Jesu Muponesi. Ishe wedu. Tidyidzane nawo”. Jesu akuru maningi. Iwo ndiMwari pachawo. Asi taa kudyidzana nawo. Taa shamwari dzawo. Taa erudzi rwawo. Ndiko kusaka Johane akataura achiti, “... Nekuti isu tiri erudzi rwaBaba. NerweMwanakomana wawo. Iwo Jesu Muponesi”. Tinoerenga masoko ake aya mutsamba yake yekutanga chitsauko 1 v 3. Hareruya!

Masoko aya anosimbiswawo mutsamba yechipiri kuVakorinde 13 v 14 inoti, “Garai munyasha dzaIshe Jesu Muponesi. Garai murudo rwaMwari. Mufambidzane naMweya Mutsvene. Muchidyidzana nawo nguwa dzese. Zvizoramba zvakadaro”. Muvhesi iyi mune soko rinoti “kufambidzana”. Soko iri ndiro rimwe basi nerinoti, “kundyidzana”. Kurewa kuti tinondyidzana naMweya Mutsvene. Taa erudzi rwaMweya Mutsvene.

Isu tinotowa erudzi rweVamwari. Izvi hazvisiba zviro zvichaitika rimweni zuwa. Zviro zvatatova. Hatichisiriba atorwa. Taa emwo. Taa Vamwari. Iwe unofanire kuzwisisa izvi. Rarama semunhu anozwisisa izvi. Rarama seMumwari. Ndiko kuti ukurire zvese zvaunosangana nazvo muhupenyu.

Namata Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Ini ndaa werudzi rwenyu. Ndaa werudzi rwaIshe Jesu. Ndaa werudzi rwaMweya Mutsvene. Ndaa Mumwari. Ndinorarama seMumwari. Hupenyu hwangu hwaa hweVamwari. Ndaa kuita zviro zvese ngemazvo. Ameni.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
2 Petro 1:3-4; 1 VaKorinte 6:17; Johane 14:23; 1 VaKorinte 1:9 AMPC


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)