English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 


Kunyaradza Kwemagwaro

Chipiri, 14 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Ngekuti zvetse zvidonyorwa kara, zvidonyorwa kuti ifefe tifunde, kuti tiyite tarisiro ingobva pakushingirira ngepakunyaradza kweMagwaro (WaRoma 15 ndima 4).

Mwari wadopangidza kuwa ngehanya nefe maningi wayibva watipa Magwaro Matsvene, tsetsamba iyo wadotitumira kuti kuburikidza ndiwo, tiwe ngetarisiro. Ndiyo ndawa inene ndiyifarira kufunda ndafundazve Bhayibheri. Apo ndingorifunda, ndingowona gwara. Ndingotambira rutendo. Ndingozazwa ngetarisiro. Ndingoringa remangwani ngatarisiro hombe. Zvisinenyi kuti shinyi shiruyitika munyika, ndingoramba ndidoringa kuSoko raMwari. Ndingosharo ngekuti ndine tarisiro kuburikidza ngekunyaradza kuri mumagwaro.

Kunene, Bhayibheri shiro shipenyu, inzwi mhenyu raKristo. Tsemuwenzaniso, petse apo ndingoti, Ari munene mhukuru kudarika ari munyika, ndingonga ndisirundotawura ndima yemuBhayibheriba. Ndirudayira kunzwi mhenyu raMwari iro wadondipa parwendo rwangu rwehupenyu. Wangozviziwa kuti hatikwanisi kuwawona ngemadziso asu enyama mazuwa etseba. Wangoziwa nhamo idzo tingosongana ndidzo ngenguwa idzo tingotsuwira kuti dayi tawawona. Asi wadotipa shina shingotibatsira maningi, Soko Rawo.

Waruda kuti uwimbe ngeSoko, ngekuti harikundikaniba. Izaya 55 ndima 11 ingoti, "Ndizvo zvishayita Soko rangu iro ringobuda mukamwa mangu, haridzokeri iyo ndiri risina shiroba, asi rishayita izvo ndingoda, riyibudirira mune izvo ndingonga ndarituma." Matewu 24 ndima 35 ingobva yati Tenzi Yeso wadoti, "Denga ngenyika zvishadarika, asi masoko angu haadarikiba."

Zvirupangidza kuti Soko raMwari ndiro hwaro hungowimbika ndiwo. Hakuna Soko rawo rimwe ridombombundaba kana kuti rishazombunda tsezvidotawurwa ndiJoshwa apo adoti muna Joshwa 21 ndima 45, "Hakuna shiro shimwe shezviro zvidonaka zvidonga zvatawurwa ndiJehovha kuumba yeIzirayiri shidombundaba; zvetse hazvo zvidoyitika." Pamutsoro pezvo, magwaro angokupa kukwanisa kuronga zviro zvehupenyu hwako."(Joshwa 1 ndima 8 AMPC). Ndiyo ndawa tiyikoshesa kufunda ngekudzeya Soko raMwari. Zvetse izvo ungokwanisa kuyita muhupenyu hwako zvidoputirwa muSoko raMwari. Saka kara uri paSoko. Rarama ngeSoko.

Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngeshikomborero shemagwaro, Soko ranu mhenyu iro ringonditungamirira, ringondikurudzira ngekundigwinyisa. Kuburikidza ngekunyaradza kwemagwaro, ndatine tarisiro, ndatufamba muhungwaru, murutendo ngekutarisira kukuru kune remangwani ridonaka. Soko raMwari shiyedza shangu shemazuwa etse, ndingorarama ngediko raro. MuZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
2 Timoti 3 ndima 15 kusvika 16
Joshua 1 ndima 8
Mapisarema 119 ndima 105

Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church