English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 


Kubviswa Kwezvitadzo Ngekusingaperiba

Muvhuro, 20 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Uyo watine rudzikunuro umo ari kuburikidza ngeropa rashe, iko kurekererwa kwezvitadzo zviri mayererano ngekupfuma kwenyasha dzaMwari (WaEfeso 1 ndima 7).

Wayizviziwa yere kuti Bhayibheri harititawuriri kuti tikumbire kurekererwa kuna Mwariba? Pamutsoro Pezvo, Mwari hawadomboronga kukurekerera ngenzira ingofungwa ngewadowanda. Wadoyita shiro shikuru kudarika kurekerera, wadotipa kugezwa kezvitadzo kwako.

Kurekerera zvingotawura kusatongwaba. Kutawura kuti zvitadzo kana zvidonyangadzwa ngemutadzi uyu zvingoramba zviripo, zviyizikanwa kana kunyorwa patsi. Angonga asina kutongwaba basi kana kuzviripira. Ndiko kurekerera kungoyita wanhu ikoku. Asi tsandizvo zvidoyitwa ndiMwariba muna Yeso Kristo. Sungano Itsva ingotiwunza kudiko shayiro rekubviswa kwezvitadzo.
1 Yohane 1 ndima 9 ingoti, ... Wadotendeka ngekururama pakutirekerera zvitadzo zvasu. Asi inzwi reshiGiriki rekuti kurekerera apa ndi aphiemi, iro ingobva painzwi rekuti aphesis. Soko iri haritawuri "kukanganwirwaba. Ringotawura kwako kuti kudzingira kura, kubvisa zvachose, kana kuti kutsawura kubva. Ndiko kubviswa kwezvitadzo uku, hayikona kurekererwaba. Mwari hawadosiya zvitadzo zvako zviripoba kana kuti zvidonyorwa pena paro wayibva wakurekereraba. Tsandizvoba! Wadozvibvisa zvetse zvachose; zvidodzimwa.

Ndiyo ndawa tisingarambi tiyikumbira kuna Mwari kuti watirekerereba. Muna Kristo, zvitadzo zvasu zvidobviswa; zvidogezwa, hayikona kusvimhwaba. Rufu, kuwigwa ngekumuka kuwapfi kwaYeso kudowunza mubhadharo udozara wezvitadzo, zviyibva zvakusvitsa mukururamiswa kwako kudokwana.

Wena wangotora ndima muna Matewu, Mariko kana Ruka, kutsigira nzero dzawo dzekurekererwa kwezvitadzo. Mumagwaro iwayo, Yeso wadonga warufundisa wanhu wadonga washari patsi peSungano yeKara wasati wapfa ngekumuka kuwapfiba. Asi zvinozvi, tiri zvisikwa zvitsva muna Kristo, Mwari hawana nhorowondo yezvitadzo zvakoba: Saka kana munhu ati muna Kristo. Yati inawo mhuka. Itsva. Izvo adonga ari kara hazvisharipoba. Ringa uwone, zvatipo zvetse zvati zvitsva. (2 WaKorinde 5 ndima 17). Udogezwa, udochenurwa ngekuyereswa. Mwari ngawakonborerwe!
Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngekubviswa zvachose kwezvitadzo uko ndinako muna Yeso Kristo. Ndingofamba mushayedza shekururama kwangu, ndiyiziwa kuti rutadzo ngezviro zvaro hazvina simba pamutsoro panguba. Ndingorarama ngehushingi ndisingashiba, ndiyinakirwa ngekuhidzana nemwe zvisingavhiringwiba. MuZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Vahebheru 10 ndima 16 kusvika 17
Vakorose 1 ndima 12 kusvika 14
Mabasa 13 ndima 38 kusvika 39

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church