7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Mwari Vadoronga Kuti Uve Muridzi WeZvinhu Zvose
Chipiri, 30 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Imo muna Muponesi matakawanira pfuma. Sezvavakanga vagara vakaronga. Ivo vanoyita zvinhu zvose nenzira yavo. Sekuronga kwavo” (aEfeso 1 ndima 11).
Mwari ndivo vadotuma Muponesi Jesu. Vane zvavakanga vari kuda kuyita panyika. Vakanga vasiri kungotsvaga kutiponesa kubva kuzvitadzo. Vane pfuma yavakanga vasida kutipasa. Pfuma iyi ndiyo iya yakanga yayimbisiwa Abhurahama. Isu taa aridzi vepfuma iyi. Pfuma iyi iri muzita redu. Iri muzita raJesu zvekare. Izvi ndizvo zvatinoyerenga muna aRoma yechisere ndima yegumi nenomwe. Kureya kuti pfuma yaMuponesi yose ndeyakowo iweiwe. Muponesi havagoni kuija usibo.
Zvino pfuma yaMuponesi ndeyipi? Yakawanda zvakadiyi? Nyika yose ndeya Muponesi. Zvinhu zvose zviri munyika ndezvavo zvekare. Izvi ndizvo zvinonyayira Bhaibheri. Tinozviyerenga muna Mapisarema yemakumi mayiri neina ndima yekutanga. Inoti, “Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mayiri, nyika, navose vanogara makaremo”. Saka pfuma yacho yidowanda zvikuru. Hayiperi. Pauro anotibatsirawo kuziya pfuma iyi. Tinoyerenga mashoko yake muna aEfeso yetatu ndima yechisere. Ineti, “Iye ini. Munhu mudiki fani kuatsvene vose. Ndakapiwa nyasha idzi. Kuti ndiende kuanhu asiri aJudha. Ndivaziyise nezve pfuma yavo. Isingayerengeki. Iri muna Muponesi”.
Pfuma yose iyi ndeyakowo iweiwe. Waa kuzikamwa nezita raMuponesi. Saka ndiwe muridzi wepfuma yavo. Iweiwe hauzi kuzopiwa pfuma yacho rimwe zuva. Inotova yako nechakare. Izvi ndizvo zvatanangara momuye muna aEfeso yekutanga ndima yegumi neibodzi. Iweiwe wava muna Muponesi. Saka waa kugona kushandisa pfuma yose yaMwari. Wava kugona kushandisa mazano yavo. Pfuma yavo yaa yako. Wava nerugare hwavo. Wava werudzi hwavo.
Asi izvi hazvizi izvo zvegani. Wakapihwawo Mweya Uneyera. Ndivo vawakafanobatisiwa. Usimirira imwe pfuma yako yose. Mweya Uneyera ava ndivo vadotakura pfuma yaMwari yose. Izvi zvinoreya kuti zvinhu zvose zvaa zvako. Izvi zvinozokubatsira kunzvisisa mashoko yaMweya Uneyera . Iwo aya avakaseyenzesa Pauro kunyayira. Tinoyaerenga mutsamba yekutanga kuAkorinde chitsauko chechitatu ndima yemakumi mayiri neibodzi kusvika makumi mayiri nembiri. Inoti, “Saka ngakurege kuva nemunhu anovimba nemumwe munhu. Nokuti zvinhu zvese ndezvenyu. Angava Pauro. Kana Aporosi. Kana Kefasi. Kana nyika yino. Kana hupenyu. Kana rupfu. Kana zvinhu zviripo nhasi. Kana zvisazouya mangwana. Zvinhu izvi ndezvenyu zvose”.
Saka usazvinangare semunhu mudiki. Hayikona kuzvinangara semunhu asinayi chingamubatsira. Iweiwe wakaketewa. Mwari vakagara varonga hupenyu hwako. Vakatoronga kuti uve munhu mukuru. Iweiwe waa muna Muponesi Jesu. Saka zvinhu zvose zvaa zvako. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa mutsamba yechipiri yaPita chitsauko chekutanga ndima yechitatu. Ineti, “Kuziya ivo vakatitora kuti tive anhu verudzi hwavo. Vadokwana. Kwakaita kuti simba ravo reAmwari ritiwanise zvinhu zvose zvinodikamwa pahupenyu nepakunamata Mwari”. Sifunga semuridzi wezvinhu zvose.Nyayira semuridzi wezvinhu zvese. Rarama semuridzi wezvinhu zvose.
Pupura Usiti
Ini ndiri muna Muponesi. Ndine pfuma yandakawana muna Muponesi umu. Zvinhu zvose ndezvangu. Ndakapasiwa chiropafadzo chaAbhurahama. Ndinotonga zvinhu zvenyika yino. Ndinobudirira pane zvose zvandinoyita. Ndinofarihwa naMwari. Ndinorarama semunhu ane pfuma. Muzita raJesu. Ameni.
Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
aRoma 8 ndima 17
aGaratiya 4 ndima 7
aEfeso 1 ndima 11–14