English Manyika Nambya Ndau Ndebele Shona 

Kukurira Nyika Inoyi

Chipiri, 28 Gumiguru 2025

*Tiri kuda kusvitsa dzidziso iyi kuvanhu vose, pasi rose.* Chipo chako chinogona kubatsira pabasa iri. Unogona kuchituma neEcoCash pa: *151*2*6*58225# Mwari vakuropafadze

Ngekuti shiro shinganyi hasho shidobarwa ndiMwari shingokurira nyika: uku ndiko kukunda kungokurira nyika, rutendo rwasu. (1 Yohane 5 ndima 4).

Shimbofunga nyaya yekuti ndima iyo tawamba ndiyo idonyorwa ndiYohane. Mwari wadomupa nzero idzedzo, wadomuvhurira. Adonga asirundoporofitaba, adonga arunyora pamutsoro pehupenyu uhwo tinahwo muna Kristo, hupenyu hudoraramwa ndiye ngewena wadzidzi wetse. Ndiwo mafungiro wadonga wanawo aya. Wadokudzwa kuti wandofunge ngezvekukurira basi.

Wadonga wana Tenzi Yeso wayibva wasvika pakunzwisisa hupenyu hwewaMwari: shiro shetse shidobarwa ndiMwari shingokurira nyika pamwepo ngekuyitiwisa. Izvi kutawura kuti une simba pamutsoro penyika ngekuti udobarwa ndiMwari: Ngekuda kwashe adotibara ngesoko rediko, kuti tiyite mhando yeshibarwa shekutanga shezvisikwa zvashe (Jemusi 1 ndima 18).

Yohane 1 ndima 12 kusvika 13 ingoti, Asi kune wadowanda wetse wadomutambira, adowapa simba rekuti wayite wapwere waMwari, iwawo wangotendera kuzita rashe: Awo wadobarwa hayikona ngeropaba kana ngekuda kwenyama, kana ngekuda kwemwamuna asi ngekuda kwaMwari. Ngekuti udobarwa ndiMwari, udokurira nyika. Uri pamutsoro penyika. Hawuna izvo wayifanira kuyitaba kuti izvi zviyitike; zvidoyitika ngekundobarwa ndiMwari uko udoyitwa basi.Hareruya!

Udokurira nyika ngemayitiro ayo ezviro pamwepo ngehuwori hwayo. Hakuna shiro shiri munyika shingokuyita kuti zviro zvisakurerukireba. Ndiwo mafungiro ungofanira kuyita iwaya. Ungofanira kufundira kuzviwona mushiyedza ishi. Kana zvinetswa zvehupenyu zvawuya, tondera kuti uri wani uyibva watawura kuti une simba pamutsoro penyika inoyi, zvingonetsa zvayo, wawengi ngekutsakara kwayo. Une simba pamutsoro paSatani, hosha ngematenda. Rutendo rwako muna Kristo rwakupa kukunda uku. Hareruya!

Munamato

Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngerutendo rwangu rungondipa kukurira nyika. Handipatitswi ngezvingoyitika panyikaba. Ndingorarama mukubudirira ngekukunda pamutsoro pezviro zvenyika ,zvingopikisa, kutsakara ngehuwori hwayo, ngesimba raMwiya Mutsvene wanu ngekuburikidza ngeSoko ranu. MuZita raYeso. Ameni.

Dzina Ndima Dzekuwerenga Dzingotsinhira Shidzidzo Shenyamusi:
Varoma 8 ndima 35 kusvika 37
Johane 16 ndima 33
1 Vakorinde 15 ndima 57
1 Johane 4 ndima 4

(Chidzidzo ichi chatorwa kubva mu:
Rhapsody of Realities (Manyika)
Rinonyorwa na:
Mufudzi Chris Oyakhilome DSc DD.
Munoriwana pa: https://rhapsodylanguages.tniglobal.org/regions/
Zvimwe zvidzidzo munozviwana pa: https://bit.ly/Shona_Church