7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Shoko ReRuponeso Chayiro

Mugovera, 27 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Kureya kuti patakanyikiwa kudayi. Takafushihwa pabodzi navo. Kuti tirarame hupenyu hutsva. Sezvo Muponesi vakamutsiwa kuadopfa. Vasimutsiwa nesimba raBaba” (aRoma 6 ndima 4).

Dzimwe nguva ndinobvunza Atsvene ndisiti, “Anhu vakazogona kurarama hupenyu hweAmwari zvayita seyi?” Adowanda vavo havaziyi. Asi amwe vanofunga kuti zvakatangira paMuchinjikwa. Vanhu vakazogona kurarama hupenyu hweAmwari mushure mekumuka kwaJesu kuvakapfa. Mweya Uneyera ndivo vanoyita kuti tigone kurarama hupenyu uhu. Saka kumuka kwaMuponesi Jesu ndiko kwakayita kuti anhu vagone kuwana Ruponeso.

Izvi zvidokosha. Unofanira kuzvinzvisisa. Ndizvo zvinorayikidza kuti wuri kurarama hupenyu hweVamwari here kana kuti uri kungonamata. Anhu vakanga vasingagoni kusanduhwa rudzi. Vasiyitiwa vemurombe waMwari. Vasiwana hupenyu husingaperi. Izvovzo zvakazongogoneka mushure mekumuka kwaJesu kuadopfa. Kupfa kwavo kwakangoripa zvitadzo zvedu. Kwakaripira zvitadzo zvenyika yose.

Mwari vayingoda chipiriso chibodzi. Ndicho chavaitsvaga kuripira zvitadzo. Vapiri vekare vaiseyenzesa murombe wezvipfuwo. Ndiwo wavaiseyenzesa kuripira zvitadzo. Asi vaifanira kuripira zvitadzo gore ribodzi noribodzi. Murombe uyu waisagona kubvisa zvitadzo. AHebheru yegumi ndima yegumi neibodzi kusvika gumi neina ineti, “Nokuti apiri vekare. Vose zvavo. Vaisigara vadomira zuva ribodzi noribodzi . Vasishumira. Vasipira zvibayiro. Asi zvibayiro izvozvo zvaisagona kubvisa zvivi. Kunyangwe ivo vayigara vasingozvipira. Asi murume uyu akangopira chibayiro chibodzi chete chezvitadzo. Akachipira kabodzi. Ndokubva agara pasi. Kurudyi hwaMwari. … Nokuti nechipiriso chibodzi. Akabva aponesa vose vaya vanofanira kuyitiwa atsvene”.

Rupfu hwavo hwakangobhadharira zvitadzo zvedu chete. Asi izvozvo zvegani zvakanga zvisinayi kukwana. Mwari vaisangotsvaga kuti zvitadzo zvedu zvibhadharihwe. Vayida kuti tirarame hupenyu husinayi zvitadzo. Hupenyu uhu ndihwo hwakazounziwa nekumuka kwavo kuvakapfa. Isu takapfa navo pavakapfa. Takayigiwa navo muguva. Tikazomuka navo pavakamuka kuadopfa.

Apa ndipo pavakazvahwa kechipiri. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa muna Mabasa Yaapositori yegumi nenhatu ndima yemakumi matatu nenhatu. Inoti, “Mwari vakazozviyita. Vasizviyitira isu ana avo. Mwari vakamutsa Jesu kuadopfa. Vakavamutsa sezvakanyohwa Munziyo yechipiri. Umo makanzi, ‘Ndiwe mwanakomana wangu. Ndakuzvara nhasi’”. Jesu ndivo wekutanga kuzvahwa kechipiri. Vakazvahwa kudayi mushure mekunge vambopfa. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa muna Zvidozaruhwa yekutanga ndima yechishanu. Isu takazozvahwa kechipiri mumashure mavo. Tisiri panyika pano zvedu. Asi tidofanana navo pazvose. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa mutsamba yekutanga yaJohwani chitsauko chechina ndima yegumi nenomwe. Varoma yechitanhatu ndima yechinayi inoti, “Kureya kuti patakanyikiwa kudayi. Takafushihwa pabodzi navo. Kuti tirarame hupenyu hutsva. Sezvo Muponesi vakamutsiwa kuadopfa. Vasimutsiwa nesimba raBaba”.

Isu tiri zvibereko zvekumuka kwavo kuadopfa. Saka iweiwe ungava wakazvahwa kechipiri. Apa ndipo pawakauya wasanduka rudzi. Wakanga wava wemurombe mutsva. Wakanga waa werudzi hweanhu vakakurira rupfu. Iri ndiro shoko reRuponeso. Hareruya.

Pupura Usiti
Baba vandineda. Ndinokutendayi. Muponesi Jesu vakamuka kuadopfa. Izvozvo ndizvo zvidoyita kuti ndisanduhwe rudzi. Ndiitiwe munhu wemurombe weAmwari. Ndiri chibereko chekumuka kwaJesu kuadopfa. Ndakazvahwa kechipiri. Ndava wemurombe wekururama. Ndaa kukurira zvinhu zvenyika yino. Ndaa kutonga. Ndinorarama semunhu werudzi hwaMwari. Handisakurihwi nezvitadzo. Handisahware Handisakurihwi nezvinhu zvenyika yino. Hareruya.

Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
aRoma 8 ndima 11
2 aKorinde 5 ndima 17
aKorose 3 ndima 1