English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 


Zvivi Zvedu Zvakabviswa Zvachose

Muvhuro, 20 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Muna Muponesi umu. Ndimo matine rudzikinuro rwakaunzwa neropa ravo. Iro riya rakasuka zvivi. Nokuda kwenyasha dzavo dzakawanda (Vaefeso 1 ndima 7).

Bhaibheri harina kutiraira kuti tikumbire Mwari kuti vatiregerere. Wanga uchizviziva here? Mwari havana kutomboronga kutiregerera zvivi. Ivo vakaita zvinodarika kutiregerera. Vakasuka zvivi zvedu.

Munhu angaregererwa hake. Asi zvivi zvake zvinenge zvichiripo. Anenge asiri kungozvirangirwa chete. Uku ndiko kuregerera kunoita vanhu. Asi izvi hazvisi izvo zvakaitwa naMwari. Hazvisi izvo zvavakaita muna Muponesi Jesu. Vakaita zvekusuka zvivi zvedu. Izvi ndizvo zvatinoziviswa muSungano Itsva.

Tsamba yekutanga yaJohane chitsauko chekutanga ndima yepfumbamwe inoti, Ivo vakatendeka. Uye vakarurama. Saka vanokanganwira zvivi izvi. Mundima iyi mune shoko rinoti, kukanganwira. Shoko iri rinoturikirwa kubva kushoko reChigiriki. Shoko reChigiriki racho nderinoti, aphiemi. Rinotorwa pashoko rinoti, aphesis. Shoko iri harinyanyi kureva kuregerera. Rinoreva kubvisa. Rinoreva kurasira kure. Izvi ndizvo zvinoitika paunosukwa zvivi. Mwari havana kusiya zvivi zvako zviripo. Havana kungosarudza kusakurangira zvivi izvi. Vakatozvibvisa zvachose. Vakazvidzima.

Ndiko kusaka tisingarambi tichingokumbira kuti Mwari vatiregerere. Isu tava muna Muponesi. Zvivi zvedu zvakasukwa. Zvakabviswa. Zvakadzimwa zvachose. Jesu vakafa. Vakavigwa. Vakamuka kuvakafa. Izvozvo ndizvo zvakaripa zvivi zvose. Saka iwe wachenurwa. Hauchina mhosva yawakapara.

Asi kune vamwe vanhu. Vanhu ava vanotora ndima dziri muna Matiyo. Kana Mariko. Kana Ruka. Ndima idzi dzinoita kuti vafunge kuti Mwari vakangotiregerera. Asi Jesu vakanga vasati vafa panguva iyi. Vakanga vasati vamuka kuvakafa. Saka vane vanhu vavaidzidzisa mumagwaro aya. Vanhu vacho vakanga vachiri pasi pesungano yekare. Isu takasiyana nevanhu ava. Tava muna Muponesi. Saka tava zvipuka zvitsva. Mwari havatozivi kuti takambotadza. Izvi ndizvo zvatinovona mutsamba yechipiri kuVakorinde chitsauko cheshanu ndima yegumi nenomwe. Inoti, Saka kana munhu ava muna Muponesi. Yava imwevo mhuka. Itsva. Zvaakanga ari kare hazvichisipo. Tarisa uvone. Zvavapo zvose zvava zvitsva. Saka iwe wakasukwa. Wakacheneswa. Wakachenurwa. Wakaereswa. Mwari ngavaropafadzwe!

Namata Uchiti
Baba vandinoda. Ndinokutendai. Ini ndava muna Muponesi Jesu. Saka zvivi zvangu zvakasukwa zvachose. Ndinorarama semunhu akarurama. Ndinoziva kuti zvivi hazvichanditongi. Nemibairo yezvivi haichagoni kunditonga. Ndinorarama ndakashinga. Ndichidyidzana nemi. Muzita raJesu. Ameni.

Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi
Vahebheru 10 ndima 16 kusvika 17
Vakorose 1 ndima 12 kusvika 14
Mabasa 13 ndima 38 kusvika 39

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Shona)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church