7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Korekore
Ndau
Ndebele
Shona
Mwari akaronga Kuti Uwe Muridzi WeZviro Zvese
Chipiri, 30 Zvita 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
“Imo muna Muponesi matakawanira pfuma. Sezvaakanga agara akaronga. Iwo anoita zviro zvese nenzira yawo. Sekuronga kwawo” (Vaefeso 1 v 11).
Mwari ndiwo akatuma Muponesi Jesu. Ane zvaakanga ari kuda kuita panyika. Akanga asiri kungotsvaka kutiponesa kubva kuzviwi. Ane pfuma yaakanga achida kutipa. Pfuma iyi ndiyo iya yakanga yawimbiswa Abhurahama. Isu taa aridzi efuma iyi. Pfuma iyi iri muzita redu. Iri muzita raJesuhe. Izvi ndizvo zvatinoerenga muna Varoma 8 v 17. Kurewa kuti pfuma yaMuponesi yese ndeyakowo iwe. Muponesi haakoniba kuidya usipoba.
Hino pfuma yaMuponesi ndeipi? Yakawanda zvakadini? Nyika yese ndeya Muponesi. Zviro zvese zviri munyika ndezvawohe. Izvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri. Tinozvierenga muna Mapisarema 24 v 1. Inoti, “Nyika ndeyaJehovha, nezvese zviri mairi, nyika, naese anogaramo”. Saka pfuma yacho yakawanda maningi. Haiperiba. Pauro anotibatsirawo kuziya pfuma iyi. Tinoerenga masoko ake muna Vaefeso 3 v 8. Inoti, “Iye ini. Munhu mudoko maningi kuatsvene ese. Ndakapuwa nyasha idzi. Kuti ndiende kuanhu vasiri Vajudha. Ndiaziyise nezve pfuma yawo. Isingaerengeki. Iri muna Muponesi”.
Pfuma yese iyi ndeyakowo iwe. Wawa kuzikanwa ngezita raMuponesi. Saka ndiwe muridzi wepfuma yawo. Iwe hausiba kuzopuwa pfuma yacho rimwe zuwa. Inotowa yako nechakare. Izvi ndizvo zvataona muna Vaefeso 1 v 11. Iwe wawa muna Muponesi. Saka wawa kukona kushandisa pfuma yese yaMwari. Wawa kukona kushandisa mazano awo. Pfuma yawo yawawo yako. Wanerugare rwawo. Waa werudzi rwawo.
Asi izvi hazvisizvo zvegaba. Wakapuwawo Mweya Mutsvene. Ndiwo wawakafanobatiswa. Uchimirira imwe pfuma yako yese. Mweya Mutsvene aya ndiwo akatakura pfuma yaMwari yese. Izvi zvinorewa kuti zviro zvese zvawa zvako. Izvi zvinozokubatsira kuzwisisa masoko aMweya Mutsvene. Iwo aya aakashandisa Pauro kutaura. Tinoaaerenga mutsamba yekutanga kuVakorinde 3 v 21 kusvika 22. Inoti, “Saka ngakurekere kuwa nemunhu anowimba neumwe munhu. Nekuti zviro zvese ndezvenyu. Angaa Pauro. Kana Aporosi. Kana Kefasi. Kana nyika ino. Kana hupenyu. Kana rufu. Kana zviro zviripo namasi. Kana zvichazouya mangwana. Zviro izvi ndezvenyu zvese”.
Saka usazviona semunhu mudokoba. Usazviona semunhu asina chingamubatsiraba. Iwe wakasarudzwa. Mwari akagara aronga hupenyu hwako. Akatoronga kuti uwe munhu mukuru. Iwe wawa muna Muponesi Jesu. Saka zviro zvese zvaa zvako. Izvi ndizvo zvatinoziyiswa mutsamba yechipiri yaPita 1 v 3. Inoti, “Kuziya iwo akatitora kuti tiwe anhu erudzi rwawo. Akakwana. Kwakaita kuti simba rawo reVamwari ritiwanise zviro zvese zvinodikanwa pahupenyu. Nepakunamata Mwari”. Chifunga semuridzi wezviro zvese. Taure semuridzi wezviro zvese. Rarama semuridzi wezviro zvese.
Pupura Uchiti
Ini ndiri muna Muponesi. Ndine pfuma yandakawana muna Muponesi umu. Zviro zvese ndezvangu. Ndakapuwa chiropafadzo chaAbhurahama. Ndinotonga zviro zvenyika ino. Ndinobudirira pane zvese zvandinoita. Ndinofarirwa naMwari. Ndinorarama semunhu ane pfuma. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimweni vhesi Dzinotsigira Chidzidzo Chanamasi
VaRoma 8:16-17; VaGaratia 4:7; VaEfeso 1:11-14; 1 VaKorinte 3:21-22 NIV
(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)