7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Soko ReRuponeso Chairo

Mugovera, 27 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Kurewa kuti patakanyikwa kudai. Takafutsirwa pamwepo nawo. Kuti tizorarama hupenyu hunyowani. Sezvo Muponesi akamutswa kuakafa. Achimutswa nesimba raBaba” (Varoma 6 v 4).

Dzimweni nguwa ndinobvunza Vatsvene ndichiti, “anhu akazokona kurarama hupenyu hweVamwari zvaita sei?” azhinji awo haaziyiba. Asi amwe anofunga kuti zvakatangira paMuchinjikwa. Anhu akazokona kurarama hupenyu hweVamwari musure mekumuka kwaJesu kuakafa. Mweya Mutsvene ndiwo anoita kuti tikone kurarama hupenyu uhu. Saka kumuka kwaMuponesi Jesu ndiko kwakaita kuti anhu akone kuona Ruponeso.

Izvi zvakakosha. Unofanire kuzvizwisisa. Ndizvo zvinopangidza kuti uri kurarama hupenyu hweVamwari here kana kuti uri kungonamata. Anhu akanga asingakoniba kushandurwa rudzi. Achiitwa eropa raMwari. Achiona hupenyu husingaperiba. Izvovzo zvakazongokoneka musure mekumuka kwaJesu kuakafa. Kufa kwawo kwakangoripa zviwi zvedu. Kwakaripa zviwi zvenyika yose.

Mwari aindoda chipiriso chimwe basi. Ndicho chaaitsvaka kuripira zviwi. Apiri ekare aishandisa ropa rezvipfuwo. Ndiro raaishandisa kuripira zviwi. Asi aifanira kuripira zvivi gore rimwe nerimwe. Ropa iri raisakonaba kubvisa zviwi. Vahebheru 10 v 11 kusvika 14 inoti, “Nekuti apiri ekare. Ese zvawo. Aisigaraba akamira zuwa rimwe nerimwe. Achishumira. Achipira zvibayiro. Asi zvibayiro izvozvo zvaisakonaba kubvisa zviwi. Kunyangwe iwo aigara achingozvipira. Asi murume uyu akangopira chibayiro chimwe basi. Chezviwi. Akachipira kamwe basi. Ndokubva agara pasi. Kurundyi rwaMwari. … Nekuti nechipiriso chimwe basi. Akabva aponesa ese aya. Anofanira kuitwa atsvene”.

Rufu rwawo rwakangobhadharira zviwi zvedu basi. Asi izvozvo zvega zvakanga zvisina kukwanaba. Mwari aisandotsvake kuti zviwi zvedu zvibhadharirwe. Aide kuti tirarame hupenyu husina zviwi. Hupenyu uhu ndihwo hwakazouzwa nekumuka kwawo kuakafa. Isu takafa nawo paakafa. Takakotswa nawo muguwa. Tikazomuka nawo paakamuka kuakafa.

Apa ndipo paakabarwa kechipiri. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Mabasa 13 v 33. Inoti, “Mwari akazozviita. Achizviitira isu ana awo. Mwari akamutsa Jesu kuakafa. Akaamutsa sezvakanyorwa Murwiyo rwechipiri. Umo makanzi, ‘Ndiwe mwanakomana wangu. Ndakubara namasi’”. Jesu ndiwo wekutanga kubarwa kechipiri. Akabarwa kudai mushure mekunge ambofa. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa muna Zvakazarurwa 1 v 5. Isu takazobarwa kechipiri mushure mawo. Tichiri panyika pano hedu. Asi takafanana nawo pazvese. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba yekutanga yaJohane 4 v 17. Varoma 6 v 4 inoti, “Kurewa kuti patakanyikwa kudai. Takafutsirwa pamwepo nawo. Kuti tizorarama hupenyu hutsva. Sezvo Muponesi akamutswa kuakafa. Achimutswa nesimba raBaba”.

Isu tiri zvibereko zvekumuka kwawo kuakafa. Saka iwe ungaa wakabarwa kechipiri. Apa ndipo pawakauya washanduka rudzi. Wakanga wawa weropa nyowani. Wakanga wawa werudzi rweanhu akakurira rufu. Iri ndiro soko reRuponeso. Hareruya.

Pupura Uchiti
Baba andinoda. Ndinokutendai. Muponesi Jesu akamuka kuakafa. Izvozvo ndizvo zvakaita kuti ndishandurwe rudzi. Ndiitwe munhu weropa reVamwari. Ndiri chibereko chekumuka kwaJesu kuakafa. Ndakabarwa kechipiri. Ndaa weropa rekururama. Ndaa kukurira zviro zvenyika ino. Ndaa kutonga. Ndinorarama semunhu werudzi rwaMwari. Handichakurirwiba nezvivi. Handicharwariba. Handichakurirwibahe ngezviro zvenyika inoba. Hareruya.

Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
VaRoma 8:11 NIV; 2 VaKorinte 5:17; VaHeberu 10:11-14 NIV


(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)