English
Manyika
Nambya
Ndau
Ndebele
Shona
Magwaro Anonyaradza
Chipiri, 14 Gumiguru 2025
*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze
Nokuti zvinhu zvakanyorwa kare zviya. Zvakanyorerwa isu. Kuti zvitibatsire kudzidza. Tigova nemoyo murefu. Tichizorodzwa nemagwaro (Varoma 15 ndima 4).
Mwari vane hanya nesu chose. Ndiko kusaka vakatipa Magwaro Matsvene. Magwaro aya inotova tsamba yavakatinyorera. Itsamba yavanoda kuti itinyaradze. Zvichizoita kuti tive netariro.
Ndiko kusaka ini ndichida kudzidza Bhaibheri. Handitoneti kuridzokorora. Magwaro anondipa gwara rekufamba naro. Anondipa simba rekuvimba naMwari. Anondipa tariro. Anoita kuti ndigone kutarisira zvinhu zvakanaka. Saka pangava nezvinhu zviri kuitika munyika. Zvinhu izvi hazvindivhundusi. Meso angu anoramba ari paShoko raMwari. Magwaro anondinyaradza. Achiita kuti ndive netariro. Saka hapana chinogona kundivhundusa.
Bhaibheri ibenyu kwandiri. Rinotova inzwi randinonzwa richitaura. Inzwi raMuponesi. Saka ndingataura ndichiti, Ari mandiri ndiye mukuru. Akadarika ari munyika. Ndinenge ndisiri kungotaura zviri muBhaibheri. Ndinenge ndiri kutodavira kuinzwi. Iro inzwi randakapiwa naMwari. Vachindipa kuti rindiperekedze muhupenyu. Isu hativoni Mwari nemeso edu nguva dzose. Tinopota tichisangana nezvinhu zvakawoma. Tichitombodemba kuti deno Mwari vauya kuzotibatsira vomene. Mwari vanoziva zvose izvi. Asi vane chinhu chavakatipa. Chinhu ichi ndicho chinotonyanya kuvimbika. Chinhu chacho iShoko ravo.
Mwari vanoda kuti uvimbe neShoko ravo. Shoko iri harina charinokoniwa kuita. Isaya yemakumi mashanu neshanu ndima yegumi neimwe inoti, ndizvo zvakangoitawo shoko rangu rinobva mumuromo mangu, haridzokeri kwandiri risina charinacho; asi richatoita zvandinenge ndati riite richibudirira kuita zvandinenge ndarituma kuita. Ishe Jesu vane mashoko avakambotauravo. Tinoaverenga muna Matiyo yemakumi maviri nena ndima yemakumi matatu neshanu. Inoti, Denga ringapfuura. Nyika ingapfuura. Asi mashoko angu haangapfuuri. Haagoni kusara asina waakananga.
Shoko raMwari rinovimbika. Rinovimbika kudarika zvimwe zvinhu zvose. Izvi ndizvo zvatinovona mundima idzi. Hapana rimwe remashoko avo risina kuitika. Izvi ndizvo zvatinovona muna Joshua yemakumi maviri neimwe ndima yemakumi mana neshanu. Inoti, Hakuna kana chinhu chimwechete chakanaka chakanga chatsidzirwa vaIsiraeri naTenzi chisina kuzoitika; zvose zvakaitika.
Magwaro anokupavo simba. Achiita kuti ugone kuita zvinhu zvako nehungwaru. Izvi ndizvo zvatinovona muna Joshua yekutanga ndima yesere. Ndiko kusaka tichikurudzira kuti pfungwa dzako dzigare dziri paShoko iri. Iro richigara riri mupfungwa dzako. Uchigara uchiridzeya mumoyo mako. Pangava nezvinhu zvaunoda kuva muhupenyu. Zvinhu zvose izvi zviri muShoko raMwari. Saka gara uri paShoko raMwari. Rishandise pakurarama kwako.
Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Makatipa Magwaro. Magwaro aya chinotova chiropafadzo. Rinotova shoko benyu. Rinonditungamirira. Rinondisimbisa. Rinondigwinyisa. Magwaro aya anondinyaradza. Saka anondipa tariro. Ndinoshandisa mazano aMwari pakurarama kwangu. Ndinovimba naMwari. Ndinoshinga kurarama hupenyu hweVamwari. Shoko renyu chiedza. Ndicho chiedza chandinoshandisa zuva rimwe nerimwe. Ndinoshandisa chokwadi charo pakurarama kwangu. Muzita raJesu. Ameni.
Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
2 Timoti 3 ndima 15 kusvika 16
Joshua 1 ndima 8
Mapisarema 119 ndima 105
Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church