7.am is finding a new home!
We're moving to
RhapsodyNow.co.za
. Please save the new site for quick access.
Chigarwe
English
Manyika
Ndau
Shona
Kuramba Uyihidzana NaMwiya Mutsvene
China, 19 Kukadzi 2026,
*TAVA KUTSVAKA MUTADZI WEKUPEDZISIRA!. Mari yako inogona kutibatsira pabasa iri. Itume neEcoCash kuTNI Zimbabwe pa *151*2*7*58225# (Nyora Assembly seshoko rimwe chete)*
Ngekuti kufunga kwepanyama hupfa, asi kufunga kwepamwiya upenyu ngerugare. (WaRoma 8 ndima 6).
Nguwa dzidowanda, wanhu wangonetseka kuhidzana naMwiya Mutsvene zvediko ngekuti wangonga wayirarama kubva munzero dzawo. Wapwere wenyama, wadozara ngezviro zvepanyika wayindofunga zvemafambiro ezviro panyika. Asi Bhayibheri ringoti, kufunga kwepanyama hupfa asi kufunga kwepamwiya upenyu ngerugare.
Kana pane shiro shingofanira kukara kunewe, kurarama uyihidzana naMwiya Mutsvene, kuziwa kuwa munhu kwashe, uyibhuya naye ngekufamba naye mazuwa etse. 2 WaKorinde 13 ndima 14 ingoti, "Nyasha dzaTenzi Yeso Kristo, ngerudo rwaMwari, ngekuhidzana kwaMwiya Mutsvene, ngakuwe nemwe metse. Ameni."
Tawura naTenzi nguwa dzetse. Utsandonamate basi kana uruda shiroba, ramba udosumudzira kuhidzana kuripo kwerudo pakati pemwiya wako ngewawo. Kuwirirana ikoku ndiko wangoda. Ita kuti kurambe kuripo. 1 WaKorinde 1 ndima 9 ingoti, Mwari wadotendeka, awo mudodayidzwa ndiwo mukuhidzana kweMurumbwana wawo, Yeso Kristo Tenzi wasu. Kuhidzana kubhuyirana, kubatana pamwepo, kumwisidzana.
Kubva kuna Genesisi kusvika kuna Zvidozarurwa, tingowona kuti Mwari wangotawura. Wadotawura apo wadosika denga ngenyika. Wadotawura kuna Adhamu, Noah, Abhurahama, Mozisi, maporofita ngekuburikidza ngeMurumbwana wawo Yeso Kristo. Kana nanyamusi, washarundotawura, kuburikidza ngeSoko rawo naMwiya Mutsvene. Saka iwewe fund kuterera ngekuwapindurawo muyiwara ngekuhidzana kwediko. Ndiwo upenyu hwemuMwiya.Hareruya!
Munamato
Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngekundiwunza mukuhidzana kwewaMwari nemwe. Ndingoziwa kuwapo kwanu munene, ndingopembera ngemukana ngeshikomborero shekuwirirana nemwe nguwa dzetse. Kuburikidza ngekuhidzana ikoyiko, ndingotungamirirwa, ndingogwinyiswa, ngekukurudzirwa kurarama upenyu hwepamutsoro muna Kristo ndiyizazitsa shinangwa shangu, muZita raYeso. Ameni.
Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
2 WaKorinde 13 ndima 14
Yohane 16 ndima 13
1 WaTesaronika 5 ndima 17
(Zvafundiswa izvi zvatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa ndi:
Mufundisi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriona pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimweni zvinofundiswa munozviona pa: https://bit.ly/Shona_Church