7.am is finding a new home!
We're moving to RhapsodyNow.co.za. Please save the new site for quick access.


Chigarwe English Korekore Ndau Ndebele Shona 

Chiyedza Chako Chinofanira Kupenya

Chitatu, 31 Zvita 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

“Imi ndimi chiyedza chenyika. … Saizvozvo chiyedza chenyu ngachivhenekere pamberi paanhu. Kuti vanangare mabasa yenyu yadonaka. Vekudza Baba venyu vari kudenga. Nokuziva kuti Baba ava. Ndivo Mwari” (Matiyo 5 ndima 14,16).

Chiyedza ndicho chinorayikidza anhu zviripo. Ndicho chinorayikidza anhu nzira. Chiyedza hachihwisane nerima. Rima rinongochitiza. Iweiwe uri chiyedza chenyika yino. Kureya kuti rima harigoni kugara pawunenge uri. Ndiwe unounza chiedza panzvimbo.Wusiyita kuti nzeru dzeanhu dzivhurike. Usiatungamirira. Usiarayikidza chokwadi.

Iweiwe uri Mumwari. Hupenyu hwako hunofanira kufumura hunyengeri. Hunofanira kubatsira anhu. Hunofanira kurayikidza anhu nzira yekururama. Anhu anofanira kunangara Mwari pawuri. Anofanira kuanangara muzvinhu zvose zvawunoyita. Mwari vanoda kuti kururama kwavo kunangahwe mumashoko yawunonyayira. Vaneda kuti kunangahwe muzvinhu zvawunoyita. Vanoda kuti kunangahwe mukupupura kwako. Nemukufarira anhu kwaunoita. Vanoda kuti zvive pachena kuti iweiwe wava Mumwari.

Nangara zvekare mashoko yaTenzi. Iwayo atavhura nawo. Vakati, “Imi ndimi chiyedza chenyika. Guta rakavakiwa pagomo haringavanziki. Uye havangatungidzi mwenje. Vowuyisa pasi pedengu. Asi pachigadziko. Kuti uvhenekere vose vari mumba. Saizvozvo chiyedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu. Kuti vanangare mabasa yenyu yadonaka. Vakudze Baba venyu vari kudenga. Nokuziya kuti Baba ava. Ndivo Mwari”.

Vanhu ngavangare Humwari hwako. Nyayira semunhu anovimba naMwari. Iva nehanya neanhu. Nyayira semunhu adozvipira kushoko reRuponeso. Ita zvinhu zvako semunhu akazvipira kuna Muponesi. Pangayita anhu vasati vakamboyerenga Bhaibheri. Vanhu ava ngavayerenge mashoko yaMuponesi pawuri. Nokuti iwe uri tsamba yaMuponesi. Izvi ndizvo zvatinoziyisiwa mutsamba yechipiri kuaKorinde chitsauko chechitatu ndima yechitatu. Pawuri ndipo panonangahwa Mwari.

Saka vhenekera nyika yako. Vhenekera anhu vari pawuri. Vavhenekere nechiyedza chaMuponesi. Icho chiyedza chiya chiri mawuri. Isaya yemakumi matanhatu ndima yekutanga inoti, “Simuka, upenye nokuti chiyedza chako chasvika, uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako”. Saka iweiwe hawugoni kuketa kusapenya. Mwari vakatokurayira kuti upenye. Ivo vakakuita mwenje unopisa. Vakakuyita mwenje unovhenekera. Saka vhenekera vanhu vari pawuri. Ngavanangare Ruponeso hwaJesu pawuri. Ngavanangare kururama kwaMwari pawuri. Ngavanangare nyasha dzaMwari pawuri. Hareruya!

Namata Usiti
Baba vandineda. Ndinokutendayi. Makandiyita chiyedza chenyika. Vanhu vanonangara chiyedza chenyu pandiri. Saka vanonangara kuti imimi munovafarira. Vanonangara chokwadi chenyu nonyasha dzenyu pandiri. Chiyedza changu chinokwevera anhu kuna Muponesi. Zvisiyita kuti imimi mukudziwe saMwari nguva dzose. Muzita raJesu. Ameni.

Kuyingidzira Chidzidzo ChaNhasi
aFiripi 2 ndima 15
Isaya 60 ndima 1–3
aEfeso 5 ndima 8–9

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church)